bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 1
Deuteronomy 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 2 →
1
Ndiwo mashoko akataurwa naMosesi kuʋaIsraeri ʋose mhiri kwaJoridani murenje, muMupata wakatarisana neSufi, pakati peParani, neTofera, neRabani, neHazeroti, neDizahabi.
2
Kubva paHorebi, nenzira yokugomo reSeiri, kuȿika paKadeshi‐barnea, munhu unofamba mazuʋa anegumi nerimŋe.
3
Ɀino pagore ramakumi manna, pamŋedzi wegumi nomumŋe, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi, Mosesi wakaʋudza ʋana ʋaIsraeri ɀose ɀaʋakarairwa naJehova naye;
4
wakati akunda Sihoni, mambo waʋaAmori, wakaŋga agere Heshboni, naOgi, mambo weBashani, wakaŋga agere Ashtaroti, paEdrei,
5
Mosesi akataŋga kuɗudzira murairo uyu ʋari mhiri kwaJoridani, panyika yokwaMoabi, akati:
6
Jehova Mŋari weɗu wakataura nesu paHorebi, akati: Makagara ŋguʋa yakariŋgana pagomo iri.
7
Dzokai, mufambe, muende kumakomo aʋaAmori nokunɀimbo dzose dziri pedyo nawo, kuMupata, nokumakomo, nokumapani, nokurutiʋi rwezasi, nokumhenderekedzo dzeguŋgwa, okunyika yaʋaKanani, nokuRebanoni, kuȿikira kurwizi rukuru, rwizi Ufratesi.
8
Tarirai, ndakaisa nyika pamberi penyu; pindai, mutore nyika yakapikirwa madziɓaɓa enyu naJehova, kunaAbrahama, naIsaka, naJakobo, kuti ʋacaipiwa iʋo naʋana ʋaʋo ʋanoʋateʋera.
9
Ŋguʋa iyo ndakataura nemi, ndikati: Handigoni kukutakurai ndiri ndoga;
10
Jehova Mŋari wenyu wakakuwanzai; tarirai, nhasi maʋa senyeredzi dzokuɗeŋga pakuwanda kwenyu.
11
Jehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu ŋgaakuwedzerei runecuru camazana pamakaȿika ɀino, amuropafadze seɀaakakupikirai.
12
Ini ndoga ndiŋgatakura seiko kurema kwenyu, nomutoro wenyu, nokurwa kwenyu?
13
Muɀitsaurirei ʋarume ʋakacenjera, ʋakaŋgwara, ʋanozikaŋwa, kumarudzi enyu, ndiʋaite ʋakuru ʋenyu.
14
Mukandipindura, mukati: Cinhu ico camataura cakanaka kuti ticiite.
15
Ipapo ndakatora ʋakuru ʋamarudzi enyu, ʋarume ʋakaŋga ʋakacenjera, ʋakaŋga ʋakazikanwa, ndikaʋaita ʋakuru ʋenyu, ʋaʋe ʋakuru ʋeɀuru, naʋakuru ʋamazana, naʋakuru ʋamakumi mashanu, naʋakuru ʋegumi, naʋatariri kumarudzi enyu.
16
Neŋguʋa iyo ndikaraira ʋatoŋgi ʋenyu, ndikati: Tererai mhoȿa dziri pakati pehama dzenyu, mururamisire pakati pomunhu nehama yake, nomutorwa ugere naye.
17
Musatsaura ʋanhu pakutoŋga kwenyu; munofanira kuterera muɗuku nomukuru nomutoʋo mumŋe; musatya munhu; nokuti kutoŋga ndokwaMŋari; asi kana kunemhaka yamusiŋgagoni, muʋuye nayo kwandiri kuti ndiinzwe.
18
Neŋguʋa iyo ndakakurairai ɀose ɀamunofanira kuita.
19
Ɀino takasimuka paHorebi, tikafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaʋona panzira yokumakomo aʋaAmori, seɀatakarairwa naJehova Mŋari weɗu; tikaȿika paKadeshi‐barnea.
20
Ndikati kwamuri: Maȿika panyika yamakomo yaʋaAmori, yatinopiwa naJehova Mŋari weɗu.
21
Tarirai, Jehova, Mŋari wenyu wakaisa nyika iyo pamberi penyu; kwirai, muitore, seɀamakaʋudzwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu; musatya kana kuvunduka.
22
Ipapo imi makasweɗera mose kwandiri, mukati: Ŋgatitume ʋarume ʋatituŋgamirire, ʋatishorere nyika, ʋagoʋuya kuzotiʋudza nzira yatinofanira kukwira nayo, namaguta aticandoȿika kwaari.
