bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 15
2 Chronicles 15
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 16 →
1
Mweya waMwari wakauya pana Azariya mwanakomana waOdhedhi.
2
Akaenda kundosangana naAsa akati kwaari, “Iwe Asa nemi mose vokwaJudha novokwaBhenjamini imbonditeereraiwo munzwe, Tenzi anemi kana imi muinaye. Mukamutsvaka manomuwana. Asi imi mukamufuratira, anokufuratiraiwo.
3
Kwakamboitika nguva ndefu Isiraeri isina Mwari wechokwadi isina mupristi wokuvadzidzisa isinawo mutemo.
4
Asi pavakanga vava munhamo yavo vakatendeukira kuna Tenzi, Mwari weIsiraeri vomutsvaka zvino, vakamuwana.
5
Mumazuva iwayo kwakanga kusina rugare zvokuti kufamba chaiko kwakanga kwava nenjodzi nokuti pakava namanyongori asingatauriki muvanhu vose venyika idzodzi.
6
Umharadzi hwakanga hwapinda, rudzi rwakamukirana norudzi, guta richimukirana nerimwe guta pamusana pokuti Mwari aivapinza mumhando nemhando dzenhamo.
7
Asi imi tsungai mwoyo musaregedzere maoko nokuti pabasa renyu iroro, muchapiwa mubayiro.”
8
Asa paakanzwa mashoko iwaya okuporofita kwomuporofita wokwaOdhedhi, akatsunga mwoyo akabva abvisa zvifananidzo zvokunamata zvisingadiwi naMwari munyika yose yokwaJudha nokwaBhenjamini nokumaguta aakanga akurira kunyika yokwaEfuremu yamakomo. Akagadzira atari yaTenzi iya yaiva pamberi pekamba kepamusuo wemba yaTenzi.
9
Akaunganidza vose vokwaJudha nevokwaBhenjamini nevokwaEfuremu nevokwaManase nevokwaSimeoni vakanga vava kugara kwake nokuti vanhu vazhinji vakatizira kwaari vachibva kwaIsiraeri paya pavakaona kuti Tenzi, Mwari wake anaye.
10
Vakaunganidzwa muJerusaremu mumwedzi wechitatu wegore regumi nechishanu rokutonga kwaAsa.
11
Vakapira zvibayiro kuna Tenzi musi iwoyo zvavakatora pazvinhu zvokupamba zvavakanga vauya nazvo zvamazana manomwe emombe nezviuru zvinomwe zvehwai.
12
Vakaita chibvumirano chokutsvaka Tenzi, Mwari wamadzibaba avo nomwoyo wavo wose nomweya wavo wose
13
uye kuti: kuwana asingatsvake Tenzi, Mwari weIsiraeri anofanira kuurayiwa angave mukuru kana mudiki murume kana mukadzi.
14
Vakatsidza nemhiko kuna Tenzi, Mwari weIsiraeri nezwi riri pamusoro vachiita zvokudaidzira, uye nebhosvo nehwamanda.
15
VokwaJudha vose vakafarira mhiko iyi nokuti vakanga vatsidza nomwoyo wavo wose vamutsvaka nomwoyo unoda akawanikwa. Tenzi ndokubvawo avapa runyararo kumativi ose.
16
Kunyange ambuya vake Maaka, mambo Asa akavabvisa pachigaro chavo chouhosi hwokwamambo nokuti vakanga vagadzira chifananidzo chokunamata chokumiririra Ashera chisingambodiwa zvacho naMwari. Asa akatemera pasi chifananidzo chavo ichocho akachityora-tyora akachipisira kukakova keKidhironi.
17
Asi nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa muIsiraeri. Zvakadaro zvazvo, Asa uyu aiva munhu ane mwoyo wakarurama mazuva ohupenyu hwake hwose.
18
Akaunza mumba yaMwari zvipo zvakanga zvatsidzwa nababa vake kupa kuna Mwari nezvipowo zvake zvaakanga atsidza kupa kuna Mwari zvesirivha nendarama nemidziyo.
19
Zvehondo zvakamboti zii kudzamara gore ramakumi matatu nechishanu rokutonga kwaAsa.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36