bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 13
2 Chronicles 13
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 14 →
1
Mugore regumi nechisere rokutonga kwaMambo Jerobhoamu, Abhiya akava mambo wokwaJudha.
2
Akatonga kwamakore matatu ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Mikaya mwana waUrieri vokuGibheya. Paiva nehondo pakati paAbhiya naJerobhoamu.
3
Abhiya akaenda kundorwa aina magamba chaiwo okurwa hondo namazana mana ezviuru zveshasha chaidzo dzokurwa hondo. Jerobhoamu akaronga varwi vake kuti achirwa naye, vaive vari mazana masere ezviuru zvamagamba chaiwo eshasha dzokurwa hondo.
4
Abhiya akamira pamusoro pegomo reZemaraimu riri munyika yokwaEfuremu yamakomo, akadaidzira achiti, “Iwe Jerobhoamu nemi vaIsiraeri mose chimbonditeererai munzwe!”
5
“Hamuzive here kuti Tenzi, Mwari weIsiraeri akapa narini wose umambo hwokwaIsiraeri kuna Dhavhidhi nokuvanakomana vokwake achizviita nepfirapo yechitenderano chomunyu?
6
“Kunyange zvakadaro gurukota raSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, Jerobhoamu mwanakomana waNebhati akasimuka akapandukira tenzi wake.
7
Mamwewo madzenga avanhu vasina maturo vakaunganidzana kwaari, vakazvidza Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, izvozvo akanga achiri mudiki asina chivindi haana kugona kumirisana navo.
8
Zvino ndopamungatiwo mumirisane nenyika yaTenzi yaarikutonga navanakomana vokwaDhavhidhi muchivimba nokuwanda kwamakaita uku nezvimhuru zvendarama zvamunazvo zvamakagadzirirwa naJerobhoamu kuti zvive vamwari venyu here.
9
Hamuna here imi kudzinga vapristi vaTenzi, vanakomana vokwaAroni navaRevhi, mukazviitira vapristi sezvinongoitawo mamwe marudzi edzimwe nyika? Anoti nomunhu wose anenge angouyawo zvake nehandira ichiri duku kana nehondohwe nomwe ndizvozvo obva anzi atova mupristi wezvinhu zvisiri Mwari.
10
Asi kwatiri isu, Tenzi ndiye Mwari wedu, uye hatina kumufuratira. Tine vapristi vanoshandira Tenzi, vari vanakomana vokwaAroni navaRevhi pabasa ravo irori.
11
Mangwanani oga oga namanheru oga oga, vanopira kuna Tenzi mipiro yokupisa norusenzi runonhuwirira vachironga chingwa chepana Mwari patebhuru yendarama yakachenurwa, vanoonawo nezvechigadzikiro chemwenje chendarama kuti marambi acho avheneke manheru oga oga nokuti isu tinochengeta zvakanzi naTenzi, Mwari wedu zviitwe, asi imi makamuramba.
12
Chinzwai, Mwari anesu, ndiye ari kutungamirira, uye vapristi vake nemabhosvo engondo okurudzira kuti tichikurwisai. VaIsiraeri we-e regai kurwisa Tenzi, Mwari wemadzibaba enyu nokuti hamumbozvikwanisa.”
13
Izvozvo Jerobhoamu akanga atotumira vokundovahwandira necheseri. Nokudaro vokwaJudha vakanga voti mberi vatarisana nehondo, shure kune vokuvahwandira vaye.
14
VokwaJudha vakati cheu, onei kwachiti hondo mberi, nehondo shure.
15
Vakachema kuna Tenzi, vapristi vakaridza mabhosvo. Kuvarwi vokwaJudha ngondo ikati yarira. Varwi vokwaJudha pavakaridza ngondo kudaro, Mwari akakurira Jerobhoamu nevokwaIsiraeri vose, Abhiya novokwaJudha vachiona.
16
Varwi vokwaIsiraeri vakati ware kutiza vokwaJudha. Mwari ndokuvaisa mumaoko avo.
17
Abhiya navarwi vakavaita murakatira kuuraya, kukafiwa nevokwaIsiraeri mazana mashanu ezviuru zveshasha chaidzo dzokurwa hondo.
18
Saizvozvo vokwaIsiraeri vakakurirwa. Panguva iyoyo vokwaJudha vakakunda nokuti vakavimba naTenzi, Mwari wamadzibaba avo.
19
Abhiya akaronda Jerobhoamu akamutorera maguta aya anoti Bhetieri nemisha yaro, neJeshama nemisha yaro neEfuroni nemisha yaro.
20
Jerobhoamu haana kuzovazve nesimba panguva yaAbhiya. Tenzi akazomurova akafa.
21
Asi Abhiya akava nesimba, akaroora vakadzi gumi navana aivawo nevanakomana makumi maviri ana vaviri navanasikana gumi navatanhatu.
22
Inga dzimwe nyaya dzezvaAbhiya namaitiro ake nezvaakataura zvakanyorwa wani muBhuku romuporofita Idho.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→