bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 36
2 Chronicles 36
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
1
Saka vanhu venyika iyoyo vakazotora Jehoahazi mwanakomana waJosiya vakamugadza umambo muJerusaremu panzvimbo yababa vake.
2
Jehoahazi akanga ava namakore makumi maviri ana matatu paakatangisa kutonga. Akatonga kwemwedzi mitatu ari muJerusaremu.
3
Mambo weIjipiti akamubvisa paumambo muJerusaremu akateresa nyika mutero wematani matatu esirivha ane makirogiramu mazana mana nendarama yaiita makirogiramu makumi matatu ane mana.
4
Neko mambo weIjipiti akaita Eriyakimu munun'una waJehoahazi mambo weJudha neJerusaremu akabva amusandura zita omupa rimwe rokuti Jehoyakimu, asi akatakura mukoma wake Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti.
5
Jehoyakimu akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, Mwari wake.
6
Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akauya kuzomurwisa. Akamusunga nengetani akaenda naye kuBhabhironi.
7
Nebhukadhineza akatakurawo mimwe midziyo yepamba paTenzi akaenda nayo kuBhabhironi akandoiisa mumuzinda wake muBhabhironi.
8
Dzimwe nyaya dzezvaJehoyakimu nezvimwe zvakaipisisa kwazvo zvaakaita netumwewo twaaiita twakazobuda zvakanyorwa wani muBhuku raMadzimambo okwaIsiraeri neokwaJudha. Mwanakomana wake Jehoyakini ndiye akazotonga panzvimbo yake.
9
Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, akatonga kwemwedzi mitatu negumi ramazuva ari muJerusaremu. Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi.
10
Muchirimo panguva yepfumvudza mambo Nebhukadhineza akatumira shoko rokuti aunzwe kuBhabhironi pamwechete nemidziyo inokosha yomumba yaTenzi akabva aita munun'una wake Zedhekiya mambo wokwaJudha neJerusaremu.
11
Zedhekiya akanga ava namakore makumi maviri nerimwechete paakava mambo, akatonga kwemakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu.
12
Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, Mwari wake. Haana kuzvininipisa pamberi pomuporofita Jeremiya, aitaura zvaibva mumuromo waTenzi.
13
Akapandukira mambo Nebhukadhineza akanga aita kuti apike naTenzi mhiko. Akaomesa musoro akaomesa mwoyo wake pane zvokudzokera kuna Tenzi, Mwari weIsiraeri.
14
Vakuru vakuru vose pavapristi pamwechete navanhu zvakanga zvangova zvimwechetezvo zvokurega kuva pachokwadi zvatonyanyisa kwazvo votevedza zviito zvakaipisisa kwazvo zvaiitwa nevechirudzi vachin'oresa imba yaTenzi yaakanga aeresa muJerusaremu
15
Tenzi, Mwari wamadzibaba avo akatuma-atumazve nhume dzake kwavari neshoko pamusana pokuti ainzwira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yokugara.
16
Asi vakaramba vachinyomba nhume dzaMwari vachitozvidza zvavo mashoko ake vachitafurira vaporofita vake kudzamara Tenzi amukira vanhu vake nehasha kusvikira pasisina chokuzvigadziridza nacho.
17
Naizvozvo akavamutsira mambo wavanhu vechiKaredhea vakauraya namapakatwa majaya avo mumba yavo macho menzvimbo inoera pasina kana zvokumbonzwira tsitsi kuti majaya here kana kuti mhandara kunyange kuti murume mukuru kana kuti munhu achembera; akaisa vose mumaoko ake.
18
Midziyo yose yomumba yaMwari mikuru nemidiki noupfumi hwomumba yaTenzi noupfumi hwamambo nehwemachinda ake akakukucha zvose izvozvi akaenda nazvo kuBhabhironi.
19
Vakapisa imba yaTenzi vakapazira pasi rusvingo rweJerusaremu vakapisa mizinda chaiyo yose yedzimba vachiparadza midziyo yose yakakosha yaivamo.
20
Akatapa vakanga vapunyuka mapakatwa vakabva vava varanda kwaari iye navanakomana vake kusvikira pakazomirawo umambo hwokuPezhiya.
21
Nyika yakambofara kuwana maSabata okutombozororawo zvayo nguva yose iyoyo yamakanga munyika makati hwa musina munhu kusvikira makore makumi manomwe akwana kuzadzikisa shoko raTenzi rakataurwa nomuromo waJeremiya.
22
Mugore rechiposhi rokutonga kwaKoreshi mambo wePezhiya, zvichizadzikisa shoko raTenzi raakataura nomuromo waJeremiya, Tenzi akapinza imwe pfungwa mumwoyo waKoreshi mambo wePezhiya zvokuti akatemera vanhu chirevo nyika dzose dzoumambo hwake; akaitawo zvokuchinyora chokuti,
23
“Zvanzi naKoreshi mambo wePezhiya, Tenzi, Mwari Wedenga akandipa umambo hwenyika dzose dzapasi pano akandipawo basa rokuti ndimuvakire imba kuJerusaremu maJudha. Ani naani pakati penyu anenge ari wavanhu vake vose zvavo, Tenzi, Mwari wake ngaave naye akwireko.”
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→