bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 9
2 Chronicles 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 10 →
1
Mumwe mukadzi aiva mambo wokuShebha paakanzwa nezvomukurumbira waSoromoni, akauya kuJerusaremu kuzoedza Soromoni nemibvunzo yakaoma akakutwa nezanzwe chairo ravanhu vaine nghamera dzakatakura twunonhuwirira nendarama yakawanda kwazvo namatombo anokosha. Paakasvika kuna Soromoni, akamutaurira zvose zvaiva mumwoyo make.
2
Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose. Hapana kana chimwechete chakanga chakavanzika kuna Soromoni chaakatadza kumutsanangurira.
3
Mambokadzi uyu wokuShebha paakaona ungwaru hwaSoromoni nemba yaakanga avaka,
4
kwoti patebhuru apa chokudya chaaidya, kwozoti mugariro waiita makurukota ake, iwo munekairiro waiita vashandi vake nomupfekero wacho wavaive vakaita kwotiwo navaimuperekera waini nomupfekero wachowo wavaiva vakaita, kwozoti nemipiro yake yokupisa yaaipira kumba yaTenzi, zvakamushayisa romuromo.
5
Akati kuna mambo, “Zvandakanzwa ndiri kunyika kwangu nezvenyu uye nezvoungwaru hwenyu ndezvochokwadi,
6
asi ini handina kunge ndazvibvuma kusvikira ndauya ndikatozvionera ndoga namaziso angu. Inga kutaurirwa hunyimwa! Zvandakanzwa hazvimbosvika napaduku pose pamakuriro akaita ungwaru hwenyu. Zvamuri zvinopfuura zvandakanzwa.
7
Zvavo, vanhu venyu! Zvavo chokwadi machinda enyu, anogara ainemi achinzwa zvawo ungwaru hwenyu hwakadai.
8
“Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wenyu akasarudza zvake kukugadzai umambo pachigaro chake choumambo kuitira iye Tenzi, Mwari wenyu. Pamusana pokuti Mwari wenyu akada Isiraeri akadawo kuti varambe varipo narini wose ndosaka akakugadzai umambo hwavo kuti kutonga zvine ruenzaniso uye zviri pamutsetse kuitwe.”
9
Mukadzi uyu akazopa mambo ndarama yairema makirogiramu anopfuura zviuru zvina netwokubikisa tunonhuhwirira twakawanda namatombo anokosha. Hakuna kumboita tunonhuwirira twakadaro setwakapuwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha.
10
Makurukota aHuramu namakurukota aSoromoni akandotora ndarama kuOfiri, akaunzawo mapango omuti womuarugumu namatombo anokosha.
11
Mambo akagadzira mitandariko yamapango omuarugumu yemumba yaTenzi neyomumuzinda wamambo. Akavezawo zvipendani namadimbwa avaimbi. Hakuna kumboonekwa zvakadai munyika yeJudha.
12
Mambo Soromoni akapa mambokadzi uyu wokuShebha zvose zvaaida zvaainge akumbira tisingaverengi zvaakauya nazvo kuzopa mambo. Iye akakotonoka akadzokera zvake kunyika kwake namakurukota ake.
13
Ndarama yaiuyiswa kuna Soromoni pagore, yairema makirogiramu makumi maviri ezviuru ane zviuru zvitatu
14
pasingaverengwe yaiunzwa navamwe vemhindu dzokutengesa navashambadzi. Madzimambo ose okuArabhia navatongi vamatunhu vaiunzawo ndarama nesirivha kuna Soromoni.
15
Mambo Soromoni akagadzira mazana maviri enhoo huru dzendarama yakaita zvokupfurwa nhoo huru imwechete yaiva yendarama yakaita zvokupfurwa yairema makirogiramu ainge oda kuita manomwe.
16
Akaitawo mazana matatu edzimwe nhoo dzendarama yakaitwa zvokupfurwa. Nhoo imwechete yaiva nendarama yairema makirogiramu ainge oda kuita matatu. Mambo akandodzirongedza mumba iya yainzi Imbayesangorerebhanoni.
17
Mambo akagadzirawo chigaro choumambo chomunyanga wenzou akaunamira ndarama chaiyo yakanakisisa.
18
Kundosvika pachigaro choumambo paiva nemadanho matanhatu nechokuisa tsoka chendarama zvaiva zvakabatanidzwa nechigaro choumambo. Kumativi uku chigaro ichi chaiva nepokuisa maoko. Paiva neshumba mbiri dzakamira parutivi pezvokuisa maoko,
19
paine shumba gumi nembiri dzakamira pamadanho aya ose ari matanhatu dzakati imwe uku, imwe uku padanho roga roga. Hapana mune imwe nyika makamboitwa zvakadai.
20
Midziyo yose zvayo yokunwira yamambo Soromoni yaiva yendarama. Midziyo yose yokuImbayesangorerebhanoni yaivawo yendarama chaiyo yakanakisisa, sirivha hapana aimboiverengawo sechinhu panguva yaSoromoni.
21
Pamusana pokuti ngarava dzamambo dzaienda kuTarishishi namachindawo aHuramu. Kamwechete pamakore matatu, ngarava idzodzo dzokuTarishishi dzaiunza ndarama nesirivha nomunyanga wenzou etsoko namakudo.
22
Nokudaro mambo Soromoni aikunda mamwe madzimambo ose apasi pano muupfumi nomungwaru.
23
Madzimambo apasi pose aidisa kwazvo kuona Soromoni kuti vanzwe ungwaru hwake hwakanga hwaiswa naMwari mumwoyo make.
24
Gore negore vose ivava, munhu wose aiunza chipo chake chechinhu chesirivha kana chendarama kana chamachira kana kuti mura nechimwe chinonhuwirira kana mabhiza namanyurusi.
25
Soromoni aiva nezviuru zvina zvetumatanga twamabhiza nengoro dzehondo dzamabhiza nezviuru gumi nezviviri zvavachairi vadzo, vaakati vave mumaguta engoro dzehondo vamwe vari muJerusaremu namambo.
26
Aitonga madzimambo ose kubvira muna Yufuratesi zvichienda kunyika yavaFirisitia kundosvika kumuganhu neIjipiti.
27
Mambo akaita kuti muJerusaremu imomo, sirivha iyi inge matombowo zvawo. Musidhariwo uyu wakanga wava kungewo zvawo mukuyu wokunyika yokumanhika kuShefera kuwanda.
28
Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokune dzimwe nyika dzose ouyiwa nawo.
29
Inga dzimwe nyaya dzezvaSoromoni kubvira pakutanga kusvikira pakupedzesera, dzakanyorwa wani mubhuku reNhoroondo dzomuporofita Natani nomune zvakaporofitwa naAhiya wokuShiro noMuzviratidzo Zvakaonekwa noMuoni Idho zvichinangana naJerobhoamu mwanakomana waNebhati.
30
Soromoni akatonga Isiraeri yose kwemakore makumi mana ari muJerusaremu.
31
Soromoni akazovata oendawo kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Robhamu mwana wake mukomana ndiye akazotonga panzvimbo pake.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→