bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 25
2 Chronicles 25
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 26 →
1
Amaziya akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakumi maviri amakore ana makore mapfumbamwe ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Jehoadhani vomuJerusaremu.
2
Iye akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi asi akanga asina kunyatsoti tsvikiti pamwoyo pake.
3
Umambo pahwakanga zvino hwava mumaoko ake chaizvo akauraya makurukota akauraya mambo, baba vake.
4
Asi haana kuuraya vana vavaurayi ava sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku romutemo waMosesi panonzi naTenzi, “Madzibaba haafaniri kuurayirwa mhosva dzavana. Vanawo havafaniri kuurayirwa mhosva dzamadzibaba. Munhu wose anofira mhosva yake iye pachake.”
5
Amaziya akazokokorodza varume vokuhondo vokwaJudha akavaronga imba nemba vari pasi pevatungamiriri vezviuru nevemazana vari vose zvavo vokwaJudha nevokwaBhenjamini. Akaverenga vaiva namakore makumi maviri zvichikwira akawana vari zviuru mazana matatu zvavarume chaivo vakanyatsosarudzwa vanogona kuenda kuhondo vaigona kutakura nhoo nemapfumo.
6
Akakokawo varwi vokwaIsiraeri mvumba chaidzo, magamba okurwa hondo zana rezviuru vaakaita zvokubvisira mari yesirivha inorema matani mana.
7
Asi mumwe munhu waMwari akauya kwaari akati, “Mambo! Regai zvenyu kuendako nehondo yokwaIsiraeri nokuti Tenzi haasi nevokwaIsiraeri, uye haasiri navose vekwaEfuremu ava.
8
Kunyange mukati ndoita chivindi chokurwa hondo, asi Mwari achakuputsirai pasi pamberi pevavengi vacho nokuti Mwari ane simba rokubatsira kana rokuumburudza munhu pasi.”
9
Amaziya ndokuti kumunhu waMwari, “Zvino toita sei namatani mana esirivha andakapa kuhondo yokwaIsiraeri.” Munhu waMwari akapindura achiti, “Tenzi anogona kukupai yakawanda kutopinda iyoyo.”
10
Ipapo Amaziya akakotonotsa hondo yakanga yauya kwaari yabva kwaEfuremu kuti vaende zvavo kumusha. Ivo vakabva vavirukira vokwaJudha nehasha kwazvo vakadzokera kumusha vakapaka kwazvo nadzo.
11
Asi Amaziya akatsunga mwoyo akabuda otungamirira vanhu vake akaenda kuBani roMunyu akauraya gumi rezviuru zvevanhu vokuSeiri.
12
Varume vokwaJudha vakabata vamwe gumi rezviuru vari vapenyu vakaenda navo pamusoro peibwe, ndokuvatozomotsera pasi vose vakapwatikira pasi.
13
Asi varwi vaye vehondo iya yokudzorwa naAmaziya asisavabvumire kuenda naye kuhondo vakarwisa maguta okwaJudha kubvira kuSamaria kudzamara kuBhetihoroni vakauraya zviuru zvitatu zvavanhu. Vakakukucha kupamba zvinhu.
14
Kuzoti Amaziya adzoka kuya kwaakandouraya vaEdhomu akauya navamwari vokuSeiri akavamisa savamwariwo vake akabva ovanamata otopira zvake mipiro kwavari.
15
Naizvozvo Tenzi akashatiririrwa Amaziya akamutumira muporofita akasvikoti kwaari, “Chawavakuendera kune vamwari vevanhu vechirudzi vasinakukwanisa kununura vanhu vavo mumaoko avo chii?”
16
Asi achingunotaura kudaro mambo akamugamha achiti, “Zviye takakusarudza kuti uve jinda ramambo nhai? Chinyarara! Chowofirawo zvako chii ipapa?” Muporofita ndiye zii zvake asi akangoti, “Chandinoziva ini ndechokuti Mwari afunga zvokukuparadzai pamusana pezvamakaita uye nokusateerera zano rangu.”
17
Amaziya mambo wokwaJudha akabvunza mazano akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu mambo wokwaIsiraeri achiti, “Uya timirisane.”
18
Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akatumawo nhume kuna Amaziya mambo wokwaJudha achiti, “Kananga kepaRebhanoni kakatumira nhume kumuti womusidhari wepaRebhanoni kachiti, ‘Rega mwanasikana wako aroorwe nomwanakomana wangu ave mukadzi wake.’ Chimwe chikara chomuRebhanoni chakapfuura nepo chikakatsikirira pasi.
19
Unotika iwe wakakurira Edhomu chaizvo ukabva waita zenze kuzvikudza. Zvino iwe gara zvako kumba. Unodirei kuzvidenhera nhamo inokuridibura iwe pamwechete naJudha?”
20
Asi Amaziya haana kumbozviteerera nokuti zvaiva zvaMwari aida kuvaisa mumaoko avavengi vavo pamusana pokuti vakanga vavakunamata vamwari vechiEdhomu.
21
Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akakwirako, iye naAmaziya mambo wokwaJudha vakamirisana kurwa hondo kuBhetishemeshi rokwaJudha.
22
VokwaJudha vakakurirwa novokwaIsiraeri munhu wose rikava bararamhanya kutizira kumusha.
23
Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akabata Amaziya mambo wokwaJudha mwanakomana waJoashi mwanakomana Ahaziya kuBhetishemeshi. Akaenda naye kuJerusaremu akapaza mbimbi yorusvingo rweJerusaremu inoita mamita mazana maviri kubvira pasuo guru raEfuremu kusvikira pasuo guru rapaKona.
24
Akapamba ndarama yose nesirivha nemidziyo yose yaiva mumba yaMwari zvainge zviri mumaoko aObhedoedhomu. Akapambawo upfumi hwomumuzinda wamambo. Akatorawo nhapwa ndokubva adzokera kuSamaria.
25
Amaziya mwanakomana waJoashi mambo wokwaJudha akagara makore gumi namashanu mushure mokufa kwaJoashi mwanakomana waJehoahazi mambo wokwaIsiraeri.
26
Inga dzimwe nyaya dzezvaAmaziya kubvira pakutanga kusvikira pokupedzesera dzakanyorwa wani muBhuku raMadzimambo okwaJudha neokwaIsiraeri.
27
Kubvira paakafuratira Tenzi, vakaita bangano rokumupandukira muJerusaremu, iye akabva atizira kuRakishi. Asi vakatuma vanhu kuRakishi vakamuurayira ikoko.
28
Vakauya naye vakamutakura nemabhiza akavigwa pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi.
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→