bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 29
Deuteronomy 29
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 30 →
1
Ndiwo mashoko esuŋgano yakarairwa Mosesi naJehova, kuti aiite naʋana ʋaIsraeri panyika yaMoabi, kunze kwesuŋgano yaakaita naʋo paHorebi.
2
Ɀino Mosesi akaɗana ʋaIsraeri ʋose, akati kwaʋari: Makaʋona ɀose ɀakaitwa naJehova pamberi penyu panyika yeEgipita kunaFarao naʋaranda ʋake ʋose, nokunyika yake yose;
3
miidzo iya mikuru yamakaʋona nameso enyu, neɀiratidzo, neɀishamiso ɀiya ɀikuru.
4
Asi Jehova haana‐kukupai mŋoyo inoziʋa, nameso anoʋona, nenzeʋe dzinonzwa kuȿikira nhasi.
5
Ndakakutuŋgamirirai murenje makore anamakumi manna; ŋguʋo dzenyu hadzinakukusakarirai, neshaŋgu dzako hadzina‐kusakara patsoka dzako.
6
Hamunakudya ciŋgwa, kana kunwa waini neɀinoɓata; kuti muziʋe kuti ndini Jehova Mŋari wenyu.
7
Ɀino makati muciȿika panɀimbo ino, Sihoni, mambo weHeshboni, naOgi, mambo weBashani, ʋakaʋuya kuzorwa nesu, tikaʋakunda;
8
tikatora nyika yaʋo, tikaipa ʋaRubeni naʋaGadi nehafu yorudzi rwaManase, kuti iʋe nhaka yaʋo.
9
Naiɀoɀo ceŋgetai mashoko esuŋgano iyi, muiite, kuti mufare paɀose ɀamunoita.
10
Mumire nhasi mose pamberi paJehova Mŋari, ʋatuŋgamiriri ʋenyu, namarudzi enyu, naʋakuru ʋenyu, naʋatariri ʋenyu, iʋo ʋarume ʋose ʋaIsraeri,
11
nepxere dzenyu, naʋakadzi ʋenyu, naʋatorwa ʋako ʋari pakati pemisasa yako, kubva paʋatemi ʋehuni dzako kuȿikira kuʋaceri ʋemvura yako;
12
kuti upinde pasuŋgano yaJehova Mŋari wako, napakupika kwake kwaanokupikira nhasi iye Jehova Mŋari wako;
13
kuti akusimbise nhasi uʋe rudzi rwake, iye aʋe Mŋari wako, seɀaakataura kwauri, ʋuye seɀaakapikira madziɓaɓa ako, Abrahama, naIsaka, naJakobo.
14
Handiiti suŋgano iyi nokupika uku nemi moga;
15
asi naiʋo ʋamire pano nesu nhasi pamberi paJehova Mŋari weɗu, ʋuye naʋasi’po nesu nhasi;
16
(Nokuti munoziʋa kugara kweɗu panyika yeEgipita, nokufamba kweɗu pakati pendudzi, dzamakapfuʋura pakati padzo;
17
mukaʋona ɀinonyaŋgadza ɀaʋo, neɀifananidzo ɀaʋo ɀamatanda neɀamabge, nesirveri nendarama, ɀakaŋga ɀiri pakati paʋo;)
18
kuti pakati penyu parege kuʋa nomurume, kana mukadzi, kana mhuri, kana rudzi, ʋanomŋoyo unotsauka kunaJehova Mŋari weɗu nhasi, kuti ʋandoshumira ʋamŋari ʋendudzi idzo; kuti pakati penyu parege kuʋa nomudzi unoɓereka ɀinoʋuraya negaʋakaʋa;
19
ɀino kana acinzwa mashoko okupika uku, aɀirumbidze pamŋoyo wake, aciti: Ndicaʋa norugare, kunyaŋge ndicifamba haŋgu noʋukukutu bgomŋoyo waŋgu, kuti ɀakanyoroʋa neɀakawoma ɀiparadzwe pamŋe cete;
20
Jehova haaŋgamukaŋganwiri, asi neŋguʋa iyo kutsamŋa kwaJehova neshuŋgu dzake ɀicapfuŋgairira munhu uyo, nokutukwa kwose kwakanyorwa mubuku iyi kucamunamatira; Jehova ucadzima zita rake pasi pokuɗeŋga.
21
Jehova ucamutsaurira ɀakaipa ɀose pakati pamarudzi ose aIsraeri, kuti atukwe nokutuka kwose kwesuŋgano yakanyorwa mubuku iyi yomurairo.
22
Ɀino rudzi runoteʋera, iʋo ʋana ʋenyu ʋacamuka pashure penyu, naʋatorwa ʋanobva kunyika iri kure, kana ʋaciʋona maɗambudziko enyika iyo, namatenda aicarwadziswa nawo naJehova;
23
ʋuye kuti nyika yose isurferi, nomunyu, nokutȿa, kuti haidɀarwi, haimedzi, ʋuye kuti ʋuswa habgumeri’mo, sapakuparadzwa kweSodoma neGomora, neAdma neZeboimi, aya maguta akaparadzwa naJehova pakutsamŋa kwake neshuŋgu dzake;
24
ʋuye ndudzi dzose dzicati: Jehova wakaitira nyika iyo saiɀoɀo neiko? Kupisa kwokutsamŋa uku kukuru kunoti kuɗiniko?
25
Ɀino ʋanhu ʋacati: Nokuti ʋakasiya suŋgano yaJehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, yaakaita naʋo ŋguʋa yaakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita;
26
ʋakashumira ʋamŋe ʋamŋari, ʋakanamata kwaʋari, ʋamŋari ʋaʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi, ʋaʋasina‐kupiwa naye;
27
naiɀoɀo kutsamŋa kwaJehova kwakamukira nyika iyi, kuti aituke nokutuka kwose kwakanyorwa mubuku iyi.
28
Jehova akaʋadzipura panyika yaʋo nokutsamŋa kwake neshuŋgu dzake nehasha dzake huru, akaʋarashira kuneimŋe nyika, seɀaɀakaita nhasi.
29
Ɀinhu ɀakaʋanzwa ndeɀaJehova Mŋari weɗu; asi ɀinhu ɀakaratidzwa pacena ndeɀeɗu, isu naʋana ʋeɗu nokusiŋgaperi, kuti tiite mashoko ose omurairo uyu.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34