bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 3
Deuteronomy 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 4 →
1
Ɀino takadzoka, tikakwira nenzira inoenda Bashani; Ogi, mambo weBashani, akaɓuɗa, iye naʋanhu ʋake ʋose, kuzorwa nesu paEdrei.
2
Jehova akati kwandiri: Usamutya, nokuti ndakamuisa paruʋoko rwako, iye naʋanhu ʋake ʋose, nenyika yake; unofanira kuita naye seɀawakaitira Sihoni, mambo waʋaAmori, wakaŋga agere Heshboni.
3
Naiɀoɀo Jehova Mŋari weɗu wakaisa mumaʋoko eɗu naiye Ogi ʋo, mambo weBashani, naʋanhu ʋake ʋose; tikamukunda kuȿikira asinomunhu waakasiyirwa.
4
Neŋguʋa iyo tikakunda maguta ake ose; kwakaŋga kusineguta rimŋe ratisina‐kumutorera, maguta anamakumi matanhatu, nenyika yose yeArgobi, noʋushe bgaOgi muBashani.
5
Iwo akaŋga ari maguta akapoteredzwa ose namaȿiŋgo marefu, namasuʋo, namazariro, kunze kwemisha mizhinji‐zhinji yakaŋga isinamaȿiŋgo.
6
Tikaaparadza cose, seɀatakaitira Sihoni, mambo weHeshboni, tikaparadza cose maguta ose akaŋga anaʋanhu, pamŋe cete naʋakadzi naʋana ʋaɗuku.
7
Asi ɀipfuwo ɀose, neɀakapambga pamaguta awo, iɀo takaɀitapa isu.
8
Neŋguʋa iyo takatorera madzimambo maʋiri aʋaAmori, ʋakaŋga ʋagere mhiri kwaJoridani, nyika yaʋo kubva parwizi Arnoni, kuȿikira pagomo reHermoni;
9
(Hermoni rinotumidzwa Sirioni naʋaSidoni, asi ʋaAmori ʋanoritumidza Seniri;)
10
maguta ose eɓani, neGireadi rose, neBashani rose, kuȿikira paSareka neEdrei, iwo maguta oʋushe bgaOgi muBashani.
11
(Nokuti Ogi, mambo weBashani, ndiye woga wakaŋga asara kunaʋakaŋga ʋasara ʋaʋaRefaimi; mubeda wake wakaŋga uri wamatare; ko hauzi paRaba raʋana ʋaAmoni here? Kureɓa kwawo kwakaŋga kuciȿika pamakubiti mapfumbamŋe, noʋupamhi bgawo pamakubiti manna, kana ɀicienzaniswa nekubiti romunhu.)
12
Nyika iyi takaitora neŋguʋa iyo, ikaʋa yeɗu; ndikapa ʋaRubeni naʋaGadi nyika inobva paAroeri, parwizi Arnoni, nehafu yenyika yamakomo yeGireadi, namaguta ayo;
13
ndikapa hafu yorudzi rwaManase pakaŋga pasara paGireadi, neBashani rose, ʋushe bgaOgi, nenyika yose yeArgobi, ndiro Bashani rose. (Ndiyo inonzi nyika yaʋaRefaimi.
14
Jairi, mŋanakomana waManase, akatora nyika yose yeArgobi, kuȿikira pamuganho waʋaGeshuri naʋaMaakati, akaitumidza, iro Bashani rose, zita rake, Havoti‐jairi, kuȿikira nhasi.)
15
Ndikapa Makiri Gireadi.
16
Asi ʋaRubeni naʋaGadi ndakaʋapa kubva paGireadi kuȿikira parwizi Arnoni, ʋuye pakati pomupata nenyika yawo, kuȿikira parwizi Jaboki, ndiyo nyika yaʋana ʋaAmoni.
17
Ʋuye noMupata, neJoridani, nenyika inobva paKinereti, kuȿikira kuguŋgwa roMupata, ndiro Guŋgwa roMunyu, pajiŋga pegomo rePisga, kumabvazuʋa.
18
Neŋguʋa iyo ndakakurairai, ndikati: Jehova Mŋari wenyu wakakupai nyika iyo kuti iʋe yenyu; ɀino munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu, ʋana ʋaIsraeri, makashoŋga nhumbi dzokurwa, imi ʋarume ʋose mhare.
19
Asi ʋakadzi ʋenyu, naʋana ʋenyu ʋaɗuku, neɀipfuwo ɀenyu (ndinoziʋa kuti muneɀipfuwo ɀizhinji), iɀo ɀinofanira kusara mumaguta andakakupai;
20
kuȿikira Jehova apa hama dzenyu zororo semi, kuti naiʋo ʋaʋe nenyika yaʋanopiwa naJehova Mŋari wenyu mhiri kwaJoridani; ipapo muŋgadzokera mumŋe nomumŋe kunhaka yake, yandakakupai.
21
Neŋguʋa iyo ndikaraira ʋo Joshua, ndikati: Meso ako akaʋona ɀose ɀakaitirwa madzimambo awa maʋiri naJehova Mŋari wenyu; saiɀoɀo Jehova ucaitira ʋushe bgose kwamunoyambuka.
22
Hamufaniri kuʋatya, nokuti Jehova Mŋari wenyu ndiye unokurwirai.
23
Neŋguʋa iyo ndikanyeŋgetera kunaJehova, ndikati:
24
Imi Jehova Mŋari, makataŋga kuratidza muranda wenyu ʋukuru bgenyu, noruʋoko rwenyu runesimba; nokuti ndoupiko mŋari kuɗeŋga kana panyika uŋgaita ɀakafanana namaɓasa enyu, nesimba renyu?
25
Ƌonditenderai henyu kuyambuka, ndiʋone nyika yakanaka iri mhiri kwaJoridani, negomo iro rakanaka, neRebanoni.
26
Asi Jehova wakanditsamŋira nokuɗa kwenyu, akasandinzwa; Jehova akati kwandiri: Ɀariŋgana! cirega kuzotaura ɀe neni pamsoro peshoko iro.
27
Kwira pamsoro‐soro pePisga, utarire kumaʋirazuʋa, nokumsoro, nezasi, nokumabvazuʋa, uʋone nameso ako; nokuti hauŋgayambuki Joridani urwu.
28
Asi raira Joshua, umutse mŋoyo wake nokumusimbisa, nokuti iye ucayambuka pamberi paʋanhu aʋa, iye ucaʋagarisa nhaka yenyika yaucaʋona.
29
Ɀino tikagara pamupata wakatarisana neBeti‐peori.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34