bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 29
2 Chronicles 29
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 30 →
1
Hezekiya akatanga kutonga ava namakore makumi maviri namashanu, akatonga kwamakore makumi maviri namapfumbamwe ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Abhiya mwanasikana waZekariya.
2
Hezekiya akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwawo navasekuru vake Dhavhidhi.
3
Mugore rake rechiposhi rokutonga, mumwedzi wokutanga akazarura misuo yapamba paTenzi akaigadzira.
4
Akaunzawo vapristi navaRevhi akavaunganidza munhandare kumabvazuva
5
akati kwavari, “Nditeererei munzwe imi vaRevhi! Chizvichenurai muchenurewo imba yaTenzi, Mwari wamadzibaba enyu mutakure tsvina iyi muibvise munzvimbo inoera.
6
Nokuti madzibaba edu anga ari vanhu vasiri pachokwadi naMwari'ka vanga vachiita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, Mwari wedu. ZvaMwari, vakakanda pasi vakafuratira ugaro hwaTenzi vakamupa gotsi.
7
Vakapfigawo misuo yakamba kepamusuo wokupinda muno, vakadzima marambi vakarega kupisira kuna Mwari weIsiraeri rusenzi kana kupira mipiro yokupisa munzvimbo inoera.
8
Ndokusaka Tenzi akavirukira nehasha Judha neJerusaremu akabva adziita kuti dzive sechinhu chokuti ukaona unodedera nokutya, chinokatyamadza chichikushayisa neromuromo sezvamuri kungozvionerawo nameso enyu.
9
Chitarisaika muone kuti madzibaba edu navana vedu vakomana navasikana vakaurayiwa namapakatwa uye vakadzi vedu vari kuhutapwa naizvozvi izvi.
10
“Zvino chandafunga mumwoyo mangu ini kuita chitenderano naTenzi, Mwari weIsiraeri kuitira kuti achirega kutivirukira nehasha dzake dzinotyisa.
11
Vanangu regai kuva nechamuchaitira nungo nokuti Tenzi akasarudzemi kuti mupote muchimira paari muchimushandira muri vashandi vake muchimupisira rusenzi.”
12
VaRevhi ava vakazosimuka, paiti: Mahati mwanakomana waAmasai naJoeri mwanakomana waAzariya vokuvanakomana vokwaKohati, pouya kuvanakomana vokwaMerari Paiti: Kishi mwanakomana waAbhudhi naAzariya mwanakomana waJeharereri poti kuvanakomana vokwaGerishoni Joa mwanakomana vaZima naEdheni mwanakomana waJoa
13
kune vokwaErizafani paiti Shimuri naJeueri pozoti kuvanakomana vokwaAsafu paiva naZekariya naMataniya
14
pachizoti kuvanakomana vokwaHemani paivawo naJehueri naShimei kuvanakomana vokwaJedhutuni paiti Shemaya naUzieri.
15
Vakaunganidza hama dzavo vakazvichenura vakapinda sokutaurawo kwakanga kwaita mambo maererano neshoko raTenzi kundonatsa imba yaTenzi.
16
Vapristi vakapinda mukati memba yaTenzi kundoinatsa. Vakaburitsa muruvanze rwemba yaTenzi zvose zvaiva zvakan'ora zvavakawana muTemberi yaTenzi. VaRevhi vakazvitora vakaenda nazvo kukakova keKidhironi.
17
Vakatanga kuchenura uku musi wokutanga wemwedzi wechiposhi ndokubva pamusi wechisere wacho vasvika kukamba kaye kaTenzi, kwokumusuo, tichangobuda mumba yomukati. Vakazoita mamwe mazuva masere okuchenura imba yaTenzi, vakazopedza rava zuva regumi nechitanhatu romwedzi wechiposhi.
18
Vakapinda maiva namambo Hezekiya vakamupira kuti, “Tanatsa imba yose yaTenzi neatari yokupirira mipiro yokupisa nemidziyo yayo yose netebhuru yechingwa chepana Mwari nemidziyo yayo yose.
19
Midziyo yose yakanga yaraswa namambo Ahazi paakanga achiri kutonga ava munhu asisiri pakutendendeka taigadzira tikaichenura. Kutaura kuno zviri pamberi peatari yaTenzi.”
