bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 24
2 Chronicles 24
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 25 →
1
Joashi wakaŋga aȿika makore manomŋe pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi manna; zita ramai ʋake rakaŋga riri Zibia weBeeri‐sheba.
2
Joashi akaita ɀakanaka pamberi paJehova mazuʋa ose omuprista Jehoyada.
3
Jehoyada akamutȿakira ʋakadzi ʋaʋiri; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
4
Ɀino shure kwaiɀoɀi Joashi akaraŋgarira kuʋandudza imba yaJehova.
5
Akakokera ʋaprista naʋaRevi, akati kwaʋari: Ƃuɗirai kumaguta aJuda, muʋuŋganidze kuʋaIsraeri ʋose mari yokugadzirisa nayo imba yaMŋari wenyu gore rimŋe nerimŋe; ʋuye mumba macimbidzikira cinhu ici! Asi ʋaRevi haʋana‐kucimbidzika.
6
Ɀino mambo akaɗana mukuru Jehoyada, akati kwaari: Makaregereiko kuraira ʋaRevi kundoʋuŋganidza mutero waMosesi muranda waJehova paJuda napaJerusarema napaʋuŋgano yaIsraeri, ɀiiswe patente recipupuriro?
7
Nokuti ʋanakomana ʋaAtaria, mukadzi uya wakaipa, ʋakaŋga ʋaputsa imba yaMŋari; neɀinhu ɀose ɀeimba yaJehova, ɀakaŋga ɀakatsaurirwa Mŋari, ʋakaɀipa ʋaBaari.
8
Naiɀoɀo mambo akaraira, ʋakaʋeza bokisi, ʋakariisa kunze kwesuʋo reimba yaJehova.
9
Ɀino ʋakatuma shoko pakati paJuda neJerusarema, kuti ʋanhu ʋaʋigire Jehova mutero wakarairwa ʋaIsraeri murenje naMosesi muranda waMŋari.
10
Macinda ose naʋanhu ʋose ʋakafara, ʋakaʋuya naɀo, ʋakaɀikanda mubokisi, kuȿikira ʋapedza.
11
Ɀino ŋguʋa dzose kana bokisi riciiswa paimba yamambo namaʋoko aʋaRevi, kana ʋakaʋona kuti mari zhinji yaʋa’mo, munyori wamambo nomutariri womuprista mukuru ʋakaʋuya ʋakaɗurura ɀiri mubokisi, ʋakaritora ndokuridzosera ɀe panɀimbo yaro. Ʋakaita kuɗaro zuʋa rimŋe nerimŋe, ʋakaʋuŋganidza mari zhinji.
12
Ɀino mambo naJehoyada ʋakaipa ʋaiɓata maɓasa paimba yaJehova; ʋakaripira ʋaʋezi ʋamabge namatanda, kuti ʋaʋandudze imba yaJehova, naʋapfuri ʋamatare nendarira, kuti ʋagadzire imba yaJehova.
13
Naiɀoɀo ʋaɓati ʋakaɓata, ɓasa rikapedzwa naʋo; ʋakagadzira imba yaMŋari seɀayakaŋga yakaita kare, ʋakaisimbisa.
14
Ɀino ʋakati ʋapedza, ʋakaʋuya nemari yakasara kunamambo naJehoyada, ʋakaita nayo midziyo yeimba yaJehova, iri midziyo yokuɓata nayo, nokuɓayira nayo, neɀiroŋgo, nemidziyo yendarama nesirveri. Ʋaiɓayira ɀipiriso ɀinopiswa mumba maJehova mazuʋa ose aJehoyada.
15
Asi Jehoyada wakazokwegura, akaʋa namazuʋa mazhinji ndokufa; wakaŋga anamakore anezana namakumi matatu pakufa kwake.
16
Ʋakamuʋiga paguta raDavidi pakati pamadzimambo; nokuti wakaŋga aitira Mŋari neimba yake ɀakanaka pakati paIsraeri.
17
Ɀino Jehoyada wakati afa, macinda aJuda akaȿika, akanamata mambo. Ipapo mambo akaʋaterera.
18
Ʋakasiya imba yaJehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, ʋakashumira matanda okunamata nawo neɀifananidzo; Mŋari akatsamŋira Juda neJerusarema pamsoro pemhaka iyi.
19
Kunyaŋge ɀakaɗaro wakaʋatumira ʋaprofita kuzoʋadzosera ɀe kunaJehova; iʋo ʋakaʋapupurira, asi ʋakaramba kunzwa.
20
Ipapo Mŋeya waMŋari wakaʋuya pamsoro paZekaria, mŋanakomana womuprista Jehoyada, akamira pakakwirira pamberi paʋanhu, akati kwaʋari: Ɀanzi naMŋari: Munoɗarikireiko mirairo yaJehova, muciramba kufara? Ɀamasiya Jehova, naiye wakusiyai ʋo.
21
Ipapo ʋakaraŋgana, ʋakamutaka namabge paruʋazhe rweimba yaJehova, ʋarairwa namambo.
22
Nokuɗaro mambo Joashi haana‐kuraŋgarira ɀakanaka ɀaakaŋga aitirwa naJehoyada ɓaɓa ʋake, asi wakaʋuraya mŋanakomana wake. Ɀino wakati acifa, akati: Jehova ŋgaatarire cinhu ici, acitsiʋe.
23
Ɀino gore rakati ropera, hondo yaʋaSiria ikaȿika kuzorwa naye; ʋakaȿika paJuda napaJerusarema ʋakaparadza macinda ose aʋanhu pakati paʋanhu, ʋakatuma ɀose ɀaʋakapamba kunamambo weDamasko.
24
Nokuti hondo yaʋaSiria yakaʋuya neɓoka ɗuku raʋanhu; Jehova akaisa pfumo guru‐guru mumaʋoko aʋo, nokuti ʋakaŋga ʋasiya Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo. Nokuɗaro ʋakaitira Joashi ɀakaŋga ɀatoŋgwa naMŋari.
25
Ɀino ʋakati ʋabva kwaari (nokuti ʋakamusiya acirwara kwaɀo), ʋaranda ʋake ʋakaraŋgana pamsoro pake nemhaka yeropa raʋanakomana ʋomuprista Jehoyada, ʋakamuʋurayira panhoʋo yake, akafa; ʋakamuʋiga muguta raDavidi, asi haʋana‐kumuʋiga kumarinda amadzimambo.
26
Ʋakaraŋgana pamsoro pake ndiʋaʋa: Zabadi mŋanakomana waShimeati, mukadzi muAmoni, neJehozabadi mŋanakomana waShimriti mukadzi muMoabi.
27
Ɀino kana ɀiri ɀaʋanakomana ʋake, namashoko makuru aʋaprofita akarebga pamsoro pake, nokumutswa kweimba yaMŋari, tarirai ɀakanyorwa paɗudziro yebuku yamadzimambo. Amazia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→