bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 30
2 Chronicles 30
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 31 →
1
Hezekiya akatumira shoko kwaIsiraeri kwose nokwaJudha akanyorerawo matsamba kwaEfuremu nokwaManase kuti vanhu vauye kumba yaTenzi kuJerusaremu kuzochengta Pasika yokupemberera Tenzi, Mwari weIsiraeri.
2
Chakanga chaitika ndechokuti, mambo namachinda ake negungano rose romuJerusaremu, vakanga varangana kuchengeta Pasika mumwedzi wechipiri
3
pamusana pokuti havaikwanisa kuichengeta panguva yayo nechikonzero chokuti uwandi hwavapristi vaifanira kuzvichenura hwakanga husati hwakwana uyewo vanhu vakanga vasina kuungana kuJerusaremu.
4
Mambo negungano rose iroro vakaonawo zano irori riri zano rakanaka.
5
Nokudaro vakasunga chisungo chokuti shoko riende muIsiraeri yose kubvira kuBheerishebha kusvikira kwaDhani rokuti vanhu vose vanofanira kuuya kuzochengeta Pasika yokupemberera Tenzi Mwari weIsiraeri kuJerusaremu sezvo vakanga vasina kuichengeta nouwandi hwakanga hwatemwa.
6
Sokutema kwakanga kwaita mambo, vanhu vokumhanya vakaenda kwaIsiraeri kwose nokwaJudha namatsamba aibva kuna mambo namachinda achiti, “Vanhu veIsiraeri dzokerai kuna Tenzi, Mwari waAbhurahamu, Mwari waIsaki, Mwari waIsiraeri kuti iyewo acheukezve katsama kenyu kavanhu vakasara vakapunyuka mumaoko amadzimambo eAsiria.
7
Musaite samadzibaba enyu nehama dzenyu vakarega kutendeka kunaTenzi, Mwari wamadzibaba avo zvokuti akazovaita sechinhu chokuti ukaona chinokudederesa nokutya.
8
Zvino chiregai kuomesa musoro sezvakanga zvakaita madzibaba enyu asi zviisei pasi paTenzi muuye kunzvimbo yake inoera yaakaeresa nokusingapere munamate Tenzi, Mwari wenyu kuti achirega kukuvirukirai nehasha.
9
Chinondidariso ndechokuti kana imi mukadzokera kuna Tenzi, hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi navakavatapa vakadzokera kunyika ino nokuti Tenzi, Mwari wenyu ane mwoyochena netsiye nyoro uye haazokufuratirai kana imi madzokerawo kwaari.”
10
Saka vokumhanya neshoko vaya vakabvongodza maguta nyika yose yokwaEfuremu naManase kusvikira kwaZebhuruni asi ivo vakatovapfida kuseka vakavazvidza nokuvasveeredza.
11
Vanhu vashomanini vokwaAsheru nevokwaManase nevokwaZebhuruni vakazvidukupisa vakauya kuJerusaremu.
12
Simba raMwari rakavawo nevokwaJudha rikavapa mwoyo mumwechete vakaita zvakarehwa namambo namachinda ake sokutaura kwaTenzi.
13
Vanhu vazhinji vakaungana muJerusaremu kuzochengeta Mazuva Makuru eChingwa Chisina Mbiriso, mumwedzi wechipiri. Gungano racho raiva gungano guru kwazvo.
14
Vakatangisa basa, vakabvisa atari dzaiva muJerusaremu neatari dzokupisira rusenzi vakandodzikanda mukakova keKidhironi.
15
Vakauraya hwayana yePasika pazuva regumi nechina remwedzi wechipiri. Vapristi nevaRevhi vakanyara nazvo zvikazoita kuti vazvichenurewo vakatozouyawo nemipiro yokupisa mumba yaTenzi.
16
Vakandomira panzvimbo dzavo dzavanofanira kumira maererano nomurawo waMosesi, munhu waMwari. Vapristi vakasasa ropa ravakatambidzwa nevaRevhi
17
nokuti kwakanga kuine vazhinji mukati megungano, vakanga vasina kuzvichenura. Ipapo vaRevhi ndivo vakatenge votourayira hwayana yePasika vose vakanga vasina kuzvichenura kuti iereserwe Tenzi.
18
Zvakadaro zvazvo vanhu vakawanda, vazhinji vavo vari vokwaEfuremu nokwaManase nokwaIsakari nokwaZeburuni havana kunge vazvichenura, asi havana kudya Pasika samanyorerwo azvakanga zvakaitwa. Bva Hezekiya akavanamatira achiti, “Tenzi makanaka regereraiwo munhu wose
19
aita mwoyo wokutsvaka Tenzi Mwari, Mwari wemadzibaba ake kunyange zvazvo asina kutevedza murao yokuchenurwa yomunzvimbo inoera.”
20
Tenzi akanzwa Hezekiya akabva aporesa vanhu ivavo.
21
Vanhu veIsiraeri vakanga vari muJerusaremu vakachengeta Mazuva Makuru eChingwa Chisina Mbiriso kwemazuva manomwe vachifara kwazvo. Izvozvo vaRevhi navapristi vainorumbidza Tenzi zuva nezuva vachiimbira Tenzi vaine zvokuridzira Tenzi nazvo mumhanzi zvine simba.
22
Hezekiya akataurawo zvakafadza mumwoyo vaRevhi vose vainge vari vanhu vainyatsonzwisisa zvokwaTenzi. Vanhu vakadya chokudya cheMazuva Makuru iwayo kwemazuva manomwe vachipira zvibayiro zvokuwadzana vachitenda Tenzi, Mwari wemadzibaba avo.
23
Gungano rose rakazowirirana kuchengeta mamwe mazuva manomwe seMazuva Makuru nokudaro vakaita mamwe mazuva manomwe vachichengeta Mazuva Makuru iwayo.
24
Chakavadariso ndechokuti Hezekiya mambo wokwaJudha akapa gungano iroro ravanhu chiuru chehandira nezviuru zvinomwe zvehwai dzokupira. Machindawo akapawo kugungano chiuru chehandira nehwai gumi rezviuru. Vapristi vakazozvichenura vakawanda kwazvo.
25
Gungano rose rokwaJudha rakapembera kufara pamwechete navapristi nevaRevhi negungano rose raibvawo kwaIsiraeri nevaigara kwaJudha navatorwa vose vaibva kwaIsiraeri, navatorwa vaibva kwaJudha vakafara kwazvo.
26
Saizvozvo kwakafarwa zvikuru kwazvo muJerusaremu zvokuti kubvira panguva yaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo weIsiraeri hazvina kumboitika muJerusaremu.
27
Vapristi nevaRevhi vakasimuka vakakomborera vanhu, chichemo chavo chakanzwikwa, munamato wavo ukasvika kumuzinda unoera wokudenga.
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→