bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 1
2 Chronicles 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 2 →
1
Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akanyatsodzika midzi muumambo hwake, izvozvo Tenzi, Mwari wake aiva naye achimuita kuti ave namasimba makuru kwazvo.
2
Soromoni akataurira Isiraeri yose navatungamiriri vezviuru navamazana navatongi navatungamiriri vose muIsiraeri yose navakuru vamadzinza avo.
3
Soromoni negungano rose vakaenda kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira yaiva kuGibheoni nokuti ndiko kwaiva netendhe raMwari rokusanganira riya rakagadzirwa kurenje naMosesi muranda waMwari.
4
(Asi chaivapo ndechokuti Dhavhidhi akanga atotora bhokisi raMwari rechitenderano kuKiriatijearimu akaenda naro kunzvimbo yaakanga arigadzirira nokuti akanga arimisira tendhe muJerusaremu.)
5
Chimwewo ndechokuti, atari iya yendarira yakagadzirwa naBhezarieri mwanakomana waUri, muzukuru waHuri yaiva ikoko kumusuo kwetendhe rinoera raTenzi. Soromoni negungano iri vakandonzwa kuti Mwari anoti kudii.
6
Soromoni akakwirako kwaiva neatari yendarira pana Tenzi yaiva mutendhe rokusanganira akapira chiuru chemipiro yokupisa pairi.
7
Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari, “Kumbira chaungade kuti ndikupe.”
8
Soromoni akapindura Mwari achiti, “Makaitira baba vangu Dhavhidhi mwoyochena mukuru kwazvo mukandiitawo kuti ndive mambo panzvimbo yavo.
9
Nhai Tenzi Mwari, dai mukachizadzisa waro zvamakatsidzira baba wangu Dhavhidhi sezvo makandiita mambo werudzi rwavanhu vakawanda seguruva renyika kudai.
10
Zvino ndipeiwo ungwaru noruzivo kuti ndigone kutungamirira vanhu ava nokuti ndiani angakwanise kutonga vanhu venyu ava vakawanda kudai.”
11
Mwari akati kuna Soromoni, “Pamusana pokuti izvi ndozvawada nemwoyo wako ukarega kukumbira kuti uve nezvinhu kana upfumi kana ukuru kana kuti vanokuvenga vafe kunyange kuzvikumbirira upenyu hurefu, asi wazvikumbirira ungwaru noruzivo kuti utonge vanhu vangu vandakati iwe uve mambo wavo,
12
naizvozvo ungwaru noruzivo watozvipiwa. Ndichakupawo upfumi nezvinhu zvakowo noukuru zvisina ati akambova nazvo pamadzimambo akakutangira kana achauya mushure mako achava nezvakadaro.”
13
Soromoni akabva kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira kuya kuGibheoni kwaiva netendhe rokusanganira akadzokera kuJerusaremu akatonga zvake Isiraeri.
14
Soromoni akaunganidza pamwechete ngoro dzehondo navachairi vadzo. Akanga ane chiuru chimwechete chengoro dzehondo chine mazana mana navachairi vadzo zviuru gumi nezviviri vaakaisa kuti vagare mumaguta engoro dzehondo, iye mambo ari muJerusaremu.
15
Mambo akapa kuti muJerusaremu imomo, sirivha iyi nendarama zvinge matombo zvawo. Musidhari uyu wakanga wava kungewo mukuyu wokunyika yokumanhika, kuShefera kuwanda.
16
Mabhiza okwaSoromoni aiatenga kuIjipiti nokuKue. Vanhu vokwamambo vaiita mhindu dzokutengesa ndovaiatengera kuKue.
17
Kuti munhu atenge ngoro yehondo kuIjipiti paidiwa mazana matanhatu emari yesirivha yemashekeri, bhizawo richiita zana namakumi mashanu emari yesirivha yemashekeri. Vanhu ivavo vemhindu vaye vaiitawo zvimwechetezvo ndovaitozondotengeserawo ose madzimambo evaHiti namadzimambo eSiria zvinhu izvozvo.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36