bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 20
2 Chronicles 20
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 21 →
1
Mushure maizvozvi, vaMoabhu navaAmoni vaine vamwe vechiMeuni vakauya kuzorwisa Jehoshafati.
2
Kwakauya vanhu kuna Jehoshafati vakamuudza kuti, “Kuri kuuya gurusvusvu ravanhu uku kuzokurwisai richibva kumhiri kwegungwa, richibva kuEdhomu. Kutaura kuno vatova kuHazazonitamari” (ndiko kunonzi kuEngedhi).
3
Jehoshafati akapindwa nokutya akazvipira kutsvaka Tenzi, akatumira chirevo chokuti vanhu vatsanye munyika yose yaJudha.
4
VokwaJudha vakaunganidzana kutsvaka kubatsirwa naTenzi. Vakakotonoka mumaguta ose okwaJudha kuzotsvaka kubatsirwa naTenzi.
5
Jehoshafati akamira mugungano revokwaJudha novemuJerusaremu, mumba yaTenzi paruvanze rutsva ruya,
6
akati, “Tenzi, Mwari wamadzibaba edu, imi hamusirimi Mwari here mudenga'mu? Inga wani umambo hwose hwamarudzi avanhu huri mumaoko enyu. Uyewo ukuru nesimba zviri mumaoko enyu, zvokuti hapana angamirisane nemi.
7
Imi Mwari wedu hamusirimi here makadzingira kunze vanhu venyu vaIsiraeri vagari venyika ino mukaipa narini wose kuzvizvarwa zvaAbhurahamu shamwari yenyu.
8
Mavakadai kugara vakatokuvakirai mairi nzvimbo inoera, nzvimbo ine zita renyu, vachiti
9
kana dai kuri kuti tawirwa nenyatwa, ingave hondo iri shamhu yokuranga, kana denda, kana nzara, kana tikamira pamberi pemba ino, mberi kwenyu, pamusana pokuti zita renyu riri pamba iyoyi tikachema kwamuri tiri munhamo dzedu, imi muchateerera motiponesa.
10
“Chionaiwo zvino, vanhu vokuAmnoni nevokuMoabhu nezvokugomo reSeiri vaya vane nyika dzamakarambidza kupinda pavakabuda kunyika yeIjipiti vaye vavakanyenyeredza vakarega kuvaparadza.
11
Hezvi vauya kuzotitsiva nokutiburitsa munhaka yenyu yamakatipa kuti tigare.
12
Nhai Mwari wedu mucharega here kuvaranga? Nokuti isu simba rokumirisana negurusvusvu revanhu riri kuuya kuzotirwisa hatina. Chokuita hatichaziva, chedu isu kwava kungotarisira kwamuri.”
13
Izvozvo vanhu vokwaJudha vose vakanga vamire mberi kwaTenzi nepwere dzavo namadzimai avo navana vavo.
14
Mweya waTenzi wakauya pana Johazieri mwanakomana waZekariya, Zekariya aberekwa naBhenaya, Bhenaya mwanakomana waJeieri, Jeieri aberekwa nomurevhi Mataniya mumwe wavana vokwaAsafu ari mukati megungano ravanhu.
15
Akati, “Teererai munzwe, imi mose vaJudha nemi vagari vomuJerusaremu nemi mambo Jehoshafati! Tenzi ari kuti kwamuri musatye henyu, musapazamiswe musoro negurusvusvu revanhu racho nokuti hamusirimi mucharwisa, asi kuti Mwari ndiye acharwisa.
16
Mangwana dzikai mundovarwisa. Izvozvo vachakuvingai nokumukwidza weZizi. Muchavawana vava kwakaperera bani racho, kumabvazuva kwerenje reJerueri.
17
Zvokurwa, hamutomborwa zvenyu ipapa. Chenyu imi kurongana mongomira zvenyu muone kukurira kwaTenzi achiitiremi, iwe Judha newe Jerusaremu. Musatye, musapazamiswe musoro nazvo. Mangwana chaiwo vabudirei, Tenzi achava nemi.”
18
Jehoshafati ndokubva atsikitsira pasi nouso, Judha yose navagari vomuJerusaremu vakati pasi zvambarara mberi kwaTenzi.
19
VaRevhi vemba yokwaKohati nevokwaKora vakasimuka vachirumbidza nezwi guru Tenzi, Mwari weIsiraeri.
