bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 27
Deuteronomy 27
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 28 →
1
Ɀino Mosesi naʋakuru ʋaIsraeri ʋakaraira ʋanhu, ʋakati: Ceŋgetai mirairo yose yandinokurairai nhasi.
2
Ɀino nomusi wamunoyambuka Joridani mucipinda munyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, unofanira kuɀimisira mabge makuru nokuacenesa nesuko;
3
ugonyora pamsoro pawo mashoko ose omurairo uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehova Mŋari wako, nyika inoyerera mukaka noʋuci, seɀawakapikirwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa ako.
4
Ɀino kana mayambuka Joridani, munofanira kumisa mabge iwayo, seɀandinokurairai nhasi, pagomo reEbari, nokuacenesa nesuko.
5
Ipapo unofanira kuʋakira’po Jehova Mŋari wako artari, artari yamabge; haufaniri kusimudzira nhumbi yeɗare pamsoro payo.
6
Unofanira kuʋaka artari yaJehova Mŋari wako namabge asina‐kuʋezwa, ugoɓayira’po Jehova Mŋari wako ɀipiriso ɀinopiswa.
7
Unofanira kuɓayira’po ɀipiriso ɀokuyananisa, nokudya’po; unofanira kufara pamberi paJehova Mŋari wako.
8
Unofanira kunyora pamsoro pamabge awo mashoko ose omurairo uyu, ɀiʋonekwe kwaɀo.
9
Ɀino Mosesi naʋaprista naʋaRevi ʋakataura naʋaIsraeri ʋose, ʋakati: Iwe Israeri, nyarara, unzwe; nhasi waitwa rudzi rwaJehova Mŋari wako.
10
Naiɀoɀo unofanira kuterera inzwi raJehova Mŋari wako, uite mirairo yake neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi.
11
Mosesi akaraira ʋanhu nomusi uyo, akati:
12
Ndiʋo ʋanofanira kundomira pamsoro pegomo reGerizimi, kuti ʋaropafadze ʋanhu, kana mayambuka Joridani: Simeoni, naRevi, naJuda, naIsakari, naJosefa, naBenjamini.
13
Ʋuye ndiʋo ʋanofanira kundomira pagomo reEbari, kuti ʋaʋatuke: Rubeni, naGadi, naAsheri, naZeburuni, naDani, naNaftari.
14
Ɀino ʋaRevi ʋanofanira kupindura, ʋaciti kuʋarume ʋose ʋaIsraeri nenzwi guru:
15
Ŋgaatukwe munhu unoita mufananidzo wakaʋezwa, kana wakaʋumbga, unonyaŋgadza Jehova, riri ɓasa ramaʋoko emhizha, aciumisa pakaʋanda. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kupindura, ʋaciti: Ameni.
16
Ŋgaatukwe munhu unoɀidza ɓaɓa ʋake kana mai ʋake. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
17
Ŋgaatukwe munhu unoshandura muganho wehama yake. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
18
Ŋgaatukwe munhu unotsausa ɓofu panzira. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
19
Ŋgaatukwe munhu unotoŋgera mutorwa nenherera necirikadzi ɀisakarurama. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
20
Ŋgaatukwe munhu unoʋata nomukadzi waɓaɓa ʋake, nokuti wafukura nhere yaɓaɓa ʋake. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
21
Ŋgaatukwe munhu unoʋata nemhuka ipi neipi. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
22
Ŋgaatukwe munhu unoʋata nehanɀadzi yake, kana nomŋanasikana waɓaɓa ʋake, kana nomŋanasikana wamai ʋake. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
23
Ŋgaatukwe munhu unoʋata namai ʋomukadzi wake. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
24
Ŋgaatukwe munhu unoroʋa wokwake pakaʋanda. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
25
Ŋgaatukwe munhu unogamucira fufuro kuti aʋuraye mumŋe usinemhoȿa. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
26
Ŋgaatukwe munhu usiŋgasimbisi mashoko omurairo uyu, nokuaita. Ɀino ʋanhu ʋose ʋanofanira kuti: Ameni.
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 28 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34