bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 34
2 Chronicles 34
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 35 →
1
Josia wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore masere; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anamakumi matatu nerimŋe.
2
Akaita ɀakarurama pamberi paJehova, akafamba nenzira yaɓaɓa ʋake Davidi, haana‐kutsaukira kurudyi kana kuruɓoshwe.
3
Nokuti pagore rorusere rokuɓata kwake ʋushe, aciri muɗuku, wakataŋga kutȿaka Mŋari waDavidi ɓaɓa ʋake; ɀino pagore regumi namaʋiri akataŋga kunatsa Juda neJerusarema, acibʋisa matunhu akakwirira, namatanda okunamata nawo nemifananidzo yakaʋezwa, nemifananidzo yakaʋumbga.
4
Ʋakakoromora artari dzaʋaBaari, iye ari’po; akatema mifananidzo yezuʋa yakaŋga yakaitwa pamsoro padzo; akaputsanya matanda okunamata nawo, nemifananidzo yakaʋezwa, nemifananidzo yakaʋumbga, akaɀikuya ɀikaita guruʋa, akarisasa pamarinda aʋaiɀiɓayira.
5
Akapisa mafupa aʋaprista paartari dzaʋo, akanatsa Juda neJerusarema.
6
Akaita ʋo saiɀoɀo pamaguta aManase naEfraimi naSimeoni, kuȿikira paNaftari, pamatoŋgo awo.
7
Akaputsa artari, akakuya matanda okunamata nawo nemifananidzo yakaʋezwa ɀikaita guruʋa, akatema mifananidzo yose yezuʋa panyika yose yaIsraeri, ndokudzokera Jerusarema.
8
Ɀino pagore regumi namasere rokuɓata kwake ʋushe, wakati anatsa nyika neimba, ndokutuma Shafani mŋanakomana waAzaria, naMaaseya, muɓati weguta, naJoa mŋanakomana waJoahazi, sahwira, kundogadzira imba yaJehova Mŋari wake.
9
Ʋakaȿika kunaHirkia muprista mukuru, ʋaka mu pa mari yakaŋga yaiswa muimba yaMŋari, yakaŋga yaʋuŋganidzwa naʋaRevi, ʋatariri ʋemikoʋa, pakati paManase naEfraimi, naʋose ʋakasara ʋaʋaIsraeri naʋaJuda ʋose, naʋaBenjamini, naʋakaŋga ʋagere Jerusarema.
10
Ʋakaipa pamaʋoko aʋaɓati ʋakaŋga ʋacitarira imba yaJehova, naʋaɓati ʋakaŋga ʋaciɓata mumba maJehova, ʋakairipa kuzoʋandudza nokugadzirisa imba;
11
ʋakaipa ʋaʋezi naʋaʋaki, kuti ʋateŋge mabge akaʋezwa namatanda okuɓatanidza, nokuita mapaŋgo edzimba dzakaŋga dzaparadzwa namadzimambo aJuda.
12
Ʋanhu aʋo ʋakaɓate‐ɓasa nokutendeka; ʋatariri ʋaʋo ʋaiʋa Jahati naObadia, ʋaRevi ʋaʋanakomana ʋaMerari, naZekaria, naMeshurami, ʋaʋanakomana ʋaKohati, kuzoraira ɓasa; na ʋamŋe ʋa Revi, ʋose ʋaiziʋa kuridza ɀinoridzwa.
13
Iʋo ʋaitarira ʋo ʋatakuri ʋemitoro, ʋakaraira ʋo ʋose ʋaiɓata maɓasa amarudzi ose; pakati paʋaRevi pakaŋga panaʋanyori, naʋatariri, naʋarindi ʋemikoʋa.
14
Ɀino ʋakati ʋaciɓuɗisa mari yakaŋga yaiswa mumba maJehova, muprista Hirkia ndokuwana buku yomurairo waJehova, wakaŋga wapiwa naMosesi.
15
Hirkia akapindura, akati kunaShafani munyori: Ndawana buku yomurairo mumba maJehova. Hirkia ndokupa buku iyo kunaShafani.
16
Ɀino Shafani akaenda nebuku kunamambo, ʋuye akaenda ʋo neshoko kunamambo, akati: Ɀose ɀakarairwa ʋaranda ʋenyu, ʋanoɀiita.
17
Ʋaɗurura mari yakawanikwa mumba maJehova, ʋakaiisa mumaʋoko aʋatariri, nomumaʋoko aʋaɓati ʋeɓasa.
