bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 9
Deuteronomy 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 10 →
1
Inzwa, iwe Israeri, nhasi unofanira kuyambuka Joridani, kuti upinde nyika kundopiwa ndudzi dzinokupfuʋura paʋukuru nesimba, dziʋe dzako, namaguta makuru anamaȿiŋgo anoȿika kuɗeŋga,
2
naʋanhu ʋakuru ʋarefu, ʋana ʋaAnaki, ʋaunoziʋa, ʋawakanzwa ɀicinzi: Ndianiko uŋgamira pamberi paʋana ʋaAnaki?
3
Naiɀoɀo uziʋe nhasi kuti Jehova Mŋari wako ndiye unokutuŋgamirira somŋoto unoparadza; iye ucaʋaparadza, iye ucaʋakunda pamberi pako; naiɀoɀo iwe ucaʋadziŋga, nokuʋaparadza nokukurumidza, seɀawakaʋudzwa naJehova.
4
Ɀino kana Jehova Mŋari wako aʋadziŋga pamberi pako, usataura mumŋoyo mako, uciti: Jehova wakandipinza munyika ino iʋe yaŋgu, nokuɗa kwokururama kwaŋgu; nokuti Jehova unodziŋga ndudzi idzi nokuɗa kwokuipa kwaʋo.
5
Haupindi munyika yaʋo, iʋe yako, nokuɗa kwokururama kwako, kana nokuɗa kwokururama kwomŋoyo wako; asi Jehova Mŋari wako unodziŋga ndudzi idzi pamberi pako nokuɗa kwokuipa kwaʋo, ʋuye kuti asimbise shoko rakapikirwa madziɓaɓa ako naJehova, kunaAbrahama, nokunaIsaka, nokunaJakobo.
6
Naiɀoɀo uziʋe kuti Jehova Mŋari wako haakupi nyika iyi yakanaka iʋe yako, nokuɗa kwokururama kwako; nokuti uri rudzi runemitsipa mikukutu.
7
Raŋgarira, usakaŋganwa, kuti wakatsamŋisa Jehova Mŋari wako sei murenje; kubva pazuʋa rawakaɓuɗa naro panyika yeEgipita kudzimana maȿika kunɀimbo iyi, makaramba mucimukira Jehova.
8
NapaHorebi makatsamŋisa Jehova, Jehova akakutsamŋirai, akaɗa kukuparadzai.
9
Ŋguʋa yandakakwira pagomo kundogamucira mahwendefa amabge, iwo mahwendefa esuŋgano, yaakaita iye Jehova nemi, ndakagara mugomo mazuʋa anamakumi manna noʋusiku bgunamakumi manna; ndakaŋga ndisiŋgadyi ɀokudya, kana kunwa mvura.
10
Ɀino Jehova akandipa mahwendefa maʋiri amabge, akaŋga akanyorwa nomunwe waMŋari; pamsoro pawo pakaŋga pakanyorwa mashoko ose akaŋga ataurwa kwamuri naJehova pagomo, ari mukati momŋoto nomusi weʋuŋgano.
11
Ɀino mazuʋa anamakumi manna noʋusiku bgunamakumi manna ɀakati ɀapera, Jehova akandipa mahwendefa maʋiri amabge, iwo mahwendefa esuŋgano.
12
Ɀino Jehova akati kwandiri: Simuka, kurumidza kuɓuruka pano, nokuti ʋanhu ʋako ʋawakaɓuɗisa paEgipita, ʋaɀitadzira; ʋakurumidza kutsauka panzira yandakaʋaraira; ʋaɀiitira mufananidzo wakaʋumbga.
13
Ʋuye Jehova akataura neni, akati: Ndaʋona rudzi urwu, tarira, rudzi runemitsipa mikukutu;
14
ndirege, ndiʋaparadze, ndidzime zita raʋo pasi peɗeŋga, ndikuite iwe rudzi runoʋapfuʋura nesimba noʋukuru.
15
Naiɀoɀo ndakadzoka, ndikaɓuruka pagomo, gomo rikapfuta nomŋoto; ɀino mahwendefa maʋiri esuŋgano akaŋga ari mumaʋoko aŋgu maʋiri.
16
Ndikatarira, ndikaʋona kuti makaŋga matadzira Jehova Mŋari wenyu; makaŋga maɀiitira mhuru yakaʋumbga; makaŋga makurumidza kutsauka panzira yamakaŋga marairwa naJehova.
17
Ndikaɓata mahwendefa maʋiri, ndikaarashira pasi namaʋoko aŋgu maʋiri, ndikaaputsa muciɀiʋona.
18
Ndikawira pasi pamberi paJehova, sapakutaŋga, mazuʋa anamakumi manna noʋusiku bgunamakumi manna; ndakaŋga ndisiŋgadyi ɀokudya, kana kunwa mvura, nokuɗa kweɀiʋi ɀenyu ɀose ɀamakaŋga matadza, muciita ɀakaipa pamberi paJehova, mucimutsamŋisa.
19
Nokuti ndakatya hasha nokutsamŋa kukuru, kwamakatsamŋirwa nako naJehova, nokuti wakaŋga aciɗa kukuparadzai. Asi Jehova wakandinzwa ʋo neŋguʋa iyo.
20
Jehova wakaŋga aneshuŋgu ʋo kwaɀo naAroni, akaɗa kumuparadza, ndikanyeŋgeterera Aroni ʋo neŋguʋa iyo.
21
Ndikatora ɀiʋi ɀenyu, iyo mhuru iya yamakaŋga maʋumba, ndikaipisa nomŋoto, ndikaipxanya, nokuikuya kwaɀo, kuȿikira yatsetseka seguruʋa; ndikakandira guruʋa rayo murukoʋa rwakaŋga rucibva mugomo.
22
NapaTabera ʋo, napaMasa, napaKibroti‐hatava makatsamŋisa Jehova.
23
Neŋguʋa yamakatumŋa naJehova kuti mubve paKadeshi‐barnea, aciti: Kwirai, mutore nyika, yandakakupai, iʋe yenyu, makamukira murairo waJehova Mŋari wenyu, mukasamutenda, nokusaterera inzwi rake.
24
Makaramba mucimukira Jehova kubva pazuʋa randakataŋga kukuziʋai.
25
Ɀino ndikawira pasi pamberi paJehova mazuʋa anamakumi manna noʋusiku bgunamakumi manna, ndiyo ŋguʋa yandakawira pasi; nokuti Jehova wakati: Ndicakuparadzai.
26
Ɀino ndikanyeŋgetera kunaJehova, ndikati: Haiwa, Jehova Mŋari, musaparadza henyu ʋanhu ʋenyu nenhaka yenyu, ʋamakadzikinura noʋukuru bgenyu, ʋamakaɓuɗisa paEgipita necanza cinesimba.
27
Raŋgarirai ʋaranda ʋenyu, Abrahama, naIsaka, naJakobo; musatarira kusindimara kwaʋanhu aʋa, kana kuipa kwaʋo, kana ɀiʋi ɀaʋo;
28
kuti nyika kwamakatiɓuɗisa, irege kuzoti: Jehova wakaʋaɓuɗisa akaʋaʋurayira murenje, nokuti wakaŋga asiŋgagoni kuʋapinza munyika yaakaŋga aʋapikira, ʋuye nokuti wakaŋga aciʋaʋeŋga.
29
Kunyaŋge ɀakaɗaro rudzi rwenyu nenhaka yenyu, rwamakaɓuɗisa nesimba renyu guru, noruʋoko rwenyu rwakatambanudzwa.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34