bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 2
Deuteronomy 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 3 →
1
Ɀino takadzoka, tikafamba ticipinda murenje nenzira inoenda kuGuŋgwa Dɀuku, seɀandakaʋudzwa naJehova, tikapota‐pota gomo reSeiri mazuʋa mazhinji.
2
Ɀino Jehova akataura neni, akati:
3
Mapota‐pota gomo iri ŋguʋa yariŋgana; dzokai muende necokumsoro.
4
Raira ʋanhu, uti: Munofanira kupfuʋura nomunyika yehama dzenyu, ʋana ʋaEsau, ʋagere Seiri; iʋo ʋacakutyai, saka cenjerai.
5
Musaʋaʋamba, nokuti handiŋgakupiyi nyika yaʋo, kunyaŋge paŋgatsikwa norutsoka; nokuti ndakapa Esau gomo reSeiri, riʋe rake.
6
Munofanira kuteŋga ɀokudya kwaʋari nemari, mudye, nemvura munofanira kuiteŋga ʋo kwaʋari, munwe.
7
Nokuti Jehova Mŋari wako wakakuropafadza pamaɓasa ose amaʋoko ako; iye unoziʋa kufamba kwako murenje iri guru. Jehova Mŋari wako wakaʋa newe makore awa makumi manna; haunakushaiwa cinhu.
8
Naiɀoɀo takapfuʋura hama dzeɗu, ʋana ʋaEsau, ʋagere Seiri, tikasiya nzira yokuMupata, inobva Erati napaEzioni‐geberi. Tikadzoka, tikapfuʋura nenzira yokurenje rokwaMoabi.
9
Ɀino Jehova akati kwandiri: Usarwa naʋaMoabi, kana kuʋaʋamba pakurwa; nokuti handiŋgakupi nyika yaʋo, iʋe yako; nokuti ndakapa Ari ʋana ʋaRoti, iʋe yaʋo.
10
(Kare ʋaEmi ʋakaŋga ʋagere’mo, ʋaiʋa ʋanhu ʋakuru, ʋazhinji, ʋarefu, saʋaAnaki