bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 30
Deuteronomy 30
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 31 →
1
Ɀino kana ɀinhu iɀi ɀose ɀicikuwira, iko kuropafadzwa nokutukwa, kwandakaisa pamberi pako, ukaɀiraŋgarira pakati pendudzi dzose, pawakadziŋgirwa naJehova Mŋari wako,
2
ukadzokera kunaJehova Mŋari wako, ukaterera inzwi rake, seɀandinokuraira ɀose nhasi, iwe naʋana ʋako, nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose;
3
ipapo Jehova Mŋari wako ucashandura kutapxa kwako, nokukunzwira tsitsi, nokukuʋuŋganidza ɀe pandudzi dzose, kwaakakurashanyira kwadziri, iye Jehova Mŋari wako.
4
Kunyaŋge ʋamŋe ʋenyu ʋakaŋga ʋadziŋgirwa kumagumisiro okuɗeŋga, Jehova Mŋari wako ucakuʋuŋganidza’po, ucandokutora’po;
5
Jehova Mŋari wako ucakuʋuyisa munyika, yakaŋga iri yamadziɓaɓa ako, kuti iʋe yako; ucakuitira ɀakanaka, nokukuwanza kupfuʋura madziɓaɓa ako.
6
Jehova Mŋari wako ucadziŋgisa mŋoyo wako, nemŋoyo yaʋana ʋako, kuti uɗe Jehova Mŋari wako nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, kuti urarame.
7
Jehova Mŋari wako ucatuka ʋaʋeŋgi ʋako nokutuka uku kwose, naʋose ʋanokuʋeŋga ʋanokutambudza.
8
Ɀino iwe ucadzoka nokuterera inzwi raJehova, nokuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi.
9
Jehova Mŋari wako ucawanza ɀinoɓatwa namaʋoko ako, neɀiɓereko ɀomuʋiri wako, neɀiɓereko ɀeŋombe dzako, neɀiɓereko ɀevu rako, kuti ɀifare; nokuti Jehova ucakufarira ɀe ɀakanaka, seɀaakafarira madziɓaɓa ako;
10
kana uciterera inzwi raJehova Mŋari wako, nokuceŋgeta mirairo yake neɀaakatema, ɀakanyorwa mubuku iyi yomurairo; kana ukadzokera kunaJehova Mŋari wako nomŋoyo wako wose nomŋeya wako wose.
11
Nokuti murairo uyu wandinokuraira nhasi hauŋgakuremeri ɀikuru, ʋuye hauzi kure.
12
Hauzi kuɗeŋga, kuti uti: Ndianiko ucatikwirira kuɗeŋga, kundotitorera iwo, nokutinzwisa iwo, kuti tiuite?
13
Hauzi mhiri kweguŋgwa, kuti uti: Ndianiko ucatiyambukira mhiri kweguŋgwa, andotitorera iwo, nokutinzwisa iwo, tiuite?
14
Asi shoko riri pedyo kwaɀo newe, mumuromo mako, nomumŋoyo mako, kuti uriite.
15
Tarira ndaisa pamberi pako nhasi ʋupenyu neɀakanaka, norufu neɀakaipa.
16
Ɀandinokuraira nhasi ndiɀo, kuti uɗe Jehova Mŋari wako, nokufamba munzira dzake, nokuceŋgeta mirairo yake neɀaakatema neɀaakatoŋga, kuti urarame, uwande, ʋuye kuti Jehova Mŋari wako akuropafadze kunyika kwaunoenda kwairi, kuti iʋe yako.
17
Asi kana mŋoyo wako ukatsauka, ukaramba kuterera, ukatsauswa kunamata ʋamŋe ʋamŋari nokuʋashumira,
18
ndinokuʋudzai nhasi, kuti mucaparadzwa ɀirokwaɀo; hamuŋgaʋi namazuʋa mazhinji kunyika kwaunoyambukira nhasi, kuti iʋe yako.
19
Ndinoɗana kuɗeŋga napasi kukupupurirai nhasi, kuti ndaisa pamberi pako ʋupenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naiɀoɀo tsaura ʋupenyu, kuti urarame, iwe naʋana ʋako;
20
kuti uɗe Jehova Mŋari wako, nokuterera inzwi rake, nokumunamatira; nokuti ndibgo ʋupenyu bgako, nokuwanzwa kwamazuʋa ako; kuti ugare munyika yakapikira Jehova madziɓaɓa ako, Abrahama naIsaka naJakobo, kuti ucaʋapa iyo.
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34