bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 17
Deuteronomy 17
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 18 →
1
Usaɓayira Jehova Mŋari wako ŋombe kana gwai rakaremara, kana rinecakaipa cipi necipi; nokuti iɀo ɀinonyaŋgadza Jehova Mŋari wako.
2
Kana pakati pako mukati merimŋe ramasuʋo ako, aunopiwa naJehova Mŋari wako, murume kana mukadzi akawanikwa, unoita ɀakaipa pamberi paJehova Mŋari wako, aciɗarika suŋgano yake,
3
akandoshumira ʋamŋe ʋamŋari, akanamata kwaʋari, kana kuzuʋa kana mŋedzi, kana kunecimŋe cehondo dzokuɗeŋga, candisina‐kukuraira;
4
iwe ukaʋudzwa iɀoɀo, ukaɀinzwa, ipapo unofanira kubvunzisisa kwaɀo; ɀino kana ukaʋona kuti ndiɀo, ndeɀamaɀokwaɗi, kuti cinhu cinonyaŋgadza cakaɗai caitwa pakati paIsraeri;
5
ipapo unofanira kuɓuɗisa murume uyo, kana mukadzi uyo, wakaita cinhu ici cakaipa, kumasuʋo ako, iye murume nomukadzi, ugoʋataka namabge, ʋafe.
6
Nokupupura kweɀapupu ɀiʋiri kana ɀitatu iye unofanira kufa, ŋgaaʋurawe; nokupupura kwecapupu cimŋe ŋgaarege kuʋurawa.
7
Maʋoko eɀapupu ndiwo anofanira kutaŋga kumuʋuraya; pashure maʋoko aʋanhu ʋose. Saiɀoɀo unofanira kubvisa ɀakaipa pakati pako.
8
Kana mhaka ikamuka yamusiŋgagoni kutoŋga, kana yokuʋurayana, kana yokukwirirana, kana yokukuʋadzana, dziri mhaka dzenharo pakati pamasuʋo ako; ipapo unofanira kusimuka nokukwira kunɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako;
9
uende kuʋaprista ʋaRevi, nokumutoŋgi ucaʋa’po pamazuʋa iwayo, uʋabvunze; iʋo ʋacakuziʋisa kutoŋga kwakafanira.
10
Ɀino unofanira kuita seɀaʋanokutoŋgera panɀimbo icatsaurwa naJehova; ucenjere kuti uite seɀaʋanokudzidzisa;
11
unofanira kuita nomurairo waʋanokuraira, ʋuye nokutoŋga kwaʋanokuʋudza; haufaniri kutsauka kana kurudyi kana kuruɓoshwe, pakutoŋga kwaʋacakuratidza.
12
Munhu unoita nokuɀikudza, asiŋgaɗi kuterera muprista unomira’po pakushumira Jehova Mŋari wako, kana mutoŋgi, munhu uyo unofanira kufa; iwe unofanira kubvisa ɀakaipa pakati paIsraeri.
13
Ʋanhu ʋose ʋacaɀinzwa, ʋacatya, ʋakasazoita nokuɀikudza.
14
Ɀino kana ukaȿika panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, ikaʋa yako, ukagara’mo, ukati: Ndicaɀigadzira mambo, seɀinoita ndudzi dzose, dzinondipoteredza;
15
ɀirokwaɀo unofanira kuɀigadzira hako mambo ucatsaurwa naJehova Mŋari wako; unofanira kugadza mumŋe kuhama dzako, kuti aʋe mambo wako; haufaniri kugadza mutorwa, isati iri hama yako.
16
Asi ŋgaarege kuɀiwanzira mabiza, kana kudzosera ʋanhu Egipita, kuti aɀiwanzire mabiza; nokuti Jehova wakati kwauri: Usadzoka ɀe kubva ɀino nenzira iyo.
17
Ʋuye ŋgaarege kuɀiwanzira ʋakadzi, kuti mŋoyo wake urege kutsauka; ʋuye ŋgaarege kuɀiwanzira ɀikuru sirveri nendarama.
18
Ɀino kana iye ogara pacigaro cake coʋushe, unofanira kunyora murairo uyu mubuku yake, acitora mashoko ari kuʋaprista ʋaRevi;
19
inofanira kugara naye, kuti araʋe’mo mazuʋa ose oʋupenyu bgake; kuti adzidze kutya Jehova Mŋari wake, nokuceŋgeta mashoko ose omurairo uyu neɀakatemŋa iɀi, kuti aɀiite;
20
kuti mŋoyo wake urege kuɀikudza pamsoro pehama dzake, arege kutsauka pamurairo uyu, kana kurudyi, kana kuruɓoshwe; kuti awedzere mazuʋa ake paʋushe bgake, iye, naʋana ʋake, pakati paIsraeri.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34