20
Mambo Hezekiya akamuka rungwanani akaunganidza vakuru vakuru veguta akakwira kuimba yaTenzi.
21
Vanhu vakaunza handira nomwe nehondohwe nomwe nehwayana nomwe namakotora manomwe omupiro wokupfupira zvitadzo zvoumambo nenzvimbo inoera nenyika yokwaJudha, akati vapristi, vanakomana vokwaAroni vazviite zvibayiro paatari yaTenzi.
22
Saizvozvowo vakauraya handira dziye, vapristi vakasasa ropa radzo paatari. Vakaurayawo hondohwe dziye vakamwayawo ropa radzo kuatari vakazourayawo hwayana dziye vakasasa ropa radzo kuatari.
23
Makotora aye omupiro wokupfupira zvitadzo akauyiwa nawo kuna mambo negungano, vakaisa maoko avo paari.
24
Vapristi vakaauraya vakaita mupiro wokupfupira zvitadzo neropa rawo paatari kuripira Isiraeri yose nokuti mambo akanga atema kuti, mipiro yokupisa nemipiro yokupfupira zvitadzo ipirirwe Isiraeri yose.
25
Akaisa vaRevhi mumba yaTenzi vaine makwakwakwa outare nemadimbwa nezvipendani sokutemwa kwazvakaitwa naDhavhidhi nomuoni wokwamambo nomuporofita Natani pamusana pokuti mutemo wakanga wabva kuna Tenzi uchitaurwa navaporofita.
26
VaRevhi vakamira vaine zvokuimbisa zvokuridza zvaDhavhidhi, vapristi vaine mabhosvo.
27
Hezekiya ndokubva ati mipiro yokupisa ichipirwa paatari. Pakatanga kuitwa mupiro wokupisa ndopakabvawo patangwa kuimbira Tenzi rwiyo mabhosvo oridzwa zvino pamwechete nezvokuimbisa zvokuridza zvaDhavhidhi mambo weIsiraeri.
28
Gungano rose rakati pasi gwadagwa kupfugama, vaimbi mumhanzi vachiimba, uku mabhosvo achidandaura kudzamara mupiro wokupisa wapera kuti nho.
29
Pakazoti perei mupiro, mambo nevaaiva navo vakatiwo pasi gwadagwa kupfugamira.
30
Mambo Hezekiya namachinda vakati vaRevhi vaimbe nziyo dzokurumbidza Tenzi vachiimba namazwi aDhavhidhi neomuoni Asafu. Vakaimba dzimbo dzokurumbidza vachifara vakati pasi kota-kota vachipfugamira.
31
Hezekiya akazoti, “Zvino zvamazviteketerera kuna Tenzi kudai, chiuyai muunze zvibayiro nemipiro yokutenda kumba yaTenzi.” Gungano iroro rakaunza zvibayiro nemipiro yokutenda nevamwewo vose vaiva nemwoyo wokupa vakaunza zvibayiro zvokupisa.
32
Uwandi hwemipiro yokupisa yakaunzwa negungano zvaiva makumi manomwe ehandira nehondohwe zana namazana maviri ehwayana. Dzose idzodzi dzaiva dzomupiro wokupisa wokupira kuna Tenzi.
33
Mipiro yakanga yakateketererwa kuna Mwari yaiva mazana matanhatu ehandira nezviuru zvitatu zvehwai.
34
Asi vapristi vaiva vashomanini zvokuti havana kugona kuvhiya mipiro yokupisa yose. Naizvozvo kusvikira vamwe vapristi vazozvichenurawo, ivo vainge vachitobatsirwa nehama dzavo dzokwaRevhi kusvikira basa iroro rapera pari pamusana pokuti vaRevhi ndovakanga vane mwoyo uri pachokwadi kupinda vapristi panyaya yokuzvichenura.
35
Tisingaverengere zvedu mipiro yokupisa yakawanda kwazvo paiva namafuta emipiro yokuwadzana paivawo nezvomupiro wokuteura nezvomupiro wokupisa. Ndokugadzirisa kwakaitwa kunamata pamba yaTenzi.
36
Hezekiya navanhu vose vakafara kwazvo nezvakanga zvaitirwa vanhu naMwari nokuti izvozvo zvakanga zvaitika nenguva isipi.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→