bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 28
2 Chronicles 28
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 29 →
1
V: KUSANDURA ZVIKURU KWAKAITWA NEHEZEKIYA NAJOSIYA A: ZVITADZO ZVAAHAZI, BABA WAHEZEKIYA. Ahazi akanga ava namakore makumi maviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore gumi namatanhatu ari muJerusaremu. Haana kuita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwa natateguru wake Dhavhidhi,
2
asi akatevedza gwara remadzimambo okwaIsiraeri. Akatosvika pakugadzira zvifananidzo zvaBhaari zvoutare hwokunyungurutsa.
3
Akapisira rusenzi mubani romwanakomana wokwaHinoni. Akapisawo vanakomana vake sechibayiro samaitiro akaipisisa kwazvo aiitwa namarudzi aye akadzingirwa vaIsiraeri naTenzi.
4
Akapira zvibayiro akapisa rusenzi panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzacho napamwe pakatunhumara nomumimvuri yose yemiti minyoro.
5
Naizvozvo Tenzi, Mwari wake akamuisa mumaoko amambo weSiria akamukurira akatapa gurusvusvu chairo revanhu vake akaenda navo kuDhamasikusi. Akaiswawo mumaoko amambo wokwaIsiraeri akamukurira zvokumuparadza chaizvo,
6
nokuti nezuva rimwechete chairo, Peka mwanakomana waRemariya akauraya vanhu zviuru zana nemakumi maviri maJudha vose vakanga vari mvumba chaidzo dzokurwa hondo pamusana pokuti vakanga vafuratira Tenzi, Mwari wamadzibaba avo.
7
Zikiri gamba rokwaEfuremu rakauraya Maaseya mwanakomana wamambo, naZirikamu mukuru mukuru womumuzinda naErikana mutevedzeri wamambo.
8
Varwi vokwaIsiraeri vakatora nhapwa dzaikwana mazana maviri ezviuru nehama dzavo, vakadzi, nevana, vakomana navasikana. Vakavapambawo zvinhu zvakawanda vakaenda nazvo kuSamaria.
9
Asi kwakanga kuine muporofita waMwari ainzi Obhedhi akabuda kundosangana nehondo yacho yaienda kuSamaria akati kwavari, “Chinzwai, pamusana pokuti Tenzi, Mwari wamadzibaba enyu akashatirirwa vokwaJudha, akavaisa mumaoko menyu. Asi imi mavauraya noutsinye hwasvika nokudenga kwose,
10
Zvino mava kuda kuisa pasi penyu vanhu vokwaJudha neveJerusaremu, varume navakadzi, kuvaita varanda venyu. Iyemi hamunawo here zvitadzo zvenyu zvamakatadzira nazvo Tenzi, Mwari wenyu?
11
Saka chindinzwai mudzosere nhapwa idzi dzamatapa kuhama dzenyu nokuti Tenzi atokushatirirwai zvakanyanya.”
12
Vamwe vakuru vakuruwo vevanhu vokwaEfuremu vanoti Azariya mwanakomana waJohanani naBherekiya mwanakomana waMeshiremoti naJehizikiya mwanakomana waSharumu naAmasa mwanakomana waHadhirai vakamira vopikisana nevainge vachiuya vachibva kuhondo vachivati,
13
“Regai kuunza nhapwa idzo muno nokuti mava kuda kutipinza mumhosva naTenzi topara dzimwe pamusoro pemhosva dzedu nezvitadzo zvatinazvo izvozvi, nokuti mhosva yedu yakatokura kare uye yatoipa kwazvo kupfukira vokwaIsiraeri.”
14
Nokudaro varwi vaya vakanga vakapakata zvombo zvehondo vakasiya nhapwa nezvinhu zvavakanga vapamba paiva nemachinda negungano rose.
15
Varume vakanga vadomwa namazita vakasimuka ndokutora nhapwa dziya, dzakanga dzisina chadzakapfeka vakadzipfekedza hanzu neshangu mumakumbo vachitora pane zvakanga zvapambwa. Vakavapa chokudya nechokunwa vakavazora mafuta. Vakatakura vose vakanga vaneta pakati pavo pamadhongi, vakaenda navo kuJeriko guta romurara, kuhama dzavo. Ndipo pavakazodzokera kuSamaria.
16
Panguva iyoyo, mambo Ahazi akatumira shoko kuna mambo weAsiriya achida rubatsiro.
17
Zvakaitika ndezvokuti, vaEdhomu vakauya zvakare kuzorwisa, vakabva vakurira vokwaJudha ndokutapa nhapwa vachienda nadzo.
18
VaFirisitia vakanga varwisa maguta omunyika yamanhika yeShefera nomuNegevhu yokwaJudha. Vakanga vakurira maguta eBhetishemeshi neAijaroni neGedheroti neSoko nemisha yaro neTimuna nemisha yaro neGimuza nemisha yaro, ndokubva vagara ikoko.
19
Sezvo Tenzi akadupikisa Judha pamusana paAhazi mambo wokwaIsiraeri nokuti akanga aita zvisina nomusoro wese uye atorega kuva munhu ari pachokwadi naTenzi.
20
Nokudaro Tirigatipirieseru mambo weAsiria akauya kuzomurwisa akamuonesa nhamo panzvimbo pokumutsigira
21
nokuti Ahazi akatora zvinhu muimba yaTenzi nomumuzinda wamambo nokumachinda, akatera nazvo kuna mambo weAsiria asi hazvina kumubatsira.
22
Panguva yake yokutambudzika ndopaakatonyanya kuva munhu asiri pachokwadi naTenzi, iye mambo Ahazi wakareyu.
23
Pamusana pokuti akapira zvibayiro kuvamwari veDhamasikusi vakamukurira achiti, “Pamusana pokuti vamwari vamadzimambo eSiria akavabatsira regai ndichipirawo zvibayiro kwavari vagondibatsirawo.” Asi ndovakava mharadzi yake neyevose vokwaIsiraeri.
24
Ahazi akaunganidza pamwechete midziyo yomumba yaMwari, akadimura-dimura midziyo yomumba yaMwari. Akapfiga misuo yepamba yaTenzi akazvigadzirira atari pakona yose yose muJerusaremu.
25
Mumaguta ose okwaJudha akagadzira nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzokupisira rusenzi kune vamwari vasirivo akavirutsa nehasha Tenzi, Mwari wemadzibaba ake.
26
Dzimwe nyaya dzezvake namaitiro ake ose kubvira pokutanga kusvikira pokupedzesera dzakanyorwa muBhuku raMadzimambo okwaJudha newokwaIsiraeri.
27
Ahazi akazovatawo oenda kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ake. Vakamuviga muguta reJerusaremu nokuti havana kuenda naye mumakuva emadzimambo okwaIsiraeri. Mwanakomana wake Hezekiya ndiye akazotonga panzvimbo pake.
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→