bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 11
2 Chronicles 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 12 →
1
Rehobhoamu paakasvika kuJerusaremu, akaunganidza vemba yokwaJudha nevokwaBhenjamini zana namakumi masere ezviuru zveshasha chaidzo dzokurwa hondo kundorwisa vokwaIsiraeri kuitira kuti vadzorere nyika kuna Rehobhoamu.
2
Asi shoko raTenzi rakauya kuna Shemaya munhu waMwari,
3
rikati, “Iti kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo wokwaJudha nokuvaIsiraeri vose vari kwaJudha nokwaBhenjamini,
4
zvanzi naTenzi, ‘Regai kuenda uye musarwisane nehama dzenyu. Munhu wose kumusha nokuti zvinhu izvi zvakabva kwandiri.’ ” Saizvozvo vakateerera zvakarehwa naTenzi ndokudzokera zvavo, vakarega kundorwisa Jerobhoamu.
5
Rehobhoamu aigara muJerusaremu. Akavakirira muJudhamo maguta okuzvidzivirira muhondo.
6
Akavaka Bheterehemu neEtamu neTekoa
7
neBhetizuri neSoko neAdhuramu
8
neGati neMaresha neZifu
9
neAdhoraimu neRakishi neAzeka
10
neZora neAiyaroni neHebhuroni, maguta etsvingo ari kwaJudha nokwaBhenjamini.
11
Akasimbisa tsvingo dzacho akaisamo vatungamiriri vehondo namatura ezvokudya namafuta newaini.
12
Akaisawo nhoo namapfumo mumaguta ose iwayo akaasimbisa zvikuru kwazvo. Iwaya ndiwo makwanisiro aakaita kutonga kwaJudha nokwaBhenjamini.
13
Vapristi nevaRevhi vaiva muIsiraeri yose zvayo vakaunganidzana kwaari kubva kumatunhu avo ose
14
nokuti vaRevhi vakanga vatobva kumaruwa nokumisha yavo vatamira kwaJudha nokuJerusaremu pamusana pokuti Jerobhoamu navana vake vakomana vakavadzinga basa roupristi rokushandira Tenzi,
15
akazvisarudzira vanhu kuti vave vapristi vomunzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira, vezvifananidzo zvembudzi zvokunamata nezvimhuru zvaakanga agadzira.
16
Vamwewo vaiva nemwoyo wokutsvaka Tenzi, Mwari weIsiraeri vakavateverawo kubva kumadzinza ose eIsiraeri vakaenda kuJerusaremu kundopira zvibayiro kuna Tenzi, Mwari wamadzibaba avo.
17
Vakasimbisa umambo hwokwaJudha kwemakore matatu vakatsigirana naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni vakapedza makore matatu vachitevera gwara raDhavhidhi naSoromoni.
18
Rehobhoamu akaroora mukadzi ainzi Maharati aberekwa naJerimoti mwanakomana waDhavhidhi amai vake vari Abhihairi vaberekwa naEriabhu mwanakomana waJese.
19
Iye akamuberekera vana vakomana ava vanoti: Jeushi naShemariya naZahamu.
20
Mushure maiyeyu akaroorawo Maaka mwana waAbhusharomu iyewo akamuberekera Abhiya naAtai naZiza naSheromiti.
21
Rehobhoamu aida Maaka mwanasikana waAbhusharomu kupinda vamwe vose vakadzi vake navarongo. (Akaroora vakadzi gumi navasere navarongo makumi matanhatu uye aiva navana vakomana makumi maviri navasere vana vasikana makumi matanhatu.)
22
Rehobhoamu akapa Abhiya mwanakomana waMaaka ukuru hwokutonga vakoma nevanun'una vake achiitira kuti azomugadza umambo.
23
Rehobhoamu akaita zvine ungwaru akagovanisa vamwe vanakomana vake mumatunhu okwaJudha neekwaBhenjamini mumaguta ose etsvingo achivawanisa zvokudya zvakawanda nokuvaroorera vakadzi vazhinji.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36