20
Vakamuka rungwanagwana vakaenda kurenje reTekoa. Pavakanga vava kuenda Jehoshafati akasimuka akati, “Judha we-e newe mugari womuJerusaremu imbonditeerai munzwe! Vimbai naTenzi, Mwari wenyu, achaita kuti mugadzikane. Vimbai navaporofita vake zvikufambirei zvakanaka.”
21
Kuzoti apedza kubvunza mazano kuvanhu, akasarudza vokuimbira Tenzi nokumurumbidza vakapfeka hanzu dzinoera vari mberi kwehondo vachiti, “Tendai Tenzi uye nokuti mwoyochena wake hauperi.”
22
Pavakatanga kuimba nokurumbidza, Tenzi akaisa vokuhwandira vaAmoni navaMoabhu nevokuGomo reSeiri vakanga vauya kuzorwisa vokwaJudha ndokubva vakurirwa.
23
Chakaitika ndechokuti, vechiAmoni nevechiMoabhu vakamukira vagari vokuGomo reSeiri vakavatsvaira. Pavakapedza kuuraya vagari vokuSeiri ava, vose vakatobatsira nokuurayana.
24
VokwaJudha pavakasvika pokuongorora vari panharire yomurenje vakatarisa kugurusvusvu ravanhu riya onei wangova murakatira wezvitunha pasi pasina nomumwechete akanga apunyuka.
25
Pakaenda Jehoshafati navanhu vake kundotora zvinhu zvokupamba kwavari, vakasvikowana kuna matanga namatanga emombe nemidziyo nehanzu nezvinhu zvinokosha kwazvo zvavakatora zvavo kuita zvavo, kusvikira pokuti kutakura zvimwe vakanga vasisagoni. Vakaita mazuva matatu ese vachitora zvavo zvinhu zvokupamba, zvakanga zvakawanda.
26
Pazuva rechina vakaungana muBani rokurumbidza nokuti imomo ndomavakarumbidza Tenzi ndokusaka pakatumidzwa zita rokuti Bani rokurumbidza kusvikira pari nhasi.
27
Vakazodzoka, munhu wose zvake wokwaJudha nowomuJerusaremu, izvozvo Jehoshafati achivatungamirira vachidzokera Jerusaremu, vasingagone nokufara nokuti Tenzi akanga aita kuti vafarire zvakanga zvaitwa vavengi vake.
28
Vakasvika kuJerusaremu kumba yaTenzi madimbwa achiridzwa, zvipendani zvichidandaura, iwo mabhosvo achirira.
29
Umambo hwenyika dzose hwakabatwa nokutya Mwari, pavakanga vanzwa kuti uku Tenzi akarwisa vavengi veIsiraeri.
30
Nokudaro umambo hwaJehoshafati hwakava norunyararo nokuti Mwari wake akamupa runyararo kumativi ose.
31
Uku ndokutonga kwakaita Jehoshafati kwaJudha. Akanga ava namakore makumi matatu namashanu paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore makumi maviri namashanu ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Azubha mwanasikana waShirihi.
32
Akatevera makwara ose ababa vake Asa asingambotsaukamo achiita zvakarurama zvinodiwa naTenzi.
33
Zvakadaro zvazvo, nzvimbo dziye dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa. Vanhu vakanga vasati vaisa mwoyo yavo kuna Mwari wemadzibaba avo.
34
Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoshafati kubvira pakutanga kusvikira pakupedzesera, dzakanyorwa wani muNhoroondo dzaJehu mwanakomana waHanani, munhoroondo dziri muBhuku reMadzimambo eIsiraeri.
35
Mushure maizvozvi Jehoshafati mambo wokwaJudha akaita rimwe naAhaziya mambo wokwaIsiraeri aiita zvakaipa. Akabatana naye mukugadzira ngarava dzokuenda kuTarishishi.
36
Vakagadzira ngarava idzodzo kuEzionigebheru.
37
Ndopakaporofita Eriezeru, mwanakomana waDhodhavhawu wokuMaresha Jehoshafati achiti, “Pamusana pokuti maita rimwe naAhaziya Tenzi achaparadza zvamagadzira.” Ngarava dzacho dzakaparadzwa dzikatadza kusvika kuTarishishi.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→