bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 16
Deuteronomy 16
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 17 →
1
Raŋgarira mŋedzi weAbibi, udye paseka yaJehova Mŋari wako nawo; nokuti nomŋedzi weAbibi Jehova Mŋari wako wakakuɓuɗisa panyika yeEgipita ʋusiku.
2
Unofanira kuɓayira Jehova Mŋari wako paseka yamakwai neŋombe panɀimbo inotsaurwa naJehova Mŋari wako, kuti agarise zita rake’po.
3
Usadya ciŋgwa cakaʋiriswa pamŋe cete nayo; unofanira kuita mazuʋa manomŋe ucidya ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa pamŋe cete nayo, ndico ciŋgwa cokutambudzika; nokuti wakaɓuɗa panyika yeEgipita nokukurumidza; kuti uraŋgarire zuʋa rawakaɓuɗa naro panyika yeEgipita mazuʋa ose oʋupenyu bgako.
4
Mazuʋa manomŋe mbiriso haifaniri kutoŋgoʋonekwa panyika yako yose; ʋuye nyama yamunoɓayira pazuʋa rokutaŋga maɗekwana, haifaniri kutoŋgosara ʋusiku bgose kuȿikira maŋgwana.
5
Haufaniri kuɓayira paseka mukati merimŋe ramasuʋo ako, aunopiwa naJehova Mŋari wako;
6
asi panɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako, kuti agarise zita rake’po, ndipo paunofanira kuɓayira paseka maɗekwana, kana zuʋa roʋira, paŋguʋa yawakaɓuɗa nayo Egipita.
7
Unofanira kuiɓika, nokuidya panɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako; fume maŋgwana unofanira kudzokera kumatente ako.
8
Unofanira kudya ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa mazuʋa matanhatu; pazuʋa recinomŋe unofanira kuita ʋuŋgano huru kunaJehova Mŋari wako; usaɓata maɓasa naro.
9
Unofanira kuʋereŋga maviki manomŋe; kubva paŋguʋa yaunotaŋga kukohwa ɀiyo ɀigere kukohiwa, unofanira kuʋereŋga maviki manomŋe.
10
Ɀino uitire Jehova Mŋari wako mutambo wamaviki, uciʋuya muruʋoko rwako necipo cokuɗa kwako, ucipa seɀawakaropafadzwa naJehova Mŋari wako.
11
Unofanira kufara pamberi paJehova Mŋari wako, iwe nomŋanakomana wako nomŋanasikana wako, nomuranda wako, nomurandakadzi wako, nomuRevi uri mukati mamasuʋo ako, nomŋeni, nenherera, necirikadzi, ʋagere pakati pako, panɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako, kuti agarise zita rake’po.
12
Unofanira kuraŋgarira kuti iwe wakaŋga uri muranda paEgipita; unofanira kuceŋgeta nokuita iɀi ɀakatemŋa.
13
Unofanira kutamba mutambo wamatumba mazuʋa manomŋe, kana wapedza kuʋuŋganidza ɀose ɀapaɓuriro rako neciȿiniro cako cewaini.
14
Unofanira kufara pamutambo wako, iwe, nomŋanakomana wako, nomŋanasikana wako, nomuranda wako, nomurandakadzi wako, nomuRevi, nomŋeni, nenherera, necirikadzi, ʋari mukati mamasuʋo ako.
15
Unofanira kutambira Jehova Mŋari wako mutambo mazuʋa manomŋe panɀimbo icatsaurwa naJehova; nokuti Jehova Mŋari wako ucakuropafadza paɀiɓereko ɀose ɀeminda yako, napamaɓasa ose amaʋoko ako, kuti ufare kwaɀo.
16
Ʋarume ʋenyu ʋose ʋanofanira kuʋuya pamberi paJehova Mŋari wako katatu pagore panɀimbo yaacatsaura, pamutambo weciŋgwa cisina‐kuʋiriswa, napamutambo wamaviki, napamutambo wamatumba; haʋafaniri kuʋuya pamberi paJehova ʋasinecinhu.
17
Mumŋe nomumŋe ŋgaaʋuye necipo mumaʋoko ake, seɀaanogona, seɀawakaropafadzwa naJehova Mŋari wako, seɀaakakupa.
18
Unofanira kuɀitsaurira ʋatoŋgi naʋakuru mukati mamasuʋo ako, aunopiwa naJehova Mŋari wako, namarudzi ako; iʋo ʋanofanira kutoŋga ʋanhu nokutoŋga kwakarurama.
19
Usakaŋganisa pakutoŋga kwako, usatsaura ʋanhu, usagamucira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza meso aʋakaŋgwara, nokuminamisa mashoko aʋakarurama.
20
Teʋera ɀakarurama kwaɀo cete, kuti urarame, ugare nhaka yenyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako.
21
Usaɀisimira matanda okunamata nawo, emiti ipi neipi, parutiʋi rweartari yaJehova Mŋari wako, yaunofanira kuɀiitira.
22
Ʋuye usaɀimisira shoŋgwe, inoʋeŋgwa naJehova Mŋari wako.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34