bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Chronicles 6
2 Chronicles 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 7 →
1
Soromoni akati, “Tenzi, akazvisarudzira zvake kugara makati kwirindindi.
2
Iniwo ndakanyatsokuvakirai imba ino chaiyo ino mukurumbira musha wokuti mugare zvenyu imi nokusingaperi.”
3
Mambo akazotendeuka akabva akomborera gungano rose reIsiraeri, iro gungano reIsiraeri rose rakati ji kumira.
4
Akati, “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari weIsiraeri, akadai kuzadzikisa zvaakatsidzira baba vangu Dhavhidhi achiti,
5
‘Kubvira pandakaburitsa vanhu vangu munyika yeIjipiti, handina kusarudza guta mumadzinza ose eIsiraeri mokuti ndivakire imba inodaidzwa nezita rangu uye handina munhu wandakasarudza kuti ave mutongi wavanhu vangu vaIsiraeri.
6
Asi kuti ndakasarudza Jerusaremu kuti zita rangu riiswepo uye ndikasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu vaIsiraeri.’
7
Baba vangu Dhavhidhi vakanga ainazvo mumwoyo zvokuvaka imba inodaidzwa nezita raTenzi, Mwari wevaIsiraeri.
8
Asi Tenzi akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Zvokuti mumwoyo mako muve nepfungwa yokundivakira imba yokuisa zita rangu changa chiri chinhu chakanaka.
9
Chiripo chete ndechokuti, iwe hausiriwe wokundivakira imba yacho asi mwana wako mukomana wauchabereka.’
10
Zvino Tenzi akazadzikisa chitsidzo chaakatsidza, kukazomuka ini panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, hezvi ndigere pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri sokutsidza kwaakaita Tenzi ndikazovakawo imba iyi, yokuisa zita raTenzi, Mwari wevaIsiraeri.
11
Ndimo mandati mugare bhokisi rechitenderano riine chitenderano chaTenzi chaakaita navanhu veIsiraeri.”
12
Soromoni akamira pamberi peatari yaTenzi gungano rose reIsiraeri riripo, akasimudza maoko ake.
13
Soromoni akanga agadzira nendarira chimwe chokumira pachiri chaiita mamita maviri namasendimita makumi maviri kureba, upamhi hwacho huchiitawo mamita maviri namasendimita makumi maviri, kukwira kwacho mudenga chichiita mita rimwechete namasendimita makumi matatu akachiisa mukati menhandare, akamira pamusoro pacho. Akapfugama namabvi pamberi pegungano rose reIsiraeri akasimudzira maoko ake mudenga akanamata achiti,
14
“Imi Tenzi, Mwari wevaIsiraeri, hakuna Mwari akaita semi, kumusoro kudenga kana panyika pasi pano anochengeta chitenderano achiitira mwoyochena varanda vake vanofamba vakatendeseka kwaari nomwoyo wose,
15
semi makachengeta zvamakataurira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi. Makataura imi nomuromo wenyu, noruoko rwenyu mukazvizadzikisa sezvazviri nhasi uno.
16
Zvino Tenzi, Mwari wevaIsiraeri chengetedzai waro zvamakatsidzira zvenyu baba vangu Dhavhidhi, zvamakavataurira muchiti, hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzogara pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri. Ndokungewo vana vako vachenjerera mafambiro avo vachitevedza mutemo wangu sokufamba mberi kwangu kwawakaitawo iwe.
17
Saka zvino imi Tenzi, Mwari wevaIsiraeri shoko renyu ramakatsidzira muranda wenyu Dhavhidhi ngarichiitika.
18
Chaizvo chaizvo, Mwari angaite panyika kuti pave musha wake here! Inga wani matenga kana iro denga rokumatengatenga haakwane kuti ave musha wake. Ko, kutozotiwo imba iyi yakavakwawo neniwo zvangu!
19
Kunyange zvazvo zvakadaro Tenzi, Mwari wangu rerekerai nzeve dzenyu kumunamato wangu ini muranda wenyu nokuchichemo changu, munzwewo chichemo nomunamato wandiri kuita kwamuri
20
kuti ziso renyu rirambe riri pamba iyoyi siku nesikati panzvimbo iyi yamakavimbisa kuzoisa zita renyu, kuitira kuti mugozonzwawo munamato wangu ini muranda wenyu wandava kuitira nzvimbo ino.
21
Inzwaiwo chichemo ichi changu ini muranda wenyu nechevanhu venyu vaIsiraeri, pavanonamata vakaringira kunzvimbo ino. Vanzwei muri kudenga kwamunogara, pamunenge manzwa muvaregererewo.
22
“Kana munhu akatadzira mumwe wake, akange anzi apike mhiko, akauya akasvikopika mhiko yake pamberi peatari yenyu mumba muno,
23
pakadaro imi teererai muri kudenga uku muwane chamungaite nazvo, muteme zvinowirirana nemhosva yacho, Ane mhosva muti apfukirwe nemhosva yake, anengewo asina mhosva mudure pachena kuti haana mhosva maererano nokururamawo kwake.
