bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 16
2 Chronicles 16
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 17 →
1
Mugore ramakumi matatu nechitanhatu rokutonga kwaAsa, mambo wokwaIsiraeri akandorwisa kwaJudha akavakirira guta reRhama kuitira kuti awane marambidziro vanhu kubva kwaAsa mambo wokwaJudha kana kuendako.
2
Asa akatora sirivha nendarama upfumi hwepamba yaTenzi nehwemuzinda wamambo akazvitumira kuna Bhenihadhadhi mambo weSiria aigara muDhamasikusi
3
achiti, “Ngatiitei chibvumirano, imi neni, sezvakanga zvakaita baba venyu nababa vangu. Onai ndakutumirai sirivha nendarama iyo, imi moendawo muparadze chibvumirano chenyu naBhaasha mambo wokwaIsiraeri kuitira kuti kwangu kuno uku abve.”
4
Bhenihadhadhi akabvumirana namambo Asa akabva atumira vakuru vakuru vehondo yake kundorwisa maguta okwaIsiraeri. Vakakurira Iyoni neDhani neAberomaimu nemaguta ose ematura okwaNafutari.
5
Bhaasha paakazvinzwa akabva arega kuvakirira Rhama akabva amisa basa rake.
6
Mambo Asa akatora vokwaJudha vose akandotakura mabwe okuRama namapango acho ainge achivakiswa. Akandovakirira nazvo Gebha neMizipa.
7
Panguva iyoyo, muoni Hanani akasvika kuna Asa mambo wokwaJudha akati kwaari, “Pamusana pokuti iwe wakavimbaka iwe namambo weSiria ukarega kuvimba naTenzi, Mwari wako, hondo yamambo weSiria yakupunyuka mumaoko.
8
Ko vaItiopia nevaRibhiya vakanga vasiri hondo huru kwazvo here vaine zararira chairo rengoro dzehondo dzemadzibaba nevachairi vadzo? Asi pamusana pokuti makavimba naTenzi, iye akavaisa mumaoko menyu.
9
Chiripo ndechokuti ziso raTenzi rinotarisa kwose kwose pasi pano kuti asimbise nokunyaradza vasina chinovarovesa hama pana iye Tenzi. Zvamaita ipapa apa ndezvoupenzi nokuti kubvira nhasi, hondo hadzichazokubvai.”
10
Asa akashatirirwa muoni uyu akamupfigira mujeri nokuti akanga amuvirukira nehasha pamusana paizvozvi. Panguva imwecheteyo Asa akabata vamwe vanhu noutsinye.
11
Inga dzimwe nyaya dzezvaAsa kubvira pakutanga kusvika pakupedzesera, dzakanyorwa wani muBhuku ramadzimambo okwaJudha neokwaIsiraeri.
12
Mugore ramakumi matatu nechipfumbamwe Asa akaita chirwere chomutsoka, urwere hwake hwakazonyanyisa kwazvo. Kunyange nomuurwere hwake ihohu haana kutsvaka Tenzi, asi kuti akandotsvaka rubatsiro kun'anga.
13
Asa akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake akafa mugore ramakumi mana nechiposhi rokutonga kwake.
14
Vakamuviga muguva rake raakazvicherera padombo muguta raDhavhidhi. Vakamuradzika pane chokurara chakanga chakazadzwa mhando nemhando dzetunonhuwirira twakagadzirwa nenyanzvi dzokugadzira mafuta okuzora. Vakaita zimoto guru kwazvo vachimuremekedza.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→