23
Shoko iro rikandifadza; ndikatsaura ʋarume ʋanegumi naʋaʋiri pakati penyu, murume mumŋe kurudzi rumŋe norumŋe.
24
Iʋo ʋakaenda, ʋakakwira mugomo, ʋakaȿika mumupata weEshkori, ʋakaishora.
25
Ʋakatora mimŋe micero yenyika mumaʋoko aʋo, ʋakaɓurukira kwatiri nayo, ʋakadzoka neshoko kwatiri, ʋakati: Inyika yakanaka, yatinopiwa naJehova Mŋari weɗu.
26
Asi makaramba kukwira, mukamukira kuraira kwaJehova Mŋari wenyu;
27
mukanyunyuta mumatente enyu, mukati: Jehova wakatiʋeŋga, saka wakatiɓuɗisa munyika yeEgipita, kuti atiise mumaʋoko aʋaAmori, kuti atiparadze.
28
Ɀino ticaendepiko? Hama dzeɗu dzanyawusa mŋoyo yeɗu, dziciti: Ʋanhu aʋo ʋanotikunda nokukura nokureɓa; maguta makuru, akakombga namaȿiŋgo anoȿika kuɗeŋga; ʋuye, takaʋonako ʋana ʋaEnaki.
29
Ipapo ini ndikati kwamuri: Musavunduka henyu, kana kuʋatya.
30
Jehova Mŋari wenyu unokutuŋgamirirai, iye ucakurwirai, seɀaakakuitirai ɀose paEgipita pamberi penyu,
31
nomurenje pamakaʋona muɓerekerwe wamakaɓerekwa nawo naJehova Mŋari wenyu, somunhu unoɓereka mŋana wake; panzira dzenyu dzose dzamakafamba nadzo, kudzimana muciȿika panɀimbo iyi.
32
Asi pacinhu ici hamuna‐kutenda Jehova Mŋari wenyu;
33
iye wakakutuŋgamirirai panzira, kuti akutȿakirei pamuŋgadzika matente enyu, nomŋoto ʋusiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, ʋuye negore masikati.
34
Ɀino Jehova akanzwa inzwi ramashoko enyu, akatsamŋa, akapika, aciti:
35
Ɀirokwaɀo, hakuŋgaʋi nomumŋe waʋanhu aʋa, ʋorudzi urwu rwakaipa, ucaʋona nyika yakanaka, yandakapika ndiciti ndicaipa madziɓaɓa enyu,
36
asi Karebi, mŋanakomana waJefune, ndiye ucaiʋona; ndicamupa iye naʋana ʋake nyika yaakatsika, nokuti iye wakateʋera Jehova nomŋoyo wose.
37
Jehova akanditsamŋira neni ʋo nokuɗa kwenyu, akati: Newe ʋo hauŋgapindi ikoko;
38
Joshua, mŋanakomana waNuni, umire pamberi pako, ndiye ucapinda ikoko; umusimbise, nokuti ndiye ucagarisa ʋaIsraeri nhaka yaʋo.
39
Ʋana ʋenyu ʋaɗuku, ʋamakati ʋacatapxa, naʋana ʋenyu ʋasiŋgaziʋi nhasi ɀakanaka neɀakaipa, ndiʋo ʋacapinda ikoko; ndicaʋapa iyo, iʋe yaʋo.
40
Asi kana muri’mi, dzokai mufambe murenje nenzira yokuGuŋgwa Dɀuku.
41
Ɀino imi mukapindura, mukati kwandiri: Takatadzira Jehova, ticakwira heɗu tindorwa, ɀose seɀatakarairwa naJehova Mŋari weɗu. Mukashoŋga mumŋe nomumŋe nhumbi dzake dzokurwa nadzo, mukaɗa kukwira mugomo.
42
Ɀino Jehova akati kwandiri: Uti kwaʋari: Musakwira kana kurwa, nokuti ini handizi pakati penyu; kuti murege kukundwa pamberi paʋaʋeŋgi ʋenyu.
43
Naiɀoɀo ndakataura nemi, asi makaramba kunditerera; asi makamukira murairo waJehova, mukaita manyawi, mukakwira mugomo.
44
Ɀino ʋaAmori ʋakaŋga ʋagere mugomo iro, ʋakaɓuɗa kuzorwa nemi, ʋakakudziŋgai, seɀinoita nyuci, ʋakakuparadzai kuȿikira paHorma.
45
Ipapo makadzoka, mukacema pamberi paJehova, asi Jehova haana‐kuterera inzwi renyu, kana kurerekera nzeʋe dzake.
46
Naiɀoɀo makagara paKadeshi mazuʋa mazhinji, ŋguʋa yamakagara’po.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34