bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 35
2 Chronicles 35
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 36 →
1
Ɀino Josia wakaitira Jehova paseka paJerusarema; ʋakaʋuraya gwaiana repaseka ne zuʋa regumi namanna romŋedzi wokutaŋga.
2
Akagadza ʋaprista pamaɓasa aʋo, akaʋatsuŋgisa paɓasa reimba yaJehova.
3
Akati kuʋaRevi ʋaidzidzisa ʋaIsraeri ʋose, ʋakaŋga ʋari ʋatȿene kunaJehova: Isai areka tȿene muimba yakaʋakwa naSoromoni mŋanakomana waDavidi mambo waIsraeri; hamucazoʋi nomutoro pamafudzi enyu; ɀino, shumirai Jehova Mŋari wenyu, naʋanhu ʋake Israeri.
4
Ɀigadzirei, nedzimba dzamadziɓaɓa enyu namapoka enyu, seɀakanyorwa naDavidi mambo waIsraeri, neɀakanyorwa naSoromoni mŋanakomana wake.
5
Mumire panɀimbo tȿene, seɀamakagoʋerwa nedzimba dzamadziɓaɓa ehama dzenyu iʋo ʋana ʋaʋanhu; imba imŋe neimŋe yamadziɓaɓa aʋaRevi ipiwe mugoʋe wayo.
6
Muʋuraye gwaiana repaseka, muɀinatse, mugadzirire hama dzenyu; kuti muite seɀakarebga neshoko raJehova nomuromo waMosesi.
7
Ipapo Josia akapa ʋana ʋaʋanhu ɀimŋe ɀipfuwo, makwaiana nembudzana, ɀose kuti ɀiʋe ɀipiriso ɀepaseka, iʋo ʋose ʋakaŋga ʋari’po, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu, ʋuye nzombe dzineɀuru ɀitatu; iɀi ɀose ɀakabva pafuma yamambo.
8
Namacinda ake akapa ʋo nomŋoyo wose kunaʋanhu, naʋaprista, naʋaRevi. Hirkia, naZekaria, naJehieri, ʋaɓati ʋeimba yaMŋari, ʋakapa ʋaprista ɀipfuwo ɀiɗuku ɀineɀuru ɀiʋiri namazana matanhatu, nenzombe dzinamazana matatu, kuti ɀiʋe ɀipiriso ɀepaseka.
9
NaKonania, naShemaya, naNetaneri, hama dzake, naHashabia, naJeyieri, naJozabadi, ʋakuru ʋaʋaRevi, ʋakapa ʋaRevi ɀipfuwo ɀiɗuku ɀineɀuru ɀishanu, nenzombe dzinamazana mashanu, kuti ɀiʋe ɀipiriso ɀepaseka.
10
Ƃasa rikagadzirwa saiɀoɀo, naʋaprista ʋakamira panɀimbo yaʋo, naʋaRevi pamapoka aʋo, seɀaʋakaŋga ʋarairwa namambo.
11
Ipapo ʋakaʋuraya makwaiana epaseka, ʋaprista ndokusasa ropa raʋakapiwa naʋo, ʋaRevi ʋakaaviya.
12
Ʋakabvisa ɀipiriso ɀinopiswa, kuti ʋaɀipe nemigoʋe yedzimba dzamadziɓaɓa aʋana ʋaʋanhu, kuti ʋaɀiɓayire Jehova, seɀakanyorwa mubuku yaMosesi. Ʋakaita saiɀoɀo nenzombe ʋo.
13
Ʋakagoca paseka pamŋoto, seɀakaŋga ɀarairwa; ʋakaɓika ɀipiriso ɀitȿene muhari, nomumakate, nomumakaŋgo, ʋakacimbidzika kuɀiisa kuʋana ʋose ʋaʋanhu.
14
Pashure ʋakaɀigadzirira iʋo naʋaprista; nokuti ʋaprista ʋanakomana ʋaAroni ʋakaŋga ʋaciɓayira ɀipiriso ɀinopiswa namafuta aɀo kuȿikira ʋusiku; saka ʋaRevi ʋakaɀigadzirira iʋo naʋaprista, iʋo ʋanakomana ʋaAroni.
15
Naʋaimbi iʋo ʋanakomana ʋaAsafi, ʋakaŋga ʋari panɀimbo yaʋo, seɀaʋakaŋga ʋarairwa naDavidi, naAsafi, naHemani, naJedutuni muʋoni wamambo; naʋarindi ʋakaŋga ʋari pamasuʋo ose; iʋo haʋana‐kufanira kubva pamaɓasa aʋo, nokuti hama dzaʋo ʋaRevi dzakaʋagadzirira.
16
Ƃasa rose raJehova rikagadzirwa saiɀoɀo pazuʋa iro, rokuita paseka, nokuɓayira ɀipiriso ɀinopiswa paartari yaJehova, seɀakaŋga ɀarairwa namambo Josia.
17
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋari’po ʋakaita paseka neŋguʋa iyo, nomutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe.
18
Paseka yakaɗai hainakumboitwa pakati paIsraeri kubva pamazuʋa omuprofita Samueri; hakuna‐kumboʋa mumŋe wamadzimambo aIsraeri wakaita paseka yakaŋga yakafanana neyakaitwa naJosia, naʋaprista, naʋaRevi, naʋaJuda naʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋari’po naʋakaŋga ʋagere Jerusarema.
19
Paseka iyo yakaitwa negore regumi namasere rokuɓata ʋushe kwaJosia.
20
Shure kwaiɀoɀo ɀose, Josia agadzira tembere, Neko mambo weEgipita akandorwa naKarkemishi paUfratesi; Josia akandorwa naye.
21
Asi iye wakatuma nhume kwaari, aciti: Ndineiko newe, iwe mambo waJuda? Handina‐kuʋuya kuzorwa newe nhasi, asi neimba yandinosirwa nayo; Mŋari wakandiraira kuti ndicimbidzike; ɀino iwe cirega hako kunetsa Mŋari uneni, kuti arege kukuparadza.
22
Kunyaŋge ɀakaɗaro Josia wakaramba kumurega, asi wakaɀishandura kuti arwe naye; haana‐kuterera mashoko aNeko, akabva pamuromo waMŋari, akaenda kundorwa naye pamupata waMegido.
23
Ɀino ʋafuri ʋoʋuta ʋakafura mambo Josia; mambo akati kuʋaranda ʋake: Ndibvisei, nokuti ndakuʋadzwa kwaɀo.
24
Ipapo ʋaranda ʋake ʋakamubvisa paŋgoro yake, ʋakamuisa paŋgoro yake yecipiri yaakaŋga anayo, ʋakamuisa Jerusarema; akafa, akaʋigwa mumabgiro amadziɓaɓa ake. ƲaJuda ʋose neJerusarema ʋakacema Josia.
25
Jeremia akaita rwiyo rwokucema Josia; naʋaimbi ʋose ʋarume naʋaimbi ʋakadzi ʋakareʋa ɀaJosia panziyo dzaʋo dzokucema kuȿikira nhasi; ʋakaɀiita tsika pakati paIsraeri; tarirai ɀakanyorwa panziyo dzokucema.
26
Ɀino mamŋe maɓasa aJosia, neɀakanaka ɀaakaita, ɀakanzwana neɀakanyorwa mumurairo waJehova,
27
neɀaakaita, ɀokutaŋga neɀokupedzisira, tarirai ɀakanyorwa mubuku yamadzimambo aIsraeri naJuda.
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 36 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36