18
Ɀino Shafani munyori akaʋudza mambo, akati: Muprista Hirkia wandipa buku. Ipapo Shafani akaraʋa’mo pamberi pamambo.
19
Ɀino mambo wakati acinzwa mashoko omurairo, akabvarura ŋguʋo dzake.
20
Mambo akaraira Hirkia naAhikami mŋanakomana waShafani, naAbdoni mŋanakomana waMika, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, akati:
21
Endai mundondibvunzira Jehova, ini naʋakasara ʋaIsraeri naʋaJuda pamsoro pamashoko ebuku yakawanikwa; nokuti kutsamŋa kwaJehova, kwaɗururwa pamsoro peɗu, kukuru, nokuti madziɓaɓa eɗu haana‐kuceŋgeta shoko raJehova, kuti ʋaite ɀose ɀakanyorwa mubuku iyi.
22
Ipapo Hirkia naʋakaŋga ʋarairwa namambo ʋakaenda kunaHurda muprofitakadzi, mukadzi waSharumi mŋanakomana waTokhati, mŋanakomana waHazra, muceŋgeti weŋguʋo; (ɀino iye wakaŋga agere Jerusarema kurutiʋi rutȿa rweguta;) ʋakataura naye saiɀoɀo.
23
Iye akati kwaʋari: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ʋudzai munhu wakakutumai kwandiri, muti:
24
Ɀanzi naJehova: Tarirai, ndicaʋuyisa ɀakaipa pamsoro penɀimbo iyi, napamsoro paʋagere’po, iko kutuka kwose kwakanyorwa mubuku iyo yaʋakaraʋa pamberi pamambo waJuda.
25
Nokuti ʋakandirasha, ʋakapisira ʋamŋe ʋamŋari ɀinonhuwira, ʋakanditsamŋisa namaɓasa ose amaʋoko aʋo; naiɀoɀo kutsamŋa kwaŋgu kwaɗururwa pamsoro penɀimbo iyi, hakuŋgadzimŋi.
26
Asi muti kunamambo waJuda, wakakutumai kuzobvunza Jehova: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Kana ari mashoko awakanzwa,
27
mŋoyo wako ɀawakaŋga uri munyoro, ukaɀininipisa pamberi paMŋari, ŋguʋa yawakanzwa mashoko ake pamsoro penɀimbo iyi, napamsoro paʋagere’mo, ukaɀininipisa pamberi paŋgu, ukabvarura ŋguʋo dzako, ukacema pamberi paŋgu, ɀino ɀanzi naJehova: Ini ndakunzwa ʋo.
28
Tarira, ndicakuisa kumadziɓaɓa ako, ucaʋigwa mubgiro bgako nomufaro; meso ako haaŋgaʋoni ɀakaipa ɀose ɀandicaʋuyisa pamsoro penɀimbo iyi, naʋanhu ʋagere’mo. Ʋakadzoka neshoko kunamambo.
29
Ipapo mambo akatuma ʋanhu ʋakaʋuŋganidza ʋakuru ʋose ʋaJuda naʋeJerusarema.
30
Mambo akakwira kumba kwaJehova, anaʋarume ʋose ʋaJuda, naʋose ʋakaŋga ʋagere Jerusarema, naʋaprista, naʋaRevi, naʋanhu ʋose, ʋakuru naʋaɗuku; akaʋaraʋira mashoko ose ebuku yesuŋgano yakaŋga yawanikwa mumba maJehova.
31
Mambo akamira panɀimbo yake, akaita suŋgano pamberi paJehova, akaɀisuŋga kuteʋera Jehova, nokuceŋgeta mirairo yake, neɀipupuriro ɀake, neɀaakatema, nomŋoyo wake wose nomŋeya wake wose, kuti aite mashoko esuŋgano akanyorwa mubuku iyi.
32
Akaraira ʋose ʋakaŋga ʋari Jerusarema naBenjamini kuabvumira. Ʋagere Jerusarema ʋakaita seɀakarebga pasuŋgano yaMŋari, iye Mŋari wamadziɓaɓa aʋo.
33
Josia akabvisa ɀakaŋga ɀicinyaŋgadza ɀose panyika dzose dzaiʋa dzaʋana ʋaIsraeri, akaraira ʋose ʋakaŋga ʋari pakati paIsraeri kushumira Mŋari, kushumira iye Jehova Mŋari waʋo. Mazuʋa ake ose haʋana‐kutsauka pakuteʋera Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo.
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 35 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→