bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 33
2 Chronicles 33
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 34 →
1
Manase akanga ava namakore gumi namaviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore makumi mashanu ane mashanu ari muJerusaremu.
2
Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevedzera tsika dzinosemesa kwazvo dzaiitwa namarudzi akadzingirwa vanhu vechiIsiraeri naTenzi
3
nokuti akavakazve nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziye dzakanga dzamboparadzwa nababa wake Hezekiya. Iye akavakirawo vanaBhaari atari akagadzirawo zvifananidzo zvokunamata zviAshera. Akapfugamira gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga achizvinamata.
4
Akavakawo dziatari mumba yaTenzi yakanga yanzi naTenzi, “PaJerusaremu ndipo pachava nezita rangu nokusingaperi.”
5
Akavakira atari gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga muzvivanze zviviri zvemba yaTenzi.
6
Akapisa vana vake vakomana sezvibayiro mubani remwanakomana wokwaHinomu. Manase akanga apindawo mune zvokufembera nemaminimini nezvoun'anga hwokududzira mashura nokuromba mishonga kumasvikiro nokun'anga. Akaita zvakaipa zvakanyanya kwazvo zvisingadiwe naTenzi akamuvirutsa nehasha.
7
Chifananidzo chokunamata chaakagadzira chiya akachimisa mumba yaMwari iya yakanga yanzi naMwari kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Pamba iyi neJerusaremu pandakasarudza mumadzinza ose eIsiraeri ndipo pandichaisa zita rangu narini wose
8
uyewo kuti handizoita kuti tsoka yomuIsiraeri ibude kunze vadzungairezve vari kunze, kwenyika yandakasarudzira madzibaba avo. Ndokunge chete vachenjerera kuita zvose zvandakati vaite uye nezvose zviri pamutemo nemirao nezvirevo zvavakapiwa nokuna Mosesi.”
9
Manase akafurira vokwaJudha pamwechete nevagari vomuJerusaremu zvokuti vakaita zvakaipa zvaitopfuura zvakaitwa namarudzi aye akaparadzwa naTenzi achiadzingira vanhu veIsiraeri.
10
Tenzi akataura kuna Manase nokuvanhu, asi havana kuzviteerera.
11
Naizvozvo Tenzi akavaunzira vatungamiriri vehondo vokwamambo weAsiria. Vakasvikobata Manase nezvikochekero vakamusunga nengetani dzendarira vakaenda naye kuBhabhironi.
12
Ari munhamo yake iyoyi akateterera kuna Tenzi, Mwari wake kuti amucheukewo. Akazvidukupisa kwazvo pana Tenzi, Mwari wemadzibaba ake.
13
Akanamata kwaari, Mwari akagamuchira chichemo chake akanzwa chikumbiro chake akabva amudzosera kuJerusaremu paumambo hwake. Ndopakazoziva Manase kuti Tenzi ndiye Mwari.
14
Mushure macho akavakira Guta raDhavhidhi rumwe rusvingo nechokunze kumadokero kweGihoni mubani, uye rwekumusuo wokupinda kusuo guru reHove. Akapoterera narwo nokuOfero. Akarurebesa kwazvo kuenda mudenga. Akaisa vatungamiriri vehondo mumaguta ose etsvingo okwaJudha.
15
Akabvisa mumba maTenzi, vamwari vasirivo nechifananidzo chokunamata chiya neAtari dzose dzaakambenge avaka pagomo reimba yaTenzi nomuJerusaremu. Akazvirasira kunze kweguta.
16
Akagadziridzawo atari yaTenzi akapirirapo zvibayiro zvomipiro yokuwadzana neyokutenda. Akatemera vokwaJudha kuti vanamate Tenzi, Mwari waIsiraeri.
17
Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachipira zvibayiro panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziya asi vachipira kuna Tenzi, Mwari wavo chete.
18
Inga dzimwe nyaya dzezvaManase nomunamato wake waakaita kuna Mwari wake nemazwi avaoni vakataura kwaari muzita raTenzi, Mwari weIsiraeri dzirimo muNhoroondo dzaMadzimambo eIsiraeri.
19
Kwouyawo munamato wake nokugamuchirwa kwakaitwa chichemo chake naMwari, nechitadzo chaakapara, nokusava munhu ari pachokwadi kwaakaita nemaakavakira nzvimbo dzokuteurira dzokunamatira akamisa zvifananidzo zviAshera nezvimwewo zvifananidzo zvokunamata asati azvidukupisa, zvakanyorwa wani muNhoroondo dzavaoni.
20
Saizvozvo Manase akavata oenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake vakamuviga mumba make. Mwanakomana wake Amoni ndiye akazotonga panzvimbo pake.
21
Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwemakore maviri ari muJerusareumu.
22
Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi sezvakaitwa nababa wake Manase. Amoni akapira zvibayiro kuzvifananidzo zvose zvokunamata zvakanga zvagadzirwa naManase baba vake akazvinamata.
23
Haana kuzvidukupisa pana Tenzi sezvakaita Manase baba vake akazvidukupisa. Amoni iyeyu akaramba achingopara dzimwe mhosva.
24
Makurukota ake akaita bangano rokumupandukira vakamuuraya mumba make.
25
Vanhuwo venyika iyoyo vakauraya vose vakanga vapandukira mambo Amoni wacho. Vanhu vomunyika imomo vakagadza Josiya mwanakomana wake umambo panzvimbo pake.
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 34 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→