bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 26
2 Chronicles 26
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 27 →
1
Ɀino ʋanhu ʋose ʋaJuda ʋakatora Uzia, wakaŋga anamakore anegumi namatanhatu, ʋakamuita mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋake Amazia.
2
Iye akaʋaka Eroti, akaridzosera kunaJuda, mambo aʋata namadziɓaɓa ake.
3
Uzia wakaŋga anamakore anegumi namatanhatu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋushe paJerusarema makore anamakumi mashanu namaʋiri; zita ramai ʋake rakaŋga riri Jekiria weJerusarema.
4
Iye akaita ɀakarurama pamberi paJehova, seɀose seɀakaita ɓaɓa ʋake Amazia.
5
Akashiŋgaira kutȿaka Mŋari namazuʋa aZekaria, wakaŋga anenjere pakuziʋa ɀaMŋari; ɀino pamazuʋa aakatȿaka Jehova, Mŋari wakamukundisa.
6
Akandorwa naʋaFiristia, akaputsa ruȿiŋgo rweGati, noruȿiŋgo rweJabne, noruȿiŋgo rweAshdodi; akaʋaka maguta panyika yeAshdodi napakati paʋaFiristia.
7
Mŋari akamuɓatsira pakurwa naʋaFiristia, naʋaArabia, ʋakaŋga ʋagere Guri‐baari, naʋaMeunimi.
8
ƲaAmoni ʋakaʋigira Uzia ɀipo; mbiri yake ikapararira kuȿikira paʋanopinda napo paEgipita; nokuti wakasimba kwaɀo.
9
Uzia wakaʋaka ʋo shoŋgwe paJerusarema pasuʋo rekona, napasuʋo romupata, napakudzoka kworuȿiŋgo, akadzisimbisa.
10
Akaʋaka ʋo shoŋgwe murenje, akacera ʋo madziʋa mazhinji, nokuti wakaŋga aneɀipfuwo ɀizhinji; napamapani ʋo, napanyika yokumakomo; ʋuye wakaŋga ana ʋarimi naʋasimi ʋamazambiriŋga pamakomo napaminda yakaʋorera, nokuti waiɗa minda.
11
Ʋuye ʋo Uzia wakaŋga anehondo yaʋarwi, ʋaindorwa ʋaciita mapoka, seɀaʋakaʋereŋgwa naJeieri munyori, naMaaseya murairi, ʋakatuŋgamirirwa naHanania mumŋe waʋakuru ʋamambo.
12
Ʋose ʋakaʋereŋgwa kuʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, iʋo ʋarume ʋaiʋa nesimba noʋumhare, ʋakaȿika ɀuru ɀiʋiri namazana matanhatu.
13
Iʋo ʋairaira hondo yakaŋga yakadzidziswa, ʋanhu ʋaneɀuru ɀinamazana matatu neɀinomŋe namazana mashanu, ʋaigona kurwa nesimba guru, kuzoɓatsira mambo kurwa naʋaʋeŋgi ʋaʋo.
14
Uzia akaʋagadzirira, iʋo ʋose ʋehondo, nhoʋo, namapfumo, neŋgoani, neŋguʋo dzamatare, noʋuta, namabge okufura nawo.
15
Akaita ʋo paJerusarema micini, yakaitwa naʋanhu ʋakaŋgwara, ikaiswa pashoŋgwe napamakona amaȿiŋgo, kuzoposhera nayo miseʋe namabge makuru. Mbiri yake ikapararira; nokuti wakaɓatsirwa ɀinoshamisa, kuȿikira asimba.
16
Asi wakati asimba, mŋoyo wake ukaɀikudza, akazoita ɀakashata, akatadzira Jehova Mŋari wake; nokuti wakapinda patembere yaJehova kundopisa ɀinonhuwira paartari yeɀinonhuwira.
17
Ipapo muprista Azaria wakamuteʋera akapinda anaʋaprista ʋaJehova ʋanamakumi masere, ʋaiʋa ʋarume ʋoʋumhare.
18
Iʋo ʋakadziʋisa mambo Uzia, ʋakati kwaari: Nhandi Uzia, haɀifaniri kuti imi mupisire Jehova ɀinonhuwira, asi ʋaprista ʋanakomana ʋaAroni, ʋakatsaurwa kupisa ɀinonhuwira; ɓuɗai panɀimbo tȿene, nokuti maɗarika; hamuŋgakudzwi naJehova Mŋari nokuɗa kwecinhu ici.
19
Ipapo Uzia akatsamŋa kwaɀo; ɀino iye wakaŋga akaɓata haryana yeɀinonhuwira kuti apise ɀinonhuwira; ɀino wakati acakatsamŋira ʋaprista, maperembudzi akaɓuɗa pahuma yake pamberi paʋaprista muimba yaJehova, kurutiʋi rweartari yeɀinonhuwira.
20
Ɀino Azaria muprista mukuru naʋaprista ʋose ʋakatarira kwaari, ʋakaʋona kuti waʋa namaperembudzi pahuma yake, ʋakacimbidzika kumuɓuɗisa’po; kunyaŋge naiye wakacimbidzika kuɓuɗa, nokuti Jehova wakaŋga amuroʋa.
21
Ɀino mambo Uzia akaʋa namaperembudzi kuȿikira pazuʋa rokufa kwake, akagara ari oga muimba, anamaperembudzi; nokuti wakadziʋiswa kupinda paimba yaJehova; Jotami mŋanakomana wake akaʋa mutariri weimba yamambo, akatoŋga ʋo mhoȿa dzaʋanhu ʋenyika.
22
Ɀino mamŋe maɓasa aUzia, okutaŋga nookupedzisira, akanyorwa nomuprofita Isaya mŋanakomana waAmozi.
23
Naiɀoɀo Uzia akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga kumadziɓaɓa ake mumunda wamarinda aiʋa amadzimambo; nokuti ʋakati: Unamaperembudzi; Jotami mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→