bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 30
2 Chronicles 30
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 31 →
1
Ɀino Hezekia wakatuma nhume kuʋaIsraeri nokuʋaJuda ʋose, akanyora ʋo ŋwadi kuʋaEfraimi naʋaManase, kuti ʋaʋuye kuimba yaJehova paJerusarema, kuzoitira Jehova Mŋari waʋaIsraeri paseka.
2
Nokuti mambo namacinda ake, neʋuŋgano yose paJerusarema ʋakaŋga ʋaraŋgana kuita paseka nomŋedzi wecipiri.
3
Nokuti ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuiita neŋguʋa iyo, nokuti ʋaprista, ʋakanatswa, ʋakaŋga ʋasiŋgariŋgani, naʋanhu ʋo ʋakaŋga ʋasina‐kuʋuŋgana paJerusarema.
4
Ɀino cinhu ici cakaŋga cakarurama pamberi pamambo neʋuŋgano yose.
5
Naiɀoɀo ʋakasimbisa cireʋo, ʋakaziʋisa pakati paIsraeri pose, kubva paBeeri‐sheba kuȿikira paDani, kuti ʋanhu ʋaʋuye kuzoitira Jehova Mŋari waʋaIsraeri paseka paJerusarema; nokuti ʋakaŋga ʋasina‐kuiita ŋguʋa huru, seɀakaŋga ɀakanyorwa.
6
Ipapo nhume dzakamhanya dzikaenda neŋwadi dzamambo namacinda ake pakati paʋaIsraeri ʋose naʋaJuda, seɀaʋakaŋga ʋarairwa namambo, ʋakati: Imi ʋana ʋaIsraeri, dzokerai ɀe kunaJehova Mŋari waAbrahama, naIsaka, naIsraeri, kuti iye adzokere ɀe kunaʋakasara pakati penyu, ʋakapukunyuka pamaʋoko amadzimambo eAsiria.
7
Regai kuʋa samadziɓaɓa enyu, nehama dzenyu, ʋakaɗarika mirairo yaJehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu, iye akazoʋaita cishamiso, seɀamunoʋona.
8
Regai kuʋa nemitsipa mikukutu, seɀakaŋga ɀakaita madziɓaɓa enyu; ɓatai ruʋoko rwaJehova, mupinde paimba yake tȿene, yaakanatsa nokusiŋgaperi, mushumire Jehova Mŋari wenyu, kuti kutsamŋa kwake kubviswe kwamuri.
9
Nokuti kana imi mukadzokera kunaJehova, hama dzenyu naʋana ʋenyu ʋacanzwirwa tsitsi naʋatapi ʋaʋo, ʋagodzokera ɀe kunyika ino; nokuti Jehova Mŋari wenyu uneŋgoni nenyasha; haaŋgafuratidzi ciso cake kwamuri, kana mukadzokera kwaari.
10
Naiɀoɀo nhume dzakamhanya dzikapota pamaguta ose panyika yose yaEfraimi naManase, kuȿikira paZeburuni; asi ʋakaʋaseka, nokuʋaɗaɗira.
11
Asi ʋamŋe ʋaʋaAsheri naʋaManase naʋaZeburuni, ʋakaɀininipisa, ʋakaenda Jerusarema.
12
NapaJuda ʋo ruʋoko rwaMŋari rwakaʋapa mŋoyo mumŋe, kuti ʋaterere murairo wamambo namacinda neshoko raJehova.
13
Ipapo ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuŋgana paJerusarema, kuzoita mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa nomŋedzi wecipiri, ikaita ʋuŋgano huru kwaɀo.
14
Ʋakasimuka, ndokubvisa artari dzaiʋa paJerusarema, ʋakabvisa ʋo artari dzose dzeɀinonhuwira, ʋakadzikandira murukoʋa Kidroni.
15
Ipapo ʋakaʋuraya gwaiana re paseka pazuʋa regumi namanna romŋedzi wecipiri; ʋaprista naʋaRevi ʋakanyara, ʋakaɀinatsa, ʋakaʋuya neɀipiriso ɀinopiswa mumba maJehova.
16
Ʋakamira panɀimbo yaʋo seɀaʋakarairwa nomurairo waMosesi, iye munhu waMŋari; ʋaprista ʋakasasa ropa raʋakatora pamaʋoko aʋaRevi.
17
Nokuti ʋazhinji ʋaiʋa’po paʋuŋgano ʋakaŋga ʋasina‐kuɀinatsa; saka ʋaRevi ʋaiʋa neɓasa rokuʋurayira ʋose, ʋakaŋga ʋasina‐kunatswa, makwaiana e paseka yaʋo, kuti ʋaʋanatsire Jehova.
18
Nokuti ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋaEfraimi naʋaManase, naʋaIsakari naʋaZeburuni, ʋakaŋga ʋasina‐kuɀinatsa; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakadya paseka nomutoʋo wakapesana nowakanyorwa. Nokuti Hezekia wakaŋga aʋanyeŋgeterera, aciti: Jehova wakanaka ŋgaakaŋganwire mumŋe nomumŋe,
19
unoshiŋgaira nomŋoyo wake kutȿaka Mŋari, Jehova, Mŋari waɓaɓa ʋake, kunyaŋge asina‐kunatswa nomutoʋo wokunatswa kwenɀimbo tȿene.
20
Jehova akanzwa Hezekia, akaporesa ʋanhu.
21
Ɀino ʋana ʋaIsraeri, ʋaiʋa paJerusarema, ʋakaita mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa nomufaro mukuru mazuʋa manomŋe; ʋaRevi naʋaprista ʋakarumbidza Jehova zuʋa rimŋe nerimŋe, ʋaciridzira Jehova neɀokuridzisa ɀainzwika kure.
22
Hezekia akataura noʋunyoro naʋaRevi ʋose ʋaigona kuɓatira Jehova ɀakanaka. Naiɀoɀo ʋakadya pamutambo mazuʋa manomŋe, ʋakaɓayira ɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa, ʋaciɀireʋurura kunaJehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo.
23
Ɀino ʋuŋgano yose yakaraŋgana kuita mamŋe mazuʋa manomŋe ɀe; ʋakaita mazuʋa manomŋe ɀe nomufaro.
24
Nokuti Hezekia mambo waJuda wakapa ʋuŋgano nzombe dzinecuru cimŋe, namakwai aneɀuru ɀinomŋe, kuti ʋaɓayire naɀo; namacinda ʋo akapa ʋuŋgano nzombe dzinecuru cimŋe, namakwai aneɀuru ɀinegumi; ʋaprista ʋazhinji‐zhinji ʋakaɀinatsa.
25
Ipapo ʋuŋgano yose yaJuda, pamŋe cete naʋaprista naʋaRevi, neʋuŋgano yose yakabva pakati paIsraeri, naʋatorwa ʋakabva panyika yaIsraeri, naʋakaŋga ʋagere paJuda, ʋakafara ʋose.
26
Naiɀoɀo mufaro mukuru ukaʋa’po paJerusarema; nokuti kubva paŋguʋa yaSoromoni mŋanakomana waDavidi, mambo waIsraeri, hakuna‐kuitwa ɀakaɗaro paJerusarema.
27
Ipapo ʋaprista ʋaRevi ʋakasimuka, ʋakaropafadza ʋanhu; manzwi aʋo akanzwika, nokunyeŋgetera kwaʋo kukaȿika kuʋugaro bgake ʋutȿene iko kuɗeŋga.
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36