bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 24
2 Chronicles 24
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 25 →
1
Joashi akanga ava namakore manomwe paakatanga kutonga. Akatonga kwamakumi mana emakore ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Zibhiya vokuBheerishebha.
2
Joashi akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi mazuva ose oupenyu hwomupristi Jehoyadha.
3
Jehoyadha akamuroorera vakadzi vaviri ndokubva ava navana vakomana navasikana.
4
Shure kwaizvozvi Joashi akaronga kugadzira imba yaTenzi.
5
Akakokorodza vapristi nevaRevhi akavati, “Endai kumaguta omunyika maJudha muunganidze mari yokugadzirisa imba yaMwari wenyu gore negore, mukurumidze kuita izvozvo.” Asi vaRevhi havana kuchimbidzika.
6
Mambo akadaidza mukuru wacho Jehoyadha akamuti, “Ko makazoregereiko kuti vaRevhi vaunze maJudha umu nomuJerusaremu mutero womutendhe rechitenderano wakatemwa naMosesi muranda waTenzi negungano reIsiraeri?”
7
Zvaiva zvaitika ndezvokuti vanakomana vaAtariya mukadzi wokuipa mwoyo uya vakanga vapaza vakapinda mumba yaTenzi uyewo vakanga vashandisira vanaBhaari zvinhu zvose zvaiva zvateketererwa kuna Mwari zvepamba paTenzi.
8
Ipapo mambo akapa chirevo vakagadzira zibhokisi guru rikaiswa nechokunze pasuo guru remba yaTenzi.
9
Kwakaziviswa maJudha mose nomuJerusaremu kuti kuna Tenzi kuunzwe mutero wakatemerwa vaIsiraeri vachiri murenje naMosesi muranda waMwari.
10
Machinda ose navanhu vose vakafara kwazvo vakaunza mutero wavo vachikanda muzibhokisi iri kusvikira vazopedza.
11
Zibhokisi guru iri parakaunzwa navaRevhi kumachinda amambo ivo vaiti vakaona kuti mune mari yawanda; samunyori mukuru wokwamambo nomuchinda womupristi mukuru vaiuya voibvisa muzibhokisi racho voritakura voridzosera panzvimbo paro. Ndozvavaiita zuva nezuva vakaunganidza mari yakawanda.
12
Mambo naJehoyadha vaizoipa kune vaiva vokuona nezvebasa remba yaTenzi; ivavowo vaizobhadhara vokuvaka namatombo navavezi kugadzira imba yaTenzi uyewo nemhizha dzezvinhu zvesimbi nezvendarira kuti imba yaTenzi igadzirwe.
13
Nokudaro vanhu vaiva vokuita basa irori vakashanda. Mumaoko avo, basa iri rakaramboitwa vakagadzira imba yaMwari kudzosera voiita zvayakanga yakaita vachiisimbisa.
14
Pavakapedza, imwe mari yose yakanga yasara vakaiendesa kuna mambo navaJehoyadha ikagadziriswa midziyo yomumba yaTenzi yokushandisamo neyepamipiro yokupisa uye nemadhishi orusenzi nemidziyo yendarama neyesirivha. Vakazogara zvino vachipira mipiro yokupisa mumba yaTenzi mazuva ose oupenyu hwavaJehoyadha.
15
Asi kwakati zvino vaJehoyadha akwegura aita ndaramo chaiyo, akafa. Akafa ava nezana remakore rine makore makumi matatu.
16
Vakamuviga muguta raDhavhidhi maivigwawo madzimambo pamusana pokuti akanga aita zvakanaka muIsiraeri kuna Mwari nokutemberi yake.
17
Mushure mokufa kwaJehoyadha, machinda okwaJudha akaenda akandogwadamira mambo, mambo akabvumirana nezvavakataura.
18
Vakafuratira imba yaTenzi, Mwari wamadzibaba avo vakandonamata zvifananidzo zviAshera nezvimwe zvifananidzo zvokunamata. Mhaka iyoyi yakapfukira vokwaJudha nevomuJerusaremu.
19
Mwari akatuma vaporofita mukati mavo kuti vavadzorere kuna Tenzi, ivava ava vakavayambira asi havana kumboteerera.
20
Mweya waMwari wakafukidza Zekariya mwanakomana wavaJehoyadha mupristi akamira pakadaro apo akatarisa pavanhu akati kwavari, “Zvanzi naTenzi munodarikirei mitemo yaTenzi zviri kukusakisai kudai kuti mutadze kubudirira? Pamusana pokuti mafuratira Tenzi iyewo akufuratiraiwo.”
21
Asi ivo vakamuitira bangano. Mambo akamuurayisa navanhu vakamutema namatombo muchivanze chemba yaTenzi.
22
Mambo Joashi haana kumborangarira mwoyochena waakaitirwa nababa vaZakaria vaJehoyadha asi kuti akatouraya mwanakomana wake iyeyu. Paakanga ava kufa akati, “Tenzi ngaakuonei awane zvaangaite nemi.”
23
Kuzoti gore ropera hondo yavaSiria yakauya kuzorwisa Joashi. Yakauya kwaJudha nokuJerusaremu ikaparadza mukati mevanhu machinda ose avanhu ikatumira zvinhu zvayo zvose zvayakapamba kuna mambo weDhamasikusi.
24
Kunyange zvazvo hondo yavaSiria iyi yakanga yauya navarume vokurwa vashomanini, Tenzi akaisa mumaoko avo hondo huru kwazvo nokuti vakanga vafuratira Tenzi, Mwari wamadzibaba avo. Ndozvakaita vaSiria kuranga Joashi.
25
Pavakabva paari vakamusiya akuvara kwazvo. Makurukota ake akarangana kumupandukira pamusana peropa raakadeura ravanakomana vokwaJehoyadha mupristi vakabva vamuuraya pamubhedha wake akafa. Vakamuviga muguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga mumakuva emadzimambo.
26
Vananyakumupandukira ava ndivanaZabhadhi mwanakomana wavaShimea mumwe mukadzi wechiAmoni naJehozabhadhi mwanakomanawo womumwe mukadziwo wechiMoabhu ainzi Shimuriti.
27
Nyaya dzezvevana vake vakomana nokutsiurwa kwose kwaaiitwa naMwari nokugadzira kwaakaita imba yaMwari zvakanyorwa Mubhuku Rokutsanangura zviri muBhuku reMadzimambo. Mwanakomana wake, Amaziya, ndiye akazotonga panzvimbo pake.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→