bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 33
2 Chronicles 33
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 34 →
1
Manase wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anegumi namaʋiri; akaɓata ʋushe makore anamakumi mashanu namashanu paJerusarema;
2
akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akateʋera ɀinonyaŋgadza ɀaʋahedeni ʋakaŋga ʋadziŋgwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri.
3
Nokuti wakaʋaka ɀe matunhu akakwirira, akaŋga aputswa naɓaɓa ʋake Hezekia; akamutsira ʋaBaari artari, akaisa’po ʋo matanda okunamata nawo; akanamata kuhondo dzose dzokuɗeŋga, akadzishumira.
4
Akaʋaka artari mumba maJehova, kunyaŋge Jehova wakati: PaJerusarema ndi’po pacagara zita raŋgu nokusiŋgaperi.
5
Akaʋakira hondo dzose dzokuɗeŋga artari muʋazhe mbiri dzeimba yaJehova.
6
Akapinza ʋo ʋana ʋake mumŋoto pamupata womŋanakomana waHinomi; akatenda mashura, akaita mazaŋgo, akaɓata noʋuroyi, akagadza maȿikiro naʋaʋuki; akaita ɀakaipa ɀizhinji pamberi paJehova, ndokumutsamŋisa naɀo.
7
Akaisa mufananidzo wakaʋezwa wecifananidzo camŋari, caakaŋga aʋeza, mumba maMŋari, imo makaŋga manzi naMŋari kunaDavidi nokunaSoromoni mŋanakomana wake: Ndicaisa zita raŋgu nokusiŋgaperi paimba ino napaJerusarema, randakatsaura pakati pamarudzi ose aIsraeri.
8
Ʋuye handicabvisi tsoka dzaIsraeri panyika yandakaratidza madziɓaɓa enyu; kana ʋacicenjera ɓedzi kuita ɀose ɀandakaʋaraira, murairo wose, neɀakatemŋa, neɀakarairwa naMosesi.
9
Manase akatsausa ʋaJuda naʋakaŋga ʋagere Jerusarema, ʋakaita ɀakaipa kupfuʋura ɀakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri.
10
Jehova akataura naManase naʋanhu ʋake; asi haʋana‐kuterera.
11
Saka Jehova wakaʋuyisa ʋakuru ʋehondo yamambo weAsiria kuzorwa naʋo, iʋo ʋakaɓata Manase neɀikokoʋonho, ʋakamusuŋga namaketani, ʋakaenda naye Babironi.
12
Ɀino wakati ari pakutambudzika kwake, akacema kunaJehova Mŋari wake, akaɀininipisa kwaɀo pamberi paJehova Mŋari wamadziɓaɓa ake;
13
akanyeŋgetera kwaari, akamuterera, akanzwa kukumbira kwake, ndokumudzosera Jerusarema paʋushe bgake. Ipapo Manase wakaziʋa kuti Jehova ndiye Mŋari.
14
Shure kwaiɀoɀi wakaʋaka ruȿiŋgo necokunze kweguta raDavidi, kurutiʋi rwamaʋirazuʋa rweGihoni, mumupata, ipo paʋanopinda napo pasuʋo rehoʋe; akakomberedza Oferi, akaʋaka ruȿiŋgo rwakakwirira kwaɀo; akagadza ʋo ʋakuru ʋanoʋumhare pamaguta ose akakombga paJuda.
15
Akabvisa ʋamŋari ʋatorwa, necifananidzo mumba maJehova, neartari dzose dzaakaŋga aʋaka mugomo reimba yaJehova, napaJerusarema, ndokuɀirashira kunze kweguta.
16
Akaʋaka ɀe artari yaJehova, akaɓayira’po ɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa, neɀokuʋoŋga, akaraira ʋaJuda kuti ʋashumire Jehova Mŋari waIsraeri.
17
Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanhu ʋakaramba ʋaciɓayira pamatunhu akakwirira, asi ʋakaɓayira Jehova Mŋari waʋo ɓedzi.
18
Ɀino mamŋe maɓasa aManase, nomunyeŋgetero wake kunaMŋari wake, namashoko aʋaʋoni ʋakataura kwaari nezita raJehova Mŋari waIsraeri, tarirai ɀakanyorwa mubuku yamaɓasa amadzimambo aIsraeri.
19
Munyeŋgetero wake ʋo, nokunzwika kwomunyeŋgetero wake, neɀiʋi ɀake ɀose, nokuɗarika kwake, nenɀimbo paakaʋaka matunhu akakwirira napaakaisa matanda okunamata nawo nemifananidzo yakaʋezwa, acigere kuɀininipisa, tarirai ɀakanyorwa pakurondedzera kwaHozai.
20
Ipapo Manase akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga mumba make, Amoni mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
21
Amoni wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anamakumi maʋiri namaʋiri akaɓata ʋushe paJerusarema makore maʋiri.
22
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, seɀakaita Manase ɓaɓa ʋake; Amoni akaɓayira mifananidzo yose yakaʋezwa, yakaŋga yaitwa naManase ɓaɓa ʋake, akaɀishumira.
23
haana‐kuɀininipisa pamberi paJehova, sokuɀininipisa kwaManase ɓaɓa ʋake; asi Amoni uyu wakaramba aciŋgowedzera kuɗarika kwake.
24
Ʋaranda ʋake ʋakaraŋgana ʋakamumukira, ʋakamuʋuraya mumba make.
25
Asi ʋanhu ʋenyika iyo ʋakazoʋuraya ʋose ʋakaŋga ʋaraŋgana ʋakamukira mambo Amoni; ʋanhu ʋenyika iyo ʋakaita mŋanakonana wake Josia mambo panɀimbo yake.
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 34 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36