bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 4
Deuteronomy 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 5 →
1
Ɀino imi ʋana ʋaIsraeri, tererai ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa, ɀandinokudzidzisai, kuti muɀiite; kuti murarame, mupinde mutore nyika, yamunopiwa naJehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu.
2
Musawedzera kana kutapudza pashoko randinokurairai, kuti muceŋgete mirairo yaJehova Mŋari wenyu, yandinokurairai.
3
Meso enyu akaʋona ɀakaitwa naJehova nokuɗa kweɀakaitwa paBaari‐peori; nokuti ʋarume ʋose ʋakateʋera Baari‐peori, Jehova Mŋari wenyu wakaʋaparadza pakati penyu.
4
Asi imi, makanamatira Jehova Mŋari wenyu, imi mose muri ʋapenyu kuȿikira nhasi.
5
Tarirai, ndakakudzidzisai ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa, seɀandarairwa naJehova Mŋari waŋgu, kuti muite saiɀoɀo panyika yamunopinda, kuti iʋe yenyu.
6
Naiɀoɀo muceŋgete iɀoɀo, muɀiite; nokuti ndiko kucenjera kwenyu nokuŋgwara kwenyu pamberi paʋanhu ʋacanzwa ɀose iɀi ɀakatemŋa, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, rudzi urwu rukuru ndiʋanhu ʋakacenjera ʋakaŋgwara.
7
Nokuti rudzi rukuru ruripiko, runamŋari uri pedyo naʋo, saJehova Mŋari weɗu ŋguʋa ipi neipi yatinoɗana kwaari?
8
Rudzi rukuru ruripiko, runeɀakatemŋa neɀakatoŋgwa ɀakarurama somurairo uyu wose, wandinoisa pamberi penyu nhasi?
9
Asi ɀicenjererei, mushiŋgaire kuceŋgeta mŋeya yenyu, kuti murege kukaŋganwa ɀinhu ɀamakaʋona nameso enyu, ɀirege kuzobva pamŋoyo yenyu mazuʋa ose oʋupenyu bgenyu; asi munofanira kuɀiziʋisa ʋana ʋenyu naʋana ʋaʋana ʋenyu;
10
musi wamakaŋga mumire pamberi paJehova Mŋari wenyu paHorebi, musi Jehova waakati kwandiri: Ndiʋuŋganidzire ʋanhu, ndiʋaʋudze mashoko aŋgu, kuti ʋadzidze kunditya mazuʋa ose aʋacagara panyika, ʋagodzidzisa ʋana ʋaʋo ʋo.
11
Imi mukasweɗera, mukamira pajiŋga pegomo; gomo rikapfuta nomŋoto kuȿikira pakati peɗeŋga, pamŋe cete nerima, negore, nokuȿiɓa kukuru.
12
Ɀino Jehova wakataura nemi ari mukati momŋoto; mukanzwa inzwi ramashoko, asi hamuna‐kuʋona kuti wakaɗini; makanzwa inzwi roga.
13
Ipapo wakaɗudzira suŋgano yake kwamuri, yaakakurairai, kuti muiite, iyo mirairo inegumi; akainyora pamahwendefa maʋiri amabge.
14
Neŋguʋa iyo Jehova akandiraira, kuti ndikudzidzisei ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa, kuti mundoɀiita panyika iyo, kwamunoenda, kuzoiita yenyu.
15
Naiɀoɀo ɀicenjererei ɀikuru, nokuti hamuna‐kuʋona kuti wakaŋga akaɗini, musi Jehova waakataura nemi paHorebi ari pakati pomŋoto.
16
Kuti murege kuɀishatsa, muciɀiitira cifananidzo cakaʋezwa, cakafanana necinhu cipi necipi, kana mufananidzo womurume kana womukadzi,
17
Kana mufananidzo wemhuka ipi neipi iri panyika, kana mufananidzo weshiri ipi neipi inamapapiro, inobururuka muɗeŋga,
18
kana mufananidzo wecinhu cipi necipi cinokambaira pasi, kana mufananidzo wehoʋe ipi neipi iri mumvura pasi penyika;
19
kuti murege kusimudzira meso enyu kuɗeŋga, ɀino kana muciʋona zuʋa nomŋedzi nenyeredzi, hondo yose yokuɗeŋga, mukatsauswa mukanamata kwaɀiri nokuɀishumira, iɀo ɀakagoʋerwa ndudzi dzose dziri pasi peɗeŋga naJehova Mŋari wenyu.
20
Asi Jehova wakakutorai imi, akakuɓuɗisai mucoto camatare, paEgipita, kuti muʋe ʋanhu ʋenhaka yake, seɀamuri nhasi.
21
Jehova akanditsamŋira ʋo nokuɗa kwenyu, akapika kuti ini handiŋgayambuki Joridani, ndipinde munyika iyo yakanaka, yamunopiwa naJehova Mŋari wenyu, kuti iʋe yenyu.
22
Asi ini ndinofanira kufira munyika ino, handifaniri kuyambuka Joridani; asi imi mucayambuka henyu, mukapiwa nyika iyo yakanaka.
23
Muɀicenjerere, kuti murege kukaŋganwa suŋgano yaJehova Mŋari wenyu, yaakaita nemi, mukaɀiitira cifananidzo cakaʋezwa comufananidzo wecinhu cipi necipi, cawakadziʋiswa naJehova Mŋari wako.
24
Nokuti Jehova Mŋari wako, mŋoto unoparadza, naMŋari unegoɗo.
