bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 22
2 Chronicles 22
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 23 →
1
Vagari vomuJerusaremu vakagadza Ahaziya mwanakomana wake muduku umambo panzvimbo pake nokuti chikwata chavanhu chiya chokuuya navaArabhu kuzorwisa chakanga chauraya vana vacho vakomana vakuru. Ipapo Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo wokwaJudha ndiye akatonga.
2
Ahaziya akanga ava namakore makumi mana namaviri paakatanga kutonga, akatonga kwegore rimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Atariya muzukuru waOmuri.
3
Ahaziya akatevedzerawo makwara evemba yaAhabhu nokuti amai vake ndivo vaimurunya uipi.
4
Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi sezvaiitwa nevemba yaAhabhu. Chaidariso ndechokuti ndivo vakasara vava vokumupa mazano baba wake afa, zvikamusvitsa mukuparadzwa.
5
Akatevedza mazano avo kusvikira pakutozoenda zvake naJehoramu mwanakomana waAhabhu mambo wokwaIsiraeri kundorwisa Hazaeri mambo weSiria kuRamoti rokuGireadhi. VaSiria vakakuvadza Joramu,
6
akabva adzokera kuJezirieri kundorapwa maronda aakanga akuvadzwa kuRama paakarwisa Hazaeri mambo weSiria. Ahaziya mwana waJehoramu mambo wokwaJudha akadzika kuJezirieri kundoona Jehoramu mwana waAhabhu sezvo ainge achirwara.
7
Asi izvi zvakanga zvava chinhu chabva kuna Mwari kuti Ahaziya uyu pake pachimuperera nokushanyira Joramu kwaainge aita nokuti chakazoitika ndechokuti, paakasvikako akazobudawo pamwechete naJehoramu kundosangana naJehu mwanakomana waNimishi uya wokuzodzwa naTenzi kuti aparadze imba yaAhabhu.
8
Jehu paakanga achiranga vemba yaAhabhu akasangana nemachinda okwaJudha navanakomana vevakoma navanun'una vaAhaziya, vaishandira Ahaziya, ndokubva avauraya.
9
Akavhima Ahaziya, akazobatwa akahwanda kuSamaria. Akauyiwa naye kuna Jehu akaurayiwa. Vakamuviga nokuti vaiti uyu muzukuru waJehoshafati uya akatsvaka Tenzi nomwoyo wake wose. Kwakasara kusisina munhu wemba yaAhaziya aikwanisa kutonga nyika iyi.
10
Amai vaAhaziya, Atariya pavakaona kuti mwanakomana wavo afa, vakasimuka vakauraya vose vokumba huru vedzinza rokwaJudha.
11
Asi Jehoshebha mukunda wamambo, akatora Joashi mwanakomana waAhaziya akamusvovesera mumba mokurara, iye nomureri wake pakati pevanakomana vamambo vakanga voda kuurayiwa. Ndozvakaitwa naJehoshebha mukunda wamambo Jehoramu mudzimai womupristi Jehoyadha nokuti vaiva hanzvadzi yaAhaziya vachimuhwandisa kuna Atariya naizvozvo haana kumuuraya.
12
Akava navo kwamakore matanhatu akahwanda mumba yaMwari, Atariya achitonga nyika iyi.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→