bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 21
2 Chronicles 21
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 22 →
1
Jehoshafati akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake akavigwa pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake Jehoramu ndiye akatonga panzvimbo pake.
2
Jehoramu aiva nevanun'una, vana vaJehoshafati ava vanoti: Azariya naMikaeri naJehieri naZekariya naAzariya naShefatiya. Vose ivava vana vaJehoshafati mambo wokwaJudha.
3
Baba wavo vakavapa zvipo zvikuru zvesirivha nendarama nezvimwewo zvinhu zvakakosha pamwechete namaguta ane tsvingo okwaJudha. Asi umambo akapa kuna Jehoramu nokuti ndiye aiva dangwe.
4
Jehoramu paakagara pachigara choumambo chababa vake zvino adzika midzi, akauraya nebakatwa vanun'una vake vose uyewo mamwe machinda eIsiraeri.
5
Jehoramu akanga ava namakumi matatu amakore namakore maviri paakava mambo, akatonga ari muJerusaremu kwamakore masere.
6
Iye akatevedzera makwara amadzimambo okwaIsiraeri sezvakanga zvaitwa nevemba yaAhabhu nokuti mudzimai wake aiva mukunda waAhabhu. Akaitawo zvakaipa zvisingadiwi naTenzi.
7
Zvakadaro zvazvo Tenzi haana kuparadza imba yaDhavhidhi pamusana pechitenderano chaakanga aita naDhavhidhi sezvo akanga atsidzira kumupa mwenje unogara uchipfuta nokusingapere iye navanakomana vokwake.
8
Panguva yake Edhomu yakapanduka ikaramba zvokutongwa nevokwaJudha ikazvigadzirawo mambo wayo.
9
Uyu Jehoramu ndokuyambukirako aina vakuru vake vehondo nengoro dzose dzehondo. Akamuka nousiku akauraya vaEdhomu vakanga vamukomba iye navakuru vakuru vake vehondo.
10
Nokudaro Edhomu yakapanduka ikaramba zvokutongwa nevokwaJudha kusvikira pari nhasi. Panguva iyoyo guta reRibhuna rakapandukawo rikarambawo zvokutongwa naye pamusana pokuti akanga afuratira Tenzi, Mwari wamadzibaba ake.
11
Uyewo akagadzira nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira munyika yokwaJudha yamakomo akakwezvera vagari vomuJerusaremu muunzenza hwokunamata zvinhu zvisiri Mwari akaendesa vokwaJudha mutome.
12
Kwakauya tsamba kwaari ichibva kumuporofita Eriya ichiti, “Zvanzi naTenzi, Mwari watateguru wenyu Dhavhidhi, ‘Pamusana pokuti hauna kutevedza makwara ababa wako Jehoshafati kana makwara aAsa mambo wokwaJudha
13
ukatotevedza zvako gwara remadzimambo okwaIsiraeri ukakwezvera Judha nevagari vomuJerusaremu muunzenza hwokunamata zvinhu zvisiri Mwari sokutungamirira kwakaita imba yaAhabhu vokwaIsiraeri mukusatendeka uyewo ukaurayaka iwe vanun'una vako vomumba vaitova vanhu vari nani kunewe,
14
chinzwa, Tenzi achaunza denda guru kwazvo pavanhu vako nepavana vako nepavakadzi vako nepaupfumi hwako hwose.
15
Iyewewo uchava nechirwere chakaipisisa kwazvo, chirwere chomudumbu kudzamara ura hwako hwongoramba kuchibuda pamusana pechirwere chacho zuva nezuva.’ ”
16
Tenzi akaita kuti vaFirisitia nevaArabhu vari pedyo nevaItiopia vaite hasha vamukire Jehoramu.
17
Vakavinga Judha vakairwisa vakakukucha zvinhu zvose zvavakawana zvomumuzinda wamambo uyewo nevana vake vakomana navakadzi vake zvokuti hapana mwana waakasiyirwa kunze kwaJehoahazi mwanakomana wake mudiki.
18
Mushure mezvose izvozvi, Tenzi akamurova nedenda romudumbu risingarapiki.
19
Nokufamba kwenguva, kwapera makore maviri, ura hwake hwakabuda pamusana pechirwere ichochi akafa achirwadziwa zvikuru. Vanhu vake havana kumuitira moto wokumuremekedza nawo semoto yaiitirwa madzibaba ake.
20
Paakatangisa kutonga akanga ava namakore makumi matatu namaviri. Akatonga kwemakore masere ari muJerusaremu. Paakashaya hapana akamuchema. Vakamuviga muGuta raDhavhidhi, kwete mumakuva emadzimambo.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→