25
Ɀino kana iwe waɓereka ʋana naʋazukuru, mukagara ŋguʋa huru panyika, mukaɀishatsa, mukaita cifananidzo cakaʋezwa nomufananidzo wecinhu cipi necipi, mukaita ɀakaipa pamberi paJehova Mŋari wako, mukamutsamŋisa;
26
ini ndinoɗana ɗeŋga napasi ɀikupupurirei nhasi, kuti mucakurumidza kuparadzwa cose panyika yamunoyambukira Joridani kuti muende kwairi kuiita yenyu; hamuŋgaiti’mo mazuʋa mazhinji, asi mucaparadzwa cose.
27
Jehova ucakuparadzirai pakati pendudzi, mucasara muri ʋashoma pakati pendudzi, kwamucandoiswa naJehova.
28
Apo mucashumira ʋamŋari, ʋakaitwa namaʋoko aʋanhu, ʋamatanda naʋamabge, ʋasiŋgaʋoni, kana kunzwa, kana kudya, kana kunhuwidza.
29
Asi kana mukazotȿaka Jehova Mŋari wako, ipapo, ucamuwana, kana ukamutȿaka nomŋoyo wako wose nomŋeya wako wose.
30
Ɀino kana uri munjodzi, ɀinhu iɀi ɀose ɀakuwira, pamazuʋa okupedzisira ucadzokera kunaJehova Mŋari wako, ukaterera inzwi rake.
31
Nokuti Jehova Mŋari wako ndiMŋari unenyasha; haaŋgakusiyi, kana kukuparadza, kana kukaŋganwa suŋgano yamadziɓaɓa ako, yaakaʋapikira.
32
Nokuti bvunzai henyu ɀino pamazuʋa akapfuʋura, imi musati maʋa’po, kubva pazuʋa rokusikwa kwaʋanhu panyika naMŋari, kubva panorumŋe rutiʋi rweɗeŋga kuȿikira kunorumŋe, kana kwaimboʋa’po cinhu cikuru cakaɗai, kunyaŋge kumbonzwika cakaɗai?
33
Ko kunaʋanhu, ʋakambonzwa inzwi raMŋari ricitaura riri mukati momŋoto, seɀamakanzwa imi, ʋakararama here?
34
Kana Mŋari wakatoŋgoidza kundoɀitsaurira rudzi pakati po rumŋe rudzi, nemiidzo, neɀiratidzo, neɀinoshamisa, nehondo, necanza cinesimba, noruʋoko rwakatambanudzwa, neɀinotyisa kwaɀo, seɀamakaʋona ɀamakaitirwa ɀose naJehova paEgipita here?
35
Imi makaratidzwa iɀoɀo, kuti muziʋe kuti Jehova ndiye Mŋari; hakunomumŋe kunze kwake.
36
Wakakunzwisai inzwi rake ari kuɗeŋga, kuti akudzidzise; panyika wakakuʋonesa mŋoto wake mukuru; iwe wakanzwa mashoko ake ari mukati momŋoto.
37
Wakaɗa madziɓaɓa ako, naiɀoɀo akaɀitsaurira ʋana ʋaʋo ʋakaʋateʋera, akakuɓuɗisa paEgipita, iye anewe nesimba rake guru;
38
kuti adziŋge pamberi pako ndudzi dzinokupfuʋura noʋukuru nesimba, akupinze iwe, akupe nyika yaʋo iʋe nhaka yako, seɀaakaita nhasi.
39
Naiɀoɀo uziʋe nhasi, uɀiceŋgete mumŋoyo mako, kuti Jehova ndiye Mŋari kuɗeŋga kumsoro napanyika pasi; hakunomumŋe.
40
Unofanira kuceŋgeta ɀaakatema, nemirairo yake, yandinokuraira nhasi, kuti ufare iwe naʋana ʋako ʋanokuteʋera, kuti uwedzere mazuʋa ako panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako nokusiŋgaperi.
41
Ɀino Mosesi akatsaura maguta matatu mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa;
42
kuti muʋurayi agone kutizira’ko, iye wakaʋuraya wokwake, asina‐kuita nobgoni, asina‐kumuʋeŋga kare; kuti kana aciŋge atizira kunerimŋe ramaguta iwayo, ararame;
43
aiti: Bezeri murenje, kunyika yamapani, waʋaRubeni, neRamoti paGireadi, waʋaGadi, neGorani paBashani, waʋaManase.
44
Ɀino ndiwo murairo wakaiswa naMosesi pamberi paʋana ʋaIsraeri:
45
Ndiɀo ɀakapupurwa, neɀakatemŋa, neɀakatoŋgwa, ɀakataurwa naMosesi kuʋana ʋaIsraeri, pakuɓuɗa kwaʋo Egipita;
46
ʋari kumabvazuʋa kwaJoridani, pamupata wakatarisana neBeti‐peori, munyika yaSihoni, mambo waʋaAmori, wakaŋga agere Heshboni, iye wakakundwa naMosesi naʋana ʋaIsraeri, pakuɓuɗa kwaʋo Egipita;
47
ʋakatora nyika yake, nenyika yaOgi, mambo weBashani, ikaʋa yaʋo; iwo madzimambo maʋiri aʋaAmori, ʋakaŋga ʋari mhiri kwaJoridani, kumabvazuʋa;
48
kubva paAroeri, pamuʋuyo womupata weArnoni, kuȿikira pagomo reSioni (ndiro Hermoni),
49
noMupata wose uri mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa, kuȿikira paguŋgwa romupata, pajiŋga pePisga.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34