bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 14
2 Chronicles 14
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 15 →
1
Saizvozvo Abhiya akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake. Mwanakomana wake Asa ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mumazuva ake nyika yakava norunyararo kwegumi ramakore.
2
Asa akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi, Mwari wake.
3
Akabvisa zveatari dzisiridzo nenzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akapwanya zvifananidzo zvokunamata, zvemabwe akatema-tema zvifananidzo zvokunamata zviAshera.
4
Akaudza vokwaJudha kuti vachitsvaka Tenzi, Mwari wamadzibaba avo nokuchengeta mutemo nomurao.
5
Akabvisawo mumaguta ose okwaJudha nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira. Mumaoko ake, nyika yakaita runyararo.
6
Akavaka maguta etsvingo okwaJudha nokuti nyika yaiva murunyararo. Hakuna kumboitika hondo kwaari mumakore iwaya nokuti Tenzi akamupa zororo.
7
Akati kune vokwaJudha, “Ngativakiridzei maguta aya tiapoteredze netsvingo nenharire nemisuo mikuru nezvihuri. Nyika iyi ichiri yedu pamusana pokuti takatsvaka Tenzi, Mwari wedu. Takamutsvaka akabva atipa runyararo kumativi kwose.” Naizvozvo vakavaka, vakabudirira.
8
Asa uyu aiva nezviuru mazana matatu zvavarwi vaiva nezvombo zvehondo, namapfumo nenhoo, navarwi zviuru mazana maviri namakumi masere vokwaBhenjamini vari vokutakura nhoo nokupfura nemiseve. Vose ivava vaiva mvumba chaidzo dzamagamba okurwa hondo.
9
Mumwe muEtiopia ainzi Zera akauya kuzovarwisa aine varwi vehondo zviuru zvinokwana chiuru chaicho, nengoro dzehondo mazana matatu akasvika kuMaresha ikoko.
10
Asa akamubudira vakaronga hondo dzavo kuti vachirwa mubani rokwaZefata kuMaresha.
11
Asa akachema kuna Tenzi, Mwari wake achiti, “Tenzi we-e! Hakuna akaita semi angabatsire panenge pasangana vane simba navasina simba kudai. Tibatsireiwo Tenzi, Mwari wedu nokuti tinovimba nemi. Tauya kuzorwisa gurusvusvu ravanhu iri muzita renyu. Imi Tenzi ndimi Mwari wedu. Regai kuti munhu akukurirei.”
12
Naizvozvo Tenzi akapa kuti vaEtiopia vakundwe naAsa nevokwaJudha. VaEtiopia vakati ware kutiza.
13
Asa navanhu vaaiva navo akadzingirirana navo kusvikira kuGerari. VaEtiopia vakaita murakatira kufa pakasara pasisina mupenyu. VaEtiopia vakaitiswa chimwanda-mwanda naTenzi nehondo yake. VokwaJudha vakakukucha zvinhu zvizhinji zvokupamba.
14
Vakarasha maguta ose emudunhu reGerari nokuti kutya Tenzi kwakanga kwavabata. Vakapamba zvinhu mumaguta ose iwayo. Zvokupamba zvakanga zvakawanda imomo.
15
Vakaparadzawo matendhe avafudzi vemombe. Vakatakura matanga namatanga ehwai, nenghamera, ndokudzokera Jerusaremu.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36