bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 18
2 Chronicles 18
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 19 →
1
Jehoshafati akati zvino ava noupfumi huzhinji achikudzwa kwazvo akaita ukama hwokuroorerana naAhabhu.
2
Kwapera makore akati kuti akadzika kwaAhabhu kuSamaria. Ahabhu akamuurayira hwai nemombe dzakawanda pamwechete navanhu vaaiva navo, akamukurudzira kukwira kuRamoti kuGireadhi kundorirwisa.
3
Ahabhu mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati mambo wokwaJudha, “Hamungaendewo neni here kuguta reRamoti rokuGireadhi?” Akamupindura achiti, “Inga tiri vamwechete wani. Vanhu vangu vanongovawo vanhu venyu. Tichange tinemi muhondo yacho.”
4
Jehoshafati ndokuti kuna mambo wokwaIsiraeri, “Madii kutanga manzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo?”
5
Ipapo mambo wokwaIsiraeri akaungaidza vaporofita mazana mana akavati, “Toenda here kundorwisa guta reRamoti kuGireadhi kana kuti ndorega zvangu?” Ivo ndokuti, “Endai zvenyu nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo.”
6
Asi Jehoshafati akati, “Hapana here mumwe muporofita waTenzi watingabvunze?”
7
Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Pachine mumwe murume mumwechete watinganzwe naye kuti Tenzi anoti kudii nazvo. NdiMikaya mwanakomana waImura. Asi ini ndinomuvenga nokuti haamboporofita zvakanaka nezvangu asi zvakaipa mazuva ese.” Jehoshafati ndokuti, “Dai mukarega kutaura muchidaro mambo.”
8
Mambo wokwaIsiraeri akadaidza rimwe gurukota ndokuriti, “Kurumidza kuunza pano Mikaya mwanakomana waImura.”
9
Izvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati mambo wokwaJudha vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoumambo vakapfeka magemenzi avo oumambo vagere panhandare pasuo guru rokupinda muSamaria. Izvozvo vaporofita vose vaingunoporofita vari pamberi pavo.
10
Zedhekiya mwanakomana waKenaana akazvigadzirira nyanga dzesimbi ndokuti, “Zvanzi naTenzi, ‘Nenyanga idzi uchatunga nadzo vaSiria kusvikira vaparadzwa.’ ”
11
Vaporofita vose ndozvavakaporofitawo izvozvo vachiti, “Kwirai zvenyu kuguta reRamoti rokuGireadhi mundokurira. Tenzi achariisa mumaoko amambo.”
12
Nhume yakaenda kundodaidza Mikaya, yakamuti, “Chinzwaika, uku vaporofita vose shoko ravari kutaura rimwechete rokuti zvinhu zvichandonakira mambo. Saka imimi dai zvamuchandotaura zvikafananawo nezviri kutaurwa nomumwe nomumwe wavo zvivewo zvakanaka.”
13
Asi Mikaya akati, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu kuti zvinenge zvarehwa naMwari wangu izvozvo ndozvandichataura.”
14
Paakasvika pana mambo, mambo akamubvunza kuti, “Nhai Mikaya, toenda here kundorwisa guta reRamoti rokuGireadhi kana kuti ndorega zvangu?” Iye akapindura achiti, “A, endai zvenyuka mundokunda, vachaiswaka mumaoko enyu.”
15
Asi mambo ndokumuti, “Unoda kuti ndikuudze kangani kundipikira kutaura chokwadi muzita raTenzi.”
16
Iye ndokuti, “Ndaona Isiraeri yose yaita bararamhanya mumakomo sehwai dzisisina mufudzi. Tenzi akati, ‘Ivava ava havasisina vanatenzi vavo. Munhu wose ngaadzokere zvake kumusha kwake.’ ”
17
Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndozvandambokuudzai wani kuti haaporofite zvakanaka nezvangu asi zvakaipa.”
18
Mikaya akati, “Chinzwai zviri kutaurwa naTenzi. Ndaona Tenzi agere pachigaro chake choumambo akakutwa negurusvusvu rehondo dzose dzokudenga kurudyi nokuruboshwe.
19
Tenzi ati, ‘Ndiani angaende zvake akafurira Ahabhu mambo wokwaIsiraeri kuti aende kuguta reRamoti kuGireadhi andopararirako?’ Vakadoma-toma vachitaura twakasiya-siyana,
20
ndokubva kwauya mumwe mweya ukamira pana Tenzi ukati, ‘Ini zvangu ndinondomufurira.’ Tenzi akabva auti, ‘Unondomufurira sei?’
21
Iwo ndokuti, ‘Ndinoenda zvangu kundova mweya wokunyepa mumuromo yavaporofita vake vose.’ Iye ndokuti, ‘Enda undomufurira, uchazvigona. Chienda uite saizvozvo.’ ”
22
Naizvozvo chinzwai, “Tenzi aisa mweya wokunyepa mumuromo yavaporofita venyu ivava. Pamatemerwa naTenzi pakaoma.”
23
Zedhekiya mwanakomana waKenaana akaswedera munyasi naMikaya ndokumudzemura nembama padama akati, “Mweya waTenzi wabva sei mandiri uchiuya kuzotaura wavamauri?”
24
Mikaya akati, “Chinzwaka, uchazvionera zvako musi wauchatizira mumba yomukati kundohwanda.”
25
Mambo wokwaIsiraeri ndokuti, “Batai Mikaya uyu mudzokere naye kuna Amoni mutongi weguta rino, kuna Joashi mwanakomana wamambo muti,
26
zvanzi namambo, pfigirai muchinda uyu mujeri, mumupe chokudya nemvura zvokudzora mwoyo chete kudzamara ini ndadzokawo zvakanaka.”
27
Mikaya akati, “Kana mukadzoka zvakanaka Tenzi anenge asina kutaurawo nemandiri.” Ndokubvawo ati, “Zvinzwei vanhu mose!”
28
Saizvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati mambo wokwaJudha vakakwidza kuguta reRamoti rokuGireadhi.
29
Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndichazvivanziridza kuita somumwewo munhu ndipindewo mukati mokurwa, asi imi mopfeka magemenzi enyu oumambo.” Mambo wokwaIsiraeri akazvivanziridza kuita somumwewo munhu ndokubva apindawo mukati mehondo.
30
Izvozvo mambo weSiria akanga afanoudza vakuru vakuru vengoro dzake dzehondo kuti, “Regai zvenyu kuzvinetsa kuswerorwisa vakuru vakuru kana vadiki zvavo asi ingonanganai namambo wokwaIsiraeri.”
31
Vakuru vakuru vengoro dzehondo vaya pavakaona Jehoshafati vakati, “Ndiyeyu chete mambo wokwaIsiraeri.” Ndokubva vati naye tande kumurwisa, Jehoshafati ndokubva aridza mhere, Tenzi ndokumubatsira.
32
Mwari akavabvisa kwaari nokuti pakaona vakuru vakuru vaye kuti haasiriye mambo wokwaIsiraeri vakabva varega kumudzingirira.
33
Asi mumwe murume akangokandawo zvake museve wake ukabaya mambo wokwaIsiraeri nechepakati panosangana mabandiko amademautare rapadundundu nereruoko kuzvidzivirira naro muhondo. Naizvozvo akati kumuchairi wengoro yake yehondo, “Chitendeuka unditakurire kunze kwehondo. Ndakuvadzwa ini!”
34
Hondo yakatsviriridza musi iwoyo mambo wokwaIsiraeri ndokuramba akatsigirirwa ari mungoro yehondo akatarisa kuvaSirira kusvikira kumanheru ndokuzobva afa zuva rodoka.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→