bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 2
2 Chronicles 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 3 →
1
Soromoni akafunga kuvaka imba yokuisa zita raTenzi nokuzvivakirawo muzinda wake.
2
Soromoni akapa basa zviuru makumi manomwe zvavarume kuti vave vokutakura zvinhu, zviuru makumi masere vave vokukwakwanura matombo mumakomo, nezviuru zvitatu zvina mazana matanhatu vokuona kuti basa riri kuitwa here nokushandisa vanhu basa.
3
Soromoni akatumira shoko kuna Huramu mambo wokuTire rokuti, “Sezvamakaita kuna baba wangu Dhavhidhi kuvatumira misidhari yokuvakisa imba yokuti vagare,
4
zvino iniwo ndava kuvaka imba yokuisa zita raTenzi, Mwari wangu yandichateketera kwaari mokupisira paari rusenzi rwetwunonhuwirira, mokugara makaiswa chingwa chepana Mwari, mokupirirawo mipiro yokupisa yamangwanani neyamanheru pamaSabata napakugara kwomwedzi napamazuva makuru aTenzi, Mwari wedu akatemerwa Isiraeri narini wose.
5
Imba yacho yandava kuzovaka, ihuru nokuti Mwari wedu mukuru pana vamwari vose.
6
Asi ndianiwo chaizvo angakwanise kumuvakira imba, ipo panototi matenga chaiwo kunyange denga rokumatenga-tenga chairo harikwane kuti agaremo. Panguwo pano, ndiri aniwo zvangu kuti ndimuvakire imba, asi kuti kuvaka pokungomupisira rusenzi chete here?
7
Nditumireiwo mhizha yezvendarama nezvesirivha nezvendarira nezvesimbi nezvamachira eruvara rwehute namatsvuku neeruvara rwedenga. Anounyanzvi hwokunyora pazvinhu achiita zvokutemerapo, kuti azova pamwechete navanhu vanoziva basa vaneni kwaJudha kuno nomuJerusaremu vakatsvakwa nababa vangu Dhavhidhi.
8
Munditumireiwo musidhari nomusaipurasi nomuarugamu okuRebhanoni nokuti ndinoziva kuti vashandi venyu vanoziva zvokutema mapango kuRebhanoni. Vashandi venyu vachava pamwechete navashandi vangu
9
kuti vandigadzirire mapango akawanda nokuti imba yandichavaka ihuru uye yakanaka.
10
Vashandi venyu vokutema miti ndichavapa zviuru zviviri zvematani ekoroni nezviuru mazana mana emarita ewaini namafuta eorivhi anoita zviuru mazana mana zvamarita.”
11
Huramu mambo wokuTire akapindura Soromoni netsamba yaiti, “Pamusana pokuti Tenzi anoda vanhu vake akakuitai mambo wavo.”
12
Huramu akatiwo, “Tenzi, Mwari weIsiraeri ngaarumbidzwe. Musiki wedenga napasi akapa Dhavhidhi mwanakomna ane ungwaru anonyatsooona zvinhu nomazvo, anonzwisisa achavakira imba Tenzi uye achazvivakirawo muzinda.
13
“Zvino ndatumira mhizha inonzwisisa inonzi Huramuabhi,
14
mwanakomana womumwe mudzimai wokwaDhani, baba vake vari munhu wokuTire. Inyanzvi yezvendarama nezvesirivha nezvendarira nesimbi namabwe nezvamapango nezvamachira eruvara rwehute neeruvara rwedenga namatsvuku nezverineni yakanakisisa, nemhando nemhando dzokunyorawo kwokutemera pazvinhu nokufanonyora mifananidzo yezvose zvose zvingade kuzoitwa pamwechete navanhu vokwenyu vanoziva basa, nyanzvi dzebasa dzachangamire wangu Dhavhidhi baba venyu.
15
Saka koroni nebhari namafuta eorivhi newaini zvamakataura mambo changamire titumirei zvenyu isu varanda venyu.
16
Isu tinokutemeraiwo mapango ose amunenge muchida kuRebhanoni toauyisa kwamuri tichiayeredzera kuJopa nomugungwa akasungwa masvinga masvinga kuitira kuti muzoatorawo imi mugokwira nawo kuJerusaremu.”
17
Soromoni akazovenga vatorwa vose vaiva munyika yeIsiraeri mushure mokuverenga vanhu kwakanga kwamboitwa nababa vake Dhavhidhi. Kwakawanikwa kuti kwaiva navanhu vanosvika zviuru zana namakumi mashanu nezvitatu zvine mazana matanhatu avanhu.
18
Vamwe vavo vanokwana zviuru makumi manomwe akavapa basa rokutakura zvinhu, zviuru makumi masere rokukwakwanura matombo mumakomo nezviuru zvitatu zvina mazana matanhatu rokuwona kuti basa riri kuitwa here nokushandisa vanhu basa.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36