bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 34
2 Chronicles 34
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 35 →
1
Josiya akanga ava namakore masere paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore makumi matatu ane gore rimwechete ari muJerusaremu.
2
Akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi akatevedza makwara atateguru wake Dhavhidhi. Haana kutsaukira uku kana uku.
3
Zvaakatoita ndezvokuti mugore rake rechisere rokutonga, izvozvo akanga achiri mukomana, akatanga kutsvaka Mwari watateguru wake Dhavhidhi. Mugore regumi nechipiri racho akavamba kuchenura nyika yokwaJudha neJerusaremu achibvisa nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira nezvifananidzo zvokunamata, zviAshera nezvifananidzo zvokunamata zvokuumba noutare nezvokuveza.
4
Vakapunza atari dzavanaBhaari iye aripo, akatemera pasi atari dzorusenzi dzaiva pamusoro padzo. Akapwanya-pwanya zvifananidzo zvokunamata, zviAshera nezvifananidzo zvokuumba noutare nezvokuveza. Akazvikuya-kuya akazvimwaya pamakuva evakanga vachipira zvibayiro kwazviri.
5
Akapisawo mapfupa avapristi vacho paatari dzazvo akachenura nazvo Judha neJerusaremu,
6
nokumaguta okwaManase nokwaEfuremu nokwaSimeoni kusvikira kwaNafutari kumatongo kwavo nharaunda yose.
7
Akapunza atari dzacho akapwanya-pwanya zvifananidzo zvokunamata zviAshera nezvimwe zvifananidzo zvokunamata achizvikuya-kuya, akatemera pasi atari dzorusenzi munyika yose yokwaIsiraeri, ndokubva adzokera kuJerusaremu.
8
Kuzoti mava zvino mugore regumi nechisere rokutonga kwaJosiya, mushure mokunge achenura nyika nemba yaMwari, akatuma Shafani mwanakomana waAzariya naMaaseya mutongi weguta iroro nomunyori Joa mwanakomana waJehoahazi kundogadzira imba yaTenzi, Mwari wake.
9
Vakaenda kumupristi mukuru, Hirikiya vakandoturira mari yakanga yaunzwa mumba yaMwari yakanga yaunganidzwa navaRevhi vachengetedzi vokumusuo vaye ichibva kwaManase nokwaEfuremu uye nokune chitsama chevokwaIsiraeri vakanga vasara neyaibvawo kwaJudha kwose nokwaBhenjamini nomuvagari veJerusaremu.
10
Vakaipa kuvashandi vaiona nezvebasa remba yaTenzi. Vashandi ava vaiona nezvebasa remba yaTenzi vakaishandisa kugadzira imba iyoyi vachiita kuti ive sezvayaiva.
11
Vakaipa kuvavezi nokuvavaki kuti vatenge nayo matombo akakwakwanurwa namapango edenga emharuparu neokuwarika edzimba dzakaregererwa namadzimambo okwaJudha dzichiparara zvadzo.
12
Varume ivavo vakaita basa ravo nomwoyo wose. Vaitungamirirwa naJahati naObhadhiya, vaRevhi, vanakomana vokwaMerari, uye naZekariya naMeshuramu vanakomanawo vokwaKohati varivo vokuvatarira. VaRevhi, vose vakanga vari nyanzvi chaidzo dzokuridza zvokuimbisa mumhanzi
13
ndivo vaitarisa vokutakura zvinhu vachitungamira vanhu mumabasa ose akasiyana-siyana. Vamwe vaRevhi vaiva vanyori, vamwe vari vakuru vakuru, vamwewo vari vachengetedzi vepamisuo mikuru.
14
Pavakanga vachiburitsa mari yakanga yaunzwa mumba yaTenzi, mupristi Hirikiya akawana bhuku romutemo waTenzi wakapiwa nokuna Mosesi.
15
Hirikiya akati kuna samunyori Shafani, “Ndawana bhuku romutemo mumba yaTenzi!” Hirikiya akapa bhuku iroro kuna Shafani.
16
Shafani akaenda nebhuku racho kuna mambo akataura achiti, “Zvamakati zviitwe navaranda venyu zvaitwa.
17
Vakadurura mari yaiva mumba yaTenzi vakaiisa mumaoko avanhu vanoona nezvebasa nomumaoko evashandi.”
18
Munyori mukuru Shafani akataurira mambo achiti, “Vamupristi Hirikiya andipa bhuku.” Shafani akariverenga pana mambo.
19
Mambo paakanzwa zvakanga zvakanyorwa mumutemo akabvarura hanzu dzake neshungu.
20
Mambo akaudza Hirikiya naAhikamu mwanakomana waShafani naAbhudhoni mwanakomana waMika nasamunyori Shafani naAsaya gurukota ramambo kuti,
21
“Endai mundondibvunzirawo kuna Tenzi ini navanhu navakasara maIsiraeri nemaJudha vose nezvakanyorwa mubhuku iri rakawanikwa, nokuti kutivirukira nehasha kwakaita Tenzi kukuru kwazvo, pari pamusana pokuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raTenzi kuti vaite maererano nezvose zvakanyorwa mubhuku irori.”
22
Naizvozvo Hirikiya navakanga vatumwa namambo vakaenda kumuporofita Huridha, mudzimai waSharumu mwanakomana waTokihati mwanakomana waHasira, muchengeti wezvipfeko (akanga ava kugara kurutivi rutsva rweguta reJerusaremu), vakataura naye izvozvo.
23
Akati kwavari, “Zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri, udza munhu akutumirai kwandiri kuti,
24
zvanzi naTenzi, ‘Chinzwai, ndichaunza nyatwa panzvimbo ino napavanhu vayo, majambwa ose akanyorwa mubhuku rakaverengerwa mambo wokwaJudha.
25
Pamusana pokuti vakandifuratira vakapisira vamwe vamwari rusenzi, vachida kundishatirisa nezvose zvavakaita namaoko avo. Naizvozvo ndichavirukira nzvimbo ino nehasha dzangu dzisingazopodzwi.
26
Asi panyaya yamambo wokwaJudha akutumai kuzobvunza kuna Tenzi, muti kwaari zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri pane zvawanzwa izvo,
27
pamusana pokuti wakapfidza mumwoyo mako ukazvirerekawo pana Mwari, pawakanzwa shoko raakataura rakanangana nenzvimbo ino nokuvagari vayo, ukabva wazvirereka kwandiri, ukabvarura hanzu dzako neshungu ukachema pandiri, Tenzi anotiwo, chichemo chako ndakachinzwa.
28
Chinzwa unzwe, ndichakuendesa kwakaenda vamwe kumadzitateguru ako, uchapinda muguva mako norugare, uye zvakaipa zvandichaita kunzvimbo ino nevagari vemo iwe namaziso ako hauchazozvioni.’ ” Vakandosvitsa shoko iroro kuna mambo.
29
Mambo akatuma shoko, vakuru vakuru vose vokwaJudha neveJerusaremu vakaungana kwaari.
30
Mambo akakwira kumba yaTenzi navanhu vose vokwaJudha, navagari vose veJerusaremu navapristi navaRevhi navanhu vose vaduku navakuru. Akavaverengera vachinzwa mashoko aiva mubhuku rechitenderano rakanga rawanikwa muimba yaTenzi.
31
Mambo akamira panzvimbo pake akaitazve chitenderano naTenzi chokumutevera nokuchengeta mitemo yake, nezvirevo zvake nemirao yake nemwoyo wake wose nemweya wake wose kuchengeta zvisungo zvechitenderano ichochi zvakanga zvakanyorwa mubhuku irori.
32
Akaita kuti vose vaiva muJerusaremu nokwaBhenjamini vazvisungewo nacho. Vagari vomuJerusaremu vakachengeta nomo chitenderano chaMwari, Mwari wamadzibaba avo.
33
Josiya akabvisa mumatunhu ose avanhu veIsiraeri zvose zvisingadiwi naMwari akaita kuti vose vaiva muIsiraeri vanamate Tenzi, Mwari wavo. Mumazuvawo ose oupenyu hwake, havana kutsauka pakutevera Tenzi, Mwari wamadzibaba avo.
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 35 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→