bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 8
Deuteronomy 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 9 →
1
Murairo wose wandinokuraira nhasi munofanira kucenjera kuti muuite, kuti mugorarama, nokuwanda, nokupinda munyika yakapikirwa madziɓaɓa enyu naJehova, muiite yenyu.
2
Unofanira kuraŋgarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehova Mŋari wako murenje makore awa makumi manna, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti aziʋe ɀaiʋa mumŋoyo mako, kana wakaŋga uciɗa kuceŋgeta mirairo yake, kana kwete.
3
Akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana, yawakaŋga usiŋgaziʋi, kunyaŋge madziɓaɓa ako akaŋga asiŋgaziʋi ʋo; kuti akuziʋise kuti munhu haararami neɀokudya ɀoga, asi kuti munhu unorarama neɀose ɀinoɓuɗa mumuromo waJehova.
4
Ŋguʋo dzako hadzinakukusakarira, netsoka dzako hadzina‐kuɀimba makore awa makumi manna.
5
Fuŋga mumŋoyo mako, kuti Jehova Mŋari wako unokuraŋga somunhu unoraŋga mŋanakomana wake.
6
Unofanira kuceŋgeta mirairo yaJehova Mŋari wako, kuti ufambe nenzira dzake nokumutya.
7
Nokuti Jehova Mŋari wako unokupinza munyika yakanaka, nyika inehoʋa dzemvura, namatsime, namadziʋa akadzika, anoɓuɗa pamipata napamakomo;
8
nyika ineɀiyo, nabari, nemizambiriŋga, nemiʋonde, nemitamba; nyika yemiorivi inamafuta, noʋuci;
9
nyika kwaucadya ciŋgwa, usiŋgashaiwi, kwausiŋgatoŋgoshaiwi cinhu; nyika inamabge emhaŋgura, napamakomo ayo ucacera ndarira.
10
Ucadya ukaguta, ukaʋoŋga Jehova Mŋari wako nokuɗa kwenyika yakanaka yaakakupa.
11
Cenjera kuti urege kukaŋganwa Jehova Mŋari wako, ukasaceŋgeta mirairo yake, neɀaakatoŋga, neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi;
12
kuti kana wadya ukaguta, ukaʋaka dzimba dzakanaka, ukagara madziri,
13
neŋombe dzako namakwai ako akawanda, nesirveri yako nendarama yako ikawanda, neɀose ɀaunaɀo ɀikawanda,
14
mŋoyo wako ukaɀikudza, ukakaŋganwa Jehova Mŋari wako, wakakuɓuɗisa panyika yeEgipita, paimba yoʋuranda;
15
iye wakakufambisa murenje guru rinotyisa, makaŋga mune nyoka dzinopeŋga neɀinyaʋaɗa, nevu rakawoma risinemvura; iye wakakuɓuɗisira mvura paɗombo romusarasara;
16
wakakugutsa murenje nemana, yakaŋga isina‐kuzikanwa namadziɓaɓa ako, kuti akuninipise akuidze, kuti akuitire ɀakanaka pakupedzisira;
17
kuti urege kuzoti mumŋoyo mako: Simba raŋgu nokugona kworuʋoko rwaŋgu ndiɀo ɀakandiwanisa fuma iyi.
18
Asi unofanira kuraŋgarira Jehova Mŋari wako, nokuti ndiye unokupa simba rokufuma; kuti asimbise suŋgano yake, yaakapikira madziɓaɓa ako, seɀaanoita nhasi.
19
Ɀino kana ukakaŋganwa Jehova Mŋari wako, ukateʋera ʋamŋe ʋamŋari, ukaʋashumira, ukanamata kwaʋari, ndinokupupurirai nhasi kuti mucaparadzwa ɀirokwaɀo.
20
Imi mucaparadzwa sendudzi dzinoparadzwa naJehova pamberi penyu; nokuti makaramba kuterera inzwi raJehova Mŋari wenyu.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34