bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 13
Deuteronomy 13
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 14 →
1
Ɀino kana muprofita kana muroti akamuka pakati pako, akakuratidza ciratidzo kana cinoshamisa,
2
ico ciratidzo kana cinoshamisa cikaitika, caakataura kwauri, aciti: Ŋgatiteʋere ʋamŋe ʋamŋari, ʋawakaŋga usiŋgaziʋi, tiʋashumire;
3
usaterera mashoko omuprofita uyo kana muroti uyo, nokuti Jehova Mŋari wenyu unokuidzai, kuti aziʋe kana muciɗa Jehova Mŋari wenyu nomŋoyo wenyu wose ʋuye nomŋeya wenyu wose.
4
Munofanira kuteʋera Jehova Mŋari wenyu nokumutya, nokuceŋgeta mirairo yake, nokuterera inzwi rake, nokumushumira, nokumunamatira.
5
Asi muprofita uyo kana muroti uyo ʋanofanira kuʋurawa; nokuti wakataura mashoko anomukira Jehova Mŋari wenyu, iye wakakuɓuɗisai panyika yeEgipita, nokukudzikinurai muimba yoʋuranda, akakutsausa panzira yawakarairwa naJehova Mŋari wako, kuti ufambe’mo. Naiɀoɀo unofanira kubvisa ɀakaipa pakati pako.
6
Kana munuŋuna wako, kana mŋanakomana wamai ʋako, kana mŋanakomana wako, kana mŋanasikana wako, kana mukadzi unoɗikanwa newe, kana shamŋari yako yaunoɗa kwaɀo, ʋakakutsausa pakaʋanda, ʋaciti: Hendei tindoshumira ʋamŋe ʋamŋari, ʋawakaŋga usiŋgaziʋi, iwe, kana madziɓaɓa ako;
7
ʋari ʋamŋari ʋendudzi dzakakupoteredzai, dziri pedyo newe, kana kure newe, kubva panorumŋe rutiʋi rwenyika kuȿikira kunorumŋe rutiʋi rwenyika;
8
haufaniri kumutenda, kana kumuterera; ziso rako rirege kumunzwira tsitsi, kana kumurega, kana kumuʋanza;
9
asi unofanira kumuʋuraya ɀirokwaɀo; ruʋoko rwako ŋgarutaŋge kumuʋuraya, pashure maʋoko aʋamŋe ʋanhu ʋose.
10
Unofanira kumutaka namabge, afe, nokuti wakatȿaka kukutsausa ubve kunaJehova Mŋari wako, iye wakakuɓuɗisa panyika yeEgipita paimba yoʋuranda.
11
ƲaIsraeri ʋose ʋaɀinzwe, ʋatye, ʋarege kuzoita ɀakaipa ɀakaɗai pakati pako.
12
Kana ukanzwa ʋacikuʋudza munerimŋe ramaguta ako aunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti ugare’mo, ʋaciti:
13
Ʋananyakuti ʋakaiȿo‐ipa ʋari’po, ʋakaɓuɗa pakati pako, ʋakatsausa ʋagere muguta raʋo, ʋaciti: Hendei tindoshumira ʋamŋe ʋamŋari, ʋamakaŋga musiŋgaziʋi;
14
ɀino unofanira kuferefeta, nokutȿakisisa, nokubvunzisisa kwaɀo; ɀino kana ukaʋona kuti ndeɀamaɀokwaɗi, kuti ndiɀo, kuti cinhu cinonyaŋgadza cakaɗai cakaitwa pakati pako;
15
ɀirokwaɀo unofanira kuparadza ʋanhu ʋagere muguta iro nomunondo unopinza, nokuriparadza cose, iro neɀose ɀiri mukati maro, neɀipfuwo ɀaro, nomunondo unopinza.
16
Ɀakapambga ɀose unofanira kuɀiʋuŋganidzira pakati penzira huru yaro, ndokupisira Jehova Mŋari wako guta neɀakapambga ɀaro ɀose‐ɀose; ɀinofanira kuʋa murwi nokusiŋgaperi; harifaniri kuʋakwa ɀe.
17
Cinhu cimŋe ceɀakayeriswa ŋgacirege kunamatira pamaʋoko ako, kuti Jehova aɀidzore pakutsamŋa kwake kukuru, akunzwire nyasha, aʋe netsitsi newe, akuwanze, seɀaakapikira madziɓaɓa ako;
18
kana ukaterera inzwi raJehova Mŋari wako, ukaceŋgeta mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, uciita ɀakarurama pamberi paJehova Mŋari wako.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34