bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 31
2 Chronicles 31
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 32 →
1
Kuzoti zvose izvozvi zvapera vaIsiraeri vose vaivepo vakaenda kumaguta ose okwaJudha vakapwanya mabwe ose aiva akamisirwa kunamata, vakatemera pasi zvifananidzo zvokunamata zviAshera. Vakapaza nzvimbo dzokatunhumara dzokuteurira neatari dzacho maJudha mose nokwaBhenjamini nokwaEfuremu nokwaManase kusvikira vazviparadza zvose. Vanhu vose veIsiraeri vakadzokera kumaguta avo munhu wose achienda kumusha kwake.
2
Hezekiya akaronga vapristi nevaRevhi muzvikwata maerano nebasa romunhu woga woga, vapristi navaRevhi vemipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana kwouya vokushanda pamisuo mikuru yepamana paTenzi kwozouya vokutenda nokumurumbidza.
3
Zvakanga zvabviswa namambo zviya zvaakatora pazvinhu zvake zvaiva zvemipiro yokupisa iri mipiro yokupisa yamangwanani neyamanheru nemipiro yokupisa yepamaSabata neyoKugara kweMwedzi neyemamwewo mazuva makuru akatemwa sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waTenzi.
4
Hezekiya akatemera vanhu vaigara muJerusaremu chirevo chokuti vabvise mugove unofanira kupiwa vapristi navaRevhi kuitira kuti ivo vagone kuisa mwoyo pamutemo waTenzi.
5
Pakangopararira chirevo ichocho vanhu veIsiraeri vakapa zvinhu zvakawanda kwazvo zvembesanwa dzokutanga newaini namafuta eorivhi nouchi nezvimwe zvose zvomuminda. Vakauya nezvinhu zvakawanda kwazvo zvechegumi chezvinhu zvose.
6
Vanhu vokwaIsiraeri nevokwaJudha vaigara mumaguta okwaJudha vakauyawo nezvegumi zvemombe nehwai nezvimwe zvakateketerwa kuna Mwari zvakanga zvaturirwa kuna Tenzi, Mwari wavo, vakazviunganidza kuita mirwi.
7
Mumwedzi wechitatu ndomavakatanga kuzviunganidza kuita mirwi vakabva vazopedza mumwedzi wechinomwe.
8
Hezekiya nemachinda aye pavakauya vakaona mirwi iyoyi vakarumbidza Tenzi vakakomborerawo vanhu vake veIsiraeri.
9
Hezekiya akabvunza vapristi nevaRevhi nezvemirwi iyoyo.
10
Azariya mupristi mukuru vaiva vemba yokwaZadhoki vakamupindura vachiti, “Kubvira pakatanga vanhu kuunza zvipo zvavo kumba yaTenzi, takadya tikaguta tikatosiya zvimwe zvakawanda nokuti Tenzi akakomborera vanhu vake zvokuti tine dura iri guru rezvakasara.”
11
Hezekiya ndokuvaudza kuti vagadzire dzimba mumba yaTenzi. Ivo ndokubva vadzigadzira.
12
Vanhu vaiunza zvavaibvisa izvi vari pachokwadi pamwechete nezvegumi nezvimwe zvakateketererwa kuna Mwari. Mukuru mukuru wavo vose aiva Konaniya muRevhi, achitevedzerwa naShimei mukoma nomunun'una naye.
13
Izvozvo Jehieri naAzaziya naNahati naAsaheri naJerimoti naJozabhadhi naErieri naIsimakiya naMahati naBhenaya ndovaiva vatariri vachibatsira Konaniya naShimei mukoma nomunun'una naye uya, vakanga vatoita zvokusarudzwa namambo Hezekiya naAzariya mukuru mukuru wapamba paTenzi.
14
Kore mwanakomana waImuna muRevhi uya wokuchengetedza kusuo guru rokuMabvazuva ndiye akapiwa basa rokutarira mipiro iya yokupa kuna Tenzi nechido nokugovera zvinenge zvapirwa kuna Tenzi nemipiro inoeresesa.
15
Edheni naMiniyamini naJeshua naShemaya, naAmariya naShekaniya vaivawo vanhu vari pachokwadi naTenzi vachimubatsira mumaguta avapristi kugova migove kuhama dzavo, kumukuru nomudiki zvimwechetezvo, chikwata nechikwata,
16
tisingaverengi zvedu vaya vakanyorwa mazita chizvarwa nechizvarwa vechirume, kubvira pamakore matatu okuberekwa zvichikwira, vose vari vokupinda mumba yaTenzi maererano nebasa rainge richidiwa zuva iroro pabasa ravo zvichienderanawo nebasa ravo chikwata nechikwata.
17
Manyorerwo aiitwa vapristi mazita, aiva okutevedza dzimba dzamadzibaba avo. VaRevhi kubvira pamakumi maviri amakore zvichikwira, vainyorwa maererano namabasa avo muzvikwata zvavo.
18
Vapristi vainyorwa pamwechete navana vavo vaduku namadzimai avo navana vavo vakomana navasikana gungano rose pamusana pokuti vaifanira kuva vanhu vari pachokwaki vanogara vakazvichenura kuitira zvinhu zvinoera.
19
Kune vanakomana vokwaAroni, vapristi vaigara kumafuro amaguta avo kwaiva navarume vakadomwa namazita vakapiwa basa mumaguta akasiyana-siyana rokugova mugove kune wose wechirume mukati mavapristi nokune munhu wose mukati mavaRevhi vose vainge vanyorwa.
20
Hezekiya akaita saizvozvi maJudha mose. Pana Tenzi, Mwari wake akaita zvakanaka zvakarurama nezviri pachokwadi.
21
Basa rose raaiitira imba yaMwari maererano nomutemo nemirao achitsvaka Mwari wake, aiita nomwoyo wose zvichibva zvabudirira.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 32 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→