bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 10
2 Chronicles 10
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 11 →
1
Rehobhoamu akaenda kuShikemu kwakanga kwakaunganwa neIsiraeri yose kundomugadza umambo.
2
Jerobhohamu mwanakomana waNebhati paakazvinzwa zvake achiri kuIjipiti sezvo akanga achiri kuIjipiti ikoko kwaakaenda atiza mambo Soromoni,
3
vakamutumira nhume kundomudaidza. Jerobhoamu uyu nevokwaIsiraeri vose vakasvikopira nyaya yavo kuna Rehobhoamu vachiti,
4
“Baba venyu vakatiremedza nejoko rinorema. Zvino dai mukatirerutsirawo basa rababa venyu rakaoma kudai nejoko ravo rinorema ravakaisa patiri tigokushandirai zvedu.”
5
Iye akati, “Mozodzoka zvenyu kwandiri kwapera mazuva matatu.” Nokudaro vanhu ava vakaenda zvavo.
6
Mambo Rehobhoamu akandobvunza mazano kune vechikuru chikuru vaimbova makurukota kuna Soromoni baba vake pavakanga vachiri vapenyu achiti, “Zano ramunondipa kuti ndipindure vanhu ava nderipi?”
7
Ivo vakati kwaari, “Zvanhasi uno izvi kana mukabvuma zvenyu kuitira vanhu ava tsiye nyoro, mukavafadza mukataura navo zvakanaka naivowo vachava varanda kwamuri mazuva ose.”
8
Asi iye akasiya zano raakapiwa nevechikuru chikuru ava akandobvunza mazano kune vechidiki vaakakura navo vakanga vava zvino makurukota ake.
9
Akati kwavari, “Ko zano ramunondipa kuti ndipindure vanhu ava nderipi vakanditi, ‘Tirerutsireiwo joko rakaiswa nababa venyu patiri.’ ”
10
Vechidiki vaakakura navo ava vakamuti, “Udzai vanhu ivavo vakakutii, ‘Baba venyu vakatiremedza nejoko rinorema dai mukachitirerutsirawo, kuti kasiyanwa kangu kakobvu pane chiuno chababa vangu.’
11
‘Zvino baba vangu vakakuremedzai nejoko rinorema, handiti! Ini ndichatoripamhidzira. Baba vangu vaikurovai neshamhu, handiti! Ini ndichakurovai netyava ine minzwa yerukato.’ ”
12
Saizvozvo Jerobhoamu navanhu vose vakadzokera kuna Rehobhoamu pazuva retatu racho sokutaura kwakanga kwaita mambo kuti mugozodzoka kwandiri kwapera mazuva matatu.
13
Mambo akavapindura nehasha achisiya zano revechikuru vaya.
14
Akataura kwavari achitevera zano riya raakapiwa nevechidiki achiti, “Baba vangu vakakuremedzai nejoko rinorema, handiti! Ini ndichatoripamhidzira. Baba vangu vakakurovai neshamu, handiti! Ini ndichakurovai netyava ine minzwa yekananga.”
15
Nokudaro mambo haana kunzwa chichemo chavanhu ivava nokuti maitikiro aya ezvinhu akanga auyiswa naMwari kuti Tenzi azadzikise shoko rake raakanga ataura nomuromo waAhiya wokuShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.
16
VokwaIsiraeri vose pavakaona kuti mambo haana kunzwa chichemo chavo, vanhu vakapindura mambo vachiti, “Isu muna Dhavhidhi, mugove wedu ndowei chaizvo? Hatina isu nhaka mumwana waJese. VokwaIsiraeri, munhu wose kumusha. Iwe Dhavhidhi, zvomumba mako wochizvionera.” VakwaIsiraeri ndiye shapu kuenda kumusha.
17
Asi vaIsiraeri vaigara mumaguta okwaJudha ndivo vaitongwa naRehobhoamu.
18
Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoramu mumwe mukuru mukuru wezvebasa rechibharo. Vanhu vokwaIsiraeri vakamutema namatombo akabva afa. Mambo Rehobhoamu ndopaakabva ati nokuchimbidza ngoro yake yehondo karakata ndiye kuJerusaremu ware kutiza.
19
Saizvozvo vokwaIsiraeri vakapandukira imba yokwaDhavhidhi kusvikira pari nhasi.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→