24
“Kana vanhu venyu vaIsiraeri vakakundwa navavengi pamusana pokuti vakakutadzirai, vakange vadzokerazve kwamuri, vokuyeukai zvino nezita, vakanamata vachiisa zvichemo zvavo kwamuri mumba muno,
25
vanzwei kudenga ikoko muregererewo vanhu venyu vaIsiraeri chitadzo ichocho, muvadzorere kunyika yamakapa madzitateguru avo.
26
“Kana denga richinge rapfigwa, kurega kunaya mvura pamusana pokuti vakakutadzirai, vakanamata vakazvirereka vakaringa kuno uku vakakuyeukai nezita, vakakanda pasi chitadzo chavo imi manga mambovaonesa nhamo
27
vanzwei kudenga ikoko, muregererewo muranda wenyu navanhu venyu vaIsiraeri chitadzo chavo muvadzidzise makwara akanaka okuti vafambe nawo mupe mvura nyika yenyu yamakapa vanhu venyu senhaka yavo.
28
“Kana munyika ino mukaita nzara kana kuti mukaita denda kana zvikukuve kana chiundudzi, kanawo kukauya mhashu kana rukonye kana kuti vavengi vavo vakavatambudza munyika muno, muguta ravo ripi zvaro, kunyange nyatwa ipi zvayo kana kukava nechirwere chipi nechipi zvacho;
29
vanhu venyu vose vaIsiraeri kana kuti ani naani zvake anenge aine nhuna dzaari kunzwa mumwoyo wake kana chimwe chinomutambudza akazotambanudza maoko akaringa kumba ino achiita munamato upi zvawo kana kuisa chichemo chipi nechipi zvacho
30
munzwei kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara, mumuregererewo sezvo muchiziva zviri mumwoyo make mubatsirei zvichienderanawo namaitiro ake (nokuti imi moga ndimi munoziva zviri mumwoyo womunhu)
31
kuitira kuti vagare vachikutyai vachitevedza makwara enyu misi yose yavachagara munyika yamakapa madzitateguru avo.
32
“Pamusana pezita renyu guru noukuru hwenyu nezvesimba renyu guru, muitewo zvimwechetezvo nomutorwa wechirudzi kuvanhu venyu vaIsiraeri, mubvakure, akauya kuzonamata akaringa kumba ino,
33
imi munzweiwo kudenga ikoko, kunzvimbo yenyu kwamunogara, muitire mutorwa iyeyo zvose zvaanenge akukumbirai, kuitira kuti marudzi ose avanhu vepanyika pano vagoziva zita renyu, vakutyei sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri uyewo vagoziva kuti imba ino yandakavaka inodaidzwa nezita renyu.
34
“Kana vanhu venyu vakaenda kundorwisa vavengi vavo kwamunenge mati vaende, vakanamata kwamuri vakaringawo kuguta rino ramakasarudza uye kumba ino yandakavakira zita renyu;
35
vanzwei munamato wavo nechichemo chavo kudenga ikoko, muvaitire zvavanenge vachichemedzeka nazvo.
36
“Kana vakaita chitadzo kwamuri sezvo kusina munhu asingapari chitadzo, imi mukavashatirirwa mukavaisa mumaoko avavengi vavo kuti vatapwe vaendwe navo kunyika iri kure kana kuti iri pedyo
37
kunyange zvazvo zvakadaro vakazviti kunun'unu mumwoyo mavo vari munyika mavakavatapa macho, vakapinduka voturira chichemo chavo kwamuri vari munyika yavakavatapa iyoyo vachiti, takaita chitadzo tikaita zvouipi tikapara mhosva,
38
kana vakapindukira kwamuri nomwoyo wavo wose, vachinge vanyatsozvipira kupinduka ivo pachavo, vari munyika yevavengi vavo, vanyakuvatapa, vakanamata vakaringa kuno kunyika yavo yamakapa madzitateguru avo, kuguta ramakasarudza kumba ino yandakavakira zita renyu;
39
vanzwei munamato wavo nechichemo chavo kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara muvaitire zvavanenge vachichema nazvo, muregererewo vanhu venyu vanenge vakutadzirai ivavo.
40
Zvino imi Mwari wangu meso enyu ngaatarise murerekere nzeve dzenyu kumunamato uyu wandaita pano.
41
“Zvino chisimukai zvenyu Tenzi Mwari muende mundogara munzvimbo yenyu yokuzorora, imi nebhokisi rechitenderano rine simba renyu. Vapristi venyu imi Tenzi Mwari ngavafukidzwe noruponeso, muregewo zvenyu vatsvene venyu vafare mune zvakanaka zvenyu.
42
Tenzi Mwari, dai waro mangorega kufuratira muzodzwi wenyu, murangarire mwoyochena wenyu kuna Dhavhidhi muranda wenyu.”
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→