bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 12
2 Chronicles 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 13 →
1
Umambo hwaRehobhoamu hwakati zvino hwasimba hwanyatsodzika midzi akakanda pasi zvomutemo waTenzi pamwechete neIsiraeri yose.
2
Mugore rechishanu rokutonga kwamambo Rehobhoamu pamusana pokuti vakanga vasina kutendeseka kuna Tenzi, Shishaki mambo weIjipiti akauya kuzorwisa Jerusaremu
3
aine ngoro dzehondo dzamabhiza chiuru chimwechete chine mazana maviri navachairi vadzo zviuru makumi matanhatu. Varwi vaakauya navo vakanga vasingaverengeki vaakabva navo kuIjipiti vaiti vaRibhiya navaSuki navaEtiopia.
4
Akakurira maguta etsvingo okwaJudha ndokuenda akananga kuJerusaremu.
5
Zvino muporofita Shemaya akasvika paiva pakaunganidzana Rehobhoamu navatungamiriri vokwaJudha vakanga vari muJerusaremu pamusana paShishaki, akati kwavari, “Zvanzi naTenzi, ‘Imi makandiramwaka imi! Zvino iniwo ndakuramwirai mumaoko aShishaki.’ ”
6
Vatungamiriri veIsiraeri namambo vakazvirereka vakati, “Mwari ndiye mururami.”
7
Tenzi paakaona kuti vazvirereka shoko raTenzi rakauya kuna Shemaya richiti, “Zvavazvirereka kudai ini handichavaparadza ndichavanunura. Zvokunge ndichashandisa Shishaki kuratidza kuvirukira kwangu Jerusaremu nehasha, handichaita.
8
Asi zvokuva varanda vake, vachava varanda vake vagoona kusiyana kwakaita kushandireni nokushandira madzimambo edzinyika.”
9
Ipapo Shishaki mambo weIjipiti akasvikorwisa Jerusaremu akapamba upfumi hwepamba yaTenzi noupfumi hwomumuzinda wamambo, akakukucha zvose. Akapambawo nhoo dzendarama dzakanga dzagadzirwa naSoromoni.
10
Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzendarira panzvimbo yadzo. Akadziisa mumaoko avakuru vakuru vaichengetedza pamusuo womuzinda wamambo.
11
Nguva dzose dzaipinda mambo mumba yaTenzi vokuchengetedza ava vaiuya vodzibatira mumaoko vozodzidzosera zvavo mumba yevokuchengetedza.
12
Paakazvininipisa Tenzi akarega kumuvirukira nehasha; saizvozvo, haana kubva amuparadza. Naichowo chiri chokwadi kuti maJudha zvinhu zvakanga zvakanaka.
13
Mambo Rehobhoamu akadzika midzi muJerusaremu akatonga. Rehobhoamu akanga ava namakore makumi mana nerimwechete paakatanga kutonga. Akatonga kwamakore gumi nemanomwe ari muJerusaremu, guta rakasarudzwa naTenzi pamadzinza ose kuti aisepo zita rake. Zita raamai vake ndiNaama, muAmoni.
14
Akaita zvakaipa nokuti haana kutsvaka Tenzi nomwoyo wose.
15
Inga dzimwe nyaya dzezvaRehobhoamu kubvira pakutanga kusvika pokupedzisira dzakanyorwa muBhuku reNhoroondo dzomuporofita Shemaya nomuoni Idho. Hondo yakaramba ichingovapo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu.
16
Rehobhoamu akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake Abhiya ndiye akazotonga panzvimbo pake.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→