bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Chronicles 28
2 Chronicles 28
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 29 →
1
Ahazi wakaŋga anamakore makumi maʋiri pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi namatanhatu; asi haana‐kuita ɀakarurama pamberi paJehova, saɓaɓa ʋake Davidi;
2
asi wakafamba nenzira dzamadziɓaɓa aIsraeri, akaitira ʋaBaari ʋo ɀifananidzo ɀendarira yakanyauswa.
3
Ʋuye wakapisa ʋo ɀinonhuwira pamupata womŋanakomana waHinomi, akapisa ʋana ʋake mumŋoto, seɀainyaŋgadza ɀaʋahedeni, ʋakaŋga ʋadziŋgwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri.
4
Akaɓayira nokupisa ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira, napaɀikomo, napasi pemiti yose mitema.
5
Saka Jehova Mŋari wake wakamuisa muruʋoko rwamambo weSiria; ʋakamukunda, ʋakaenda naʋanhu ʋake ʋazhinji ʋakatapxa, ʋakandoʋaisa Damasko. Naiye amene wakaiswa muruʋoko rwamambo waIsraeri, wakamukunda, akaʋuraya ʋazhinji‐zhinji.
6
Nokuti Peka mŋanakomana waRemaria wakaʋuraya paJuda ʋanhu ʋaneɀuru ɀinezana namakumi maʋiri pazuʋa rimŋe; ʋose ʋari ʋarume ʋoʋumhare; nokuti ʋakaŋga ʋasiya Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo.
7
Zikri murume waEfraimi, wakaŋga anesimba, akaʋuraya Maaseya mŋanakomana wamambo, naAzrikami mutariri weimba, naErkana mukuru kuteʋera mambo.
8
Ʋana ʋaIsraeri ʋakatapa pakati pehama dzaʋo ʋanhu ʋaneɀuru ɀinamazana maʋiri, ʋakadzi, naʋanakomana, naʋanasikana, ʋakapamba ʋo ɀizhinji kwaʋari; ʋakandoisa Samaria iɀo ɀakapambga.
9
Asi kwakaŋga kunomuprofita waJehova, wainzi Odedi; iye akaenda kundosoŋgana nehondo yakaŋga yoʋuya Samaria, akati kwaʋari: Jehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu wakaŋga atsamŋira ʋaJuda, saka wakaʋaisa mumaʋoko enyu, mukaʋaʋuraya nehasha dzakaȿikira kuɗeŋga.
10
Ɀino munoti mucamanikidza ʋana ʋaJuda naʋeJerusarema, ʋaʋe ʋatapxa ʋenyu ʋaranda naʋarandakadzi; ko imi hamunemhoȿa ʋo mumene pamberi paJehova Mŋari wenyu here?
11
Naiɀoɀo ɀino cindinzwai, mudzose ʋatapxa ʋamakatapa pakati pehama dzenyu; nokuti Jehova wakutsamŋirai kwaɀo.
12
Ipapo ʋamŋe ʋakuru ʋaʋana ʋaEfraimi, ʋaiti Azaria mŋanakomana waJohanani, naBerekia mŋanakomana waMeshiremoti, naJehizkia mŋanakomana waSharumi, naAmasa mŋanakomana waHadrai, ʋakadziʋisa aʋo ʋabva pakurwa,
13
ʋakati kwaʋari: Hamuŋgapindi pano naʋatapxa, nokuti munoʋaʋarira kuita cinhu cicatiparisa mhaka panaJehova, mugowedzera paɀiʋi ɀeɗu nemhoȿa yeɗu; nokuti mhoȿa yeɗu ihuru, ʋaIsraeri ʋatsamŋirwa kwaɀo naJehova.
14
Ipapo ʋarwi ʋakasiya ʋatapxa neɀakapambga kumacinda neʋuŋgano yose.
15
Ɀino aʋa ʋarume ʋarebga mazita aʋo, ʋakasimuka, ʋakatora ʋatapxa, ʋakafukidza ʋose ʋakaŋga ʋakashama pakati paʋo neɀakapambga, ʋakaʋapfekedza nokuʋaisa shaŋgu, ndokuʋapa ɀokudya neɀokunwa, ʋakaʋazodza, ʋakataȿisa ʋose ʋakaŋga ʋasinesimba pamboŋgoro, ʋakaʋaisa Jeriko, guta remicindwe, kuhama dzaʋo; ipapo ʋakadzokera Samaria.
16
Paŋguʋa iyo mambo Ahazi akatuma shoko kumadziɓaɓa aAsiria, kuti ʋamuɓatsire.
17
Nokuti ʋaEdomi ʋakaŋga ʋaȿika ɀe, ʋakakunda ʋaJuda ʋakatapa ʋatapxa.
18
NaʋaFiristia ʋo ʋakaŋga ʋaʋamba maguta amapani, naaiʋa kurutiʋi rwezasi rwaJuda, ʋakakunda Beti‐shemeshi, neAijaroni, neGederoti, neSoko, nemisha yawo, neTimna, nemisha yaro, neGimzo nemisha yaro; ʋakagara’po.
19
Nokuti Jehova wakaninipisa ʋaJuda nokuɗa kwaAhazi mambo waIsraeri; nokuti wakaŋga aita ɀakaipa paJuda, akatadzira Jehova kwaɀo.
20
Ɀino Tirgati‐pirineseri mambo weAsiria akaʋuya kuzorwa naye, akamumanikidza, asi haana‐kumukunda.
21
Nokuti Ahazi wakatora mugoʋe wefuma paimba yeJehova, napaimba yamambo, neyamacinda, akaɀipa mambo weAsiria; asi haɀina‐kumuɓatsira.
22
Asi paŋguʋa yokutambudzika kwake, wakanyanya kutadzira Jehova, iye mambo Ahazi.
23
Nokuti wakaɓayira ʋamŋari ʋeDamasko, ʋakaŋga ʋamukunda, akati: Ʋamŋari ʋamadzimambo aSiria ɀaʋanoʋaɓatsira, ini ndicaʋaɓayira ʋo, kuti ʋandiɓatsire ʋo. Asi iʋo ʋakamuparadza iye naʋaIsraeri ʋose pamŋe cete naye.
24
Ɀino Ahazi akaʋuŋganidza midziyo yeimba yaMŋari, akaputsanya midziyo yeimba yaMŋari, akapfiga mikoʋa yeimba yaJehova; akaɀiitira artari pose‐pose paJerusarema.
25
Akaita ʋo matunhu akakwirira paguta rimŋe nerimŋe raJuda kuzopisira ʋamŋe ʋamŋari ɀinonhuwira ipapo, akatsamŋisa Jehova Mŋari wamadziɓaɓa ake.
26
Ɀino mamŋe maɓasa ake, netsika dzake dzose, dzokutaŋga nedzokupedzisira, tarirai ɀakanyorwa mubuku yamadzimambo aJuda naIsraeri.
27
Ahazi akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga muguta, imo muJerusarema; nokuti haʋanakumuisa pamarinda amadzimambo aIsraeri; Hezekia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36