bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 23
2 Chronicles 23
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 24 →
1
Kuzoti mava mugore rechinomwe, Jehoyadha akatsunga mwoyo akaita chitsidzirano navatungamriri vezana ava vanoti Azariya mwanakomana waJerohamu naIshimaeri mwanakomana waJehohanani naAzariya mwanakomana waObhedhi naMaaseya mwanakomana waAdhaya naErishafati mwanakomana waZikiri.
2
Vakabvongodza nyika yokwaJudha vachikokorodza vaRevhi mumaguta okwaJudha ose navakuru vakuru vemadzinza eIsiraeri vakauya kuJerusaremu.
3
Gungano rose rakaita chibvumirano namambo vari mumba yaMwari. Jehoyadha akati kwavari, “Hoyu mwanakomana wamambo! Regai achitonga sokutaura kwakaita Tenzi pamusoro pevanakomana vaDhavhidhi.
4
Zvamunofanira kuzoita ndezvizvi: vapristi nevaRevhi vaya pazvikwata zvitatu zvinouya kuzoita basa musi weSabata; chikwata chimwechete ngachichengetedze pamisuo mikuru,
5
chimwe chive pamuzinda wamambo, chimwe chiri paSuo Guru roUgaro, vanhu vose vave muzvivanze zvepamba yaTenzi.
6
Ngakurege kuva nomunhu anopinda mumba yaTenzi kunze kwevapristi nevaRevhi vanoshandamo, vangapinde zvavo nokuti vanhu vakatsaurwa vatsvene. Asi vanhu vose ngavachengete zvakatemwa naTenzi.
7
VaRevhi vanofanira kukuta vakatenderedza mambo mumwe nomumwe akabata mumaoko zvombo zvake zvehondo. Kuwana anenge angofemera kupinda mumba macho ngaauraiwe. Ivai namambo paanopinda napaanobuda.”
8
VaRevhi nevose vokwaJudha vakaita zvose zvakanga zvanzi nomupristi Jehoyadha zviitwe. Mumwe nomumwe wavo akauya navanhu vake vakanga vasingafanire kuuya pabasa musi weSabata navaye vakanga vachifanira kuva pabasa musi weSabata pamusana pokuti mupristi Jehoyadha haana kunga ati zvikwata zvacho zviende.
9
Mupristi Jehoyadha akaisa mumaoko avakuru vakuru vehondo nenhoo huru nediki dzaimbenge dziri dzamambo Dhavhidhi dzaiva mumba yaMwari.
10
Akaronga vanhu vose kuti vachengetedze mambo, munhu wose akabata mumaoko chombo chake chehondo kubvira kumaodzanyemba kwemba kusvikira kuchamhembe kutenderedza atari nemba yamambo.
11
Akabva aburitsa mwanakomana wamambo akamudzika ngundu youmambo akamupa bumbiro romutemo akazivisa kuti ndiye mambo. Jehoyadha navanakomana vake vakabva vamuzodza mafuta vachimugadza vakati, “Mambo ngazvirambe zvakadaro!”
12
Pakanzwa Atariya zhowezhowe ravanhu vaimhanya vachirumbidza mambo akaenda kumba yaTenzi kuvanhu.
13
Paakatarisa akaona hoyo mambo amire pedyo nomusimboti wake kumusuo, vakuru vakuru vehondo nevokuridza mabhosvo vamire namambo, vanhu vose venyika iyi vachipembera kufara, mabhosvo achirira, vaimbi vachiridza midziyo yokuimbisa vachitotungamirira pakupemberera kwacho; Atariya akabvarura hanzu neshungu dzake akadaidzira achiti, “Kwapandukwa! Kwapandukwa!”
14
Mupristi Jehoyadha akaudza vakuru vakuru vokutungamirira hondo kuti, “Mubvisei mumitsetse yevachengetedzi mumuburitse muuraye nebakatwa ani naani anenge woda kutsigirana naye.” Izvozvo mupristi aiti haafaniri kuurayirwa mumba yaTenzi.
15
Nokudaro vakamubata akapfuura nepaSuo Guru reMabhiza repamuzinda wamambo vakamuurayirapo.
16
Jehoyadha akaitisa chibvumirano pakati pake navanhu vose namambo chokuti vave vanhu vaTenzi.
17
Vanhu vose ivavo vakaenda kumba yaBhaari vakaipaza. Atari dzake nezvifananidzo zvake vakazvipwanya-pwanya vakauraya Matani mupristi waBhaari pamberi peatari dzacho.
18
Jehoyadha akabva aisa vokugaririra pamba paTenzi vachitungamirirwa navapristi vechiRevhi navaRevhi vakanga varongwa naDhavhidhi kuti vave vokuona nezvemba yaTenzi kuti vapote vachipira mipiro yokupisa kuna Tenzi sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi vachipembera kufara nokuimba maererano nezvakanga zvanzi naDhavhidhi zviitwe.
19
Akaisa vachengetedzi vepamisuo mikuru pamisuo mikuru yepamba paTenzi kuti parege kupinda ani zvake anenge akan'ora nenzira ipi neipi zvayo.
20
Akatora vakuru vakuru vehondo navamwe vakuru vakuru namasadunhu avanhu navanhu vose venyika iyi vakandotora mambo kumba yaTenzi vakadzika naye vakapfuura napasuo guru roKumusoro rokumuzinda wamambo. Vakagarisa mambo pachigaro choumambo.
21
Vanhu vose venyika iyi vakapembera kufara, muguta mukava norunyararo mushure mokunge Atariya aurayiwa nebakatwa.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→