bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 2
2 Chronicles 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 3 →
1
Ɀino Soromoni wakaɗa kuʋakira zita raJehova imba, neimba yoʋushe bgake.
2
Soromoni akaʋereŋga ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi manomŋe kuzotakura mitoro, naʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi masere kuzotema matanda pamakomo, naʋaneɀuru ɀitatu namazana matanhatu kuzoʋa ʋatariri ʋaʋo.
3
Soromoni akatuma shoko kunaHurami mambo weTire, akati: Seɀamakaitira ɓaɓa ʋaŋgu Davidi, mukaʋatumira misidari yokuɀiʋakira nayo imba yokugara’mo, mundiitire ʋo saiɀoɀo.
4
Tarirai, ndoʋakira zita raJehova Mŋari waŋgu imba, ndimutsaurire iyo, kuti ndipisire pamberi pake ɀinonhuwira ɀemiti yakanaka, nokuisa’po ɀiŋgwa ɀokuratidza ɀeŋguʋa dzose neɀipiriso ɀinopiswa maŋgwanani namaɗekwana, pamasaɓata, napakugara kwomŋedzi, napamitambo yakatarwa naJehova Mŋari weɗu. Ndiɀo ɀakarairwa ʋaIsraeri nokusiŋgaperi.
5
Imba yandinoʋaka ihuru; nokuti Mŋari weɗu mukuru kupfuʋura ʋamŋari ʋose.
6
Asi ndianiko unogona kumuʋakira imba, ɗeŋga nokuɗeŋga‐ɗeŋga ɀarisiŋgagoni kumuriŋgana? Ɀino ini ndini aniko, kuti ndimuʋakire imba, asi kuŋgopisa ɀinonhuwira pamberi pake?
7
Naiɀoɀo ɀino cinditumirai murume wakaŋgwara pakuɓata maɓasa endarama, nesirveri, nendarira, namatare, nemiceka mishaʋa, nemitȿuku, nemitema, ʋuye unoziʋa kuʋeza ɀose, aɓate pamŋe cete naʋarume ʋakaŋgwara ʋandinaʋo paJuda napaJerusarema, ʋakaiswa’po naɓaɓa ʋaŋgu Davidi.
8
Nditumirei ʋo misidari, nemisipresi, namatanda emiarmugi yapaRibanoni; nokuti ndinoziʋa kuti ʋaranda ʋenyu ʋanenjere dzokutema matanda paRibanoni; tarirai, ʋaranda ʋaŋgu ʋacaʋa naʋaranda ʋenyu,
9
kundigadzirira matanda akawanda; nokuti imba yandobva ndoʋaka icaʋa huru ɀinoshamisa.
10
Tarirai, ndicapa ʋaranda ʋenyu, iʋo ʋanotema matanda, ɀiyero ɀineɀuru ɀamakumi maʋiri ɀeɀiyo, neɀiyero ɀineɀuru ɀamakumi maʋiri ɀebari, namabati aneɀuru ɀamakumi maʋiri ewaini, namabati aneɀuru ɀamakumi maʋiri amafuta.
11
Ipapo Hurami mambo weTire akapindura norunyoro rwaakatuma kunaSoromoni, akati: Jehova wakaɗa ʋanhu ʋake, saka wakakuita mambo waʋo.
12
Hurami akati ʋo: Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe, iye wakasika kuɗeŋga napasi, wakapa mambo Davidi mŋanakomana wakaŋgwara, wakapiwa kuŋgwara nokuziʋa, kuʋakira Jehova imba neimba yoʋushe bgake.
13
Ɀino ndatuma munhu wakacenjera, wakapiwa ziʋo, iye Hurami Abi,
14
mŋanakomana womukadzi pakati paʋakunda ʋaDani, ɓaɓa ʋake waiʋa munhu weTire, unoziʋa kuɓata maɓasa endarama, nesirveri, nendarira, namatare, namabge, namatanda, nemiceka mishaʋa, nemitema, nemiceka yakaiȿo‐naka, nemiceka mitȿuku; ʋuye kuʋeza kwose, nokufuŋga mano ose; iye ŋgaapiwe ʋugaro pakati paʋarume ʋenyu ʋakacenjera, naʋarume ʋakacenjera ʋashe waŋgu Davidi ɓaɓa ʋenyu.
15
Naiɀoɀo ɀino ishe waŋgu ŋgaatumire ʋaranda ʋake ɀiyo, nebari, namafuta newaini, seɀaakataura;
16
isu ticatema matanda paRebanoni seɀamunoɗa; ticaaȿitsa kwamuri akaɓatanidzwa, aende Jopa neguŋgwa; imi mugokwira nawo Jerusarema.
17
Ipapo Soromoni akaʋereŋga ʋatorwa ʋose ʋaiʋa panyika yaIsraeri, seɀaʋakaŋga ʋaʋereŋgwa naDavidi ɓaɓa ʋake, ʋakaȿika ɀuru ɀinezana namakumi mashanu neɀitatu namazana matanhatu.
18
Akaira ʋaneɀuru ɀinamakumi manomŋe ʋaʋe ʋatakuri ʋemitoro, naʋaneɀuru ɀinamakumi masere ʋateme matanda pamakomo, ʋuye ʋaneɀuru ɀitatu namazana matanhatu ʋaʋe ʋatariri kuzoraira ʋanhu pakuɓata.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36