bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 4
2 Chronicles 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 5 →
1
Soromoni akaitawo atari yendarira yaiva mamita mapfumbamwe kureba, upamhi hwayo huchiitawo mamita mapfumbamwe, kukwira kwayo mudenga yakareba mamita mana ana masendimita makumi mashanu.
2
Akazogadzira zibhavhu ziguru-guru kwazvo rakanga rino utare hwakaita zvokunyungurutswa. Udzame hwaro hwaiita mamita maviri namasendimita makumi maviri, upamhi hwaro huchiita mamita mana namasendimita makumi mana. Kuritenderedza rose raiita mamita gumi namatatu namasendimita makumi maviri.
3
Pasi paro nechokunzekunze pakanga pakaitwa zvinenge mapudzi, zviri makumi maviri pamita yoga yoga. Zvainge mapudzi izvi, zvakanga zvakaita zvokuumbirwa pazibhavhu iri pamwechete naro parakagadzirwa zviri mumitsara miviri.
4
Rakanga rakagara pahandira gumi nembiri, nhatu dzacho dzakaringira kuchamhembe, dzimwe nhatu dzakaringa kumadokero, dzimwewo dzacho nhatu dzakaringira kumaodzanyemba, dzimwewo nhatu dzakaringa kumabvazuva, shure kwadzo dzose kwakanga kuri nechomukati, zibhavhu iri riri pamusoro padzo.
5
Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sechanza, mupendero waro wakanga wakaita somupendero wekapu, seruva ramahapa. Zibhavhu iri raipinda madhiramu aikarosvika mazana matatu namakumi mashanu.
6
Akagadzirawo mabhavhu gumi okushambira, akandoisa mashanu acho kumaodzanyemba, mamwe acho mashanu kuchamhembe. Maari iwaya ndimo mavaisukira zvainge zvashandiswa pamupiro wokupisa, muzibhavhu ziguru guru ndimo maishambira vapristi.
7
Akagadzirawo gumi rezvigadzikiro zvemwenje zvendarama sokuudzwa kwaakaitwa, akazviisa muTemberi achiti zvishanu kumaodzanyemba, zvishanu kuchamhembe.
8
Akagadzirawo matebhuru gumi akaaisa muTemberi achiti mashanu kumaodzanyemba mamwe mashanu kuchamhembe. Akagadzira mbhenge dzendarama zana.
9
Akagadzira nhandare yavapristi nenhandarewo huru namagonhi munhandaremo akanamirira magonhi acho ndarira.
10
Akaisawo zibhavhu ziguruguru riya kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwemba iyoyo.
11
Huramu akagadzirawo mapoto namafoshoro nembhenge. Saizvozvo Huramu akapedza basa raaiitira mambo Soromoni repamba yaMwari.
12
Akagadzira misimboti miviri nezvinhu zvaiva zvakafutumara zvaiva zvepamisoro yemisimboti iyi kwouya mambure maviri okushongedza pazvinhu zvaiva pamisoro yemisimboti;
13
uye zvainge michero yamapomegiraneti mazana mana, zvokuisa pamambure iwayo ari maviri, mumbure woga woga uine mitsara miviri yezvinenge mapomegiraneti zvokushongedza pazvinhu zviya zviviri zvakafutumara zvapamisoro yemisimboti.
14
Akagadzirawo ngoro namabhavhu, pangoro idzodzo,
15
kwouya zibhavhu ziguru riya nehandira gumi dzaiva pasi paro.
16
Mapoto namafoshoro namaforogo nemidziyo yose iyi yomumba yaTenzi yakagadzirirwa mambo Soromoni naHuramabhi, yakanga iri yendarira yakanyatsokwenenzverwa.
17
Mambo akaforomera izvozvi mubani romuna Jorodhani panzvimbo yomunyakwe iri pakati peSukoti neZeredha.
18
Soromoni akagadzira mirwi nemirwi yezvinhu izvozvo zvokuti hapana akazokwanisa kuwana kuti ndarira yacho yairema zvakadii.
19
Soromoni akagadzira zvinhu zvose zvaiva mumba yaMwari zvaiti: atari yendarama netebhuru dzechingwa chokuisa pana Mwari,
20
kwouya zvigadzikiro zvemwenje namarambi azvo endarama chaiyo yakanakisisa okuvheneka pamberi penzvimbo inoera yomukatikati macho sezvakanga zvarehwa,
21
kwouyawo maruva namarambi nembato dzendarama chaiyo yakanakisisa,
22
kwozoti zvigero nembhenge namabisiro orusenzi namakoni emba yacho, pachiti makonhi omukati okupinda munzvimbo inoeresesa namagonhi emba yacho chaiyo yeTemberi, zvaiva zvendarama.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→