bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 7
2 Chronicles 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 8 →
1
Zvino kuzoti Soromoni apedza kunamata, moto wakatozomoka kudenga ukaroromesa mupiro wokupisa nezvibayiro, kupenya kwokuvapo kwaTenzi kukazadza Temberi yacho.
2
Vapristi havana kugona kupinda mumba yaTenzi pamusana pokuti kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazadza imba yaTenzi iyoyo.
3
Pakaona vanhu vose veIsiraeri kutozomoka kwakaita moto nokupenya kwokuvapo kwaTenzi paTemberi, vakati kota kota pasi nouso panhandare yakanga yakagadzirwa, vakanamata vakatenda Tenzi vachiti, “Nokuti wakanaka, uye mwoyochena wake hauperi.”
4
Mambo navanhu vose veIsiraeri vakapira zvibayiro kuna Tenzi.
5
Mambo Soromoni akapira zvibayiro zviuru makumi maviri emombe, nehwai zviuru zana namakumi maviri, nokudaro mambo navanhu vose vakateketerera imba iyoyo kuna Mwari.
6
Vapristi vakamira munzvimbo dzavo, vaRevhiwo vaine zvokuridzisa mumhanzi waTenzi zvakagadzirwa namambo Dhavhidhi kuitira kurumbidza Tenzi pamusana pokuti mwoyochena wake hauperi. Dhavhidhi paaivarumbidzisa Mwari, vapristi vairidza mabhosvo vakatarisana navo, vaIsiraeri vose vakamira.
7
Soromoni akaturira kuna Mwari chimwe chidzengerere chapakati poruvanze pokunge toda kupinda mumba yaTenzi. Ndipo paakapirira mupiro wokupisa namafuta omupiro wokuwadzana. Chakanetsa ndechokuti atari iya yendaira yakagadzirwa naSoromoni, yakanga isingakwane kuisa pairi mipiro yokupisa nemipiro yeupfu hwembeswana namafuta.
8
Panguvawo iyoyo Soromoni nevaIsiraeri vose vaaiva navo, vakaita mabiko okupemberera kwamazuva manomwe. Vakanga vari gungano guru kwazvo ravanhu vokubva pokunge tava kuda kusvika kuHamati kusvikira kuKakova keIjipiti.
9
Pazuva rechisere vakaita musangano mukuru wezvokunamata nokuti vakanga vateketerera atari kuna Mwari kwemazuva manomwe, vakachengetawo mazuva makuru kwamazuva manomwe.
10
Pazuva rechimakumi maviri nechitatu romwedzi wechinomwe akaparadza musasa woonekana navanhu kuti vaende kumisha yavo. Vakaenda vasisazive pokuisa mwoyo nokufarira zvinhu zvakanaka zvakanga zvaitwa naTenzi kune muranda wake Dhavhidhi nokuna Soromoni nokuvanhu vake vaIsiraeri.
11
Saizvozvo Soromoni akapedza kuvaka imba yaTenzi nomuzinda wamambo nezvose zvaaiva nazvo mumwoyo zvokuita mumba yaTenzi nomumuzinda make akanyatsozviita.
12
Tenzi akazviratidza usiku kuna Soromoni akamuti, “Munamato wako ndaunzwa, ndasarudza nzvimbo ino kuti ive yangu kuti ive imba yokupirira zvibayiro.
13
Ndikange ndapfiga matenga kuti arege kunayisa mvura kana kuti ndikatuma mhashu kuti dzirozve nyika ino kunyange kutuma denda mukati mavanhu vangu;
14
kana vanhu vanodaidzwa nezita rangu vakazvirereka, vakanamata vava kutsvaka kuti ndivacheukewo, vakasiya nzira dzavo dzakaipa; pakadaro ini ndichavanzwa kudenga uku, ndigovaregerera chitadzo chavo ndigoporesawo nyika yavo.
15
Zvino meso angu achange akatarisa, nzeve dzangu dzakanyatsoteerera munamato unoitwa panzvimbo ino.
16
Zvino ndasarudza imba ino ndikaiita kuti iere, kuitira kuti zita rangu rive pairi nokusingapere. Ziso rangu nomwoyo wangu zvichange zviri pairi narini wose.
17
Kana uriwe, dai zvako ukaita mufambiro wandinoda sezvaiita baba vako Dhavhidhi uchiita zvose sokuudza kwandakakuita uchichengeta murao yangu nezvirevo zvangu.
18
Kana wadaro ndichaita kuti umambo hwako hudzike midzi, sokutsidzirana kwandakaita nababa vako Dhavhidhi ndichiti, ‘Hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzotonga Isiraeri.’
19
“Asi kana mukazotsauka zviye zvokutofuratira zvenyu mirao yangu nemitemo yangu yandakakupai moenda kundonamata vamwe vamwari muchivapfugamira,
20
ini ndopandichakutipurai munyika ino yandakupai. Kanawo imba iyoyi yandaeresera zita rangu, ndichaibvisa zvokusambodazve kuzoiona mumaziso mangu. Ndichaita kuti izvozvi izvi zvive setsumo yavanhu nechiseko chenyika mukati memarudzi ose.
21
“Kunyangewo pamba iyoyi iyi ine mukurumbira kudai, vapfuuri nenzira vose vachanyatsoti kanha kunana vachishamiswa nazvo, vachitozvimvunzawo vachiti, ‘Ko Tenzi chaadariro nyika ino nemba iyi chii?’
22
Ivo vachati, ‘Pamusana pokuti vakafuratira Tenzi, Mwari wavo, nyakuburitsa madzitateguru avo kuIjipiti ndokusimba navamwe vamwari vovapfugamira vachivanamata, ndokusaka akavapinza munyatwa yose iyi.’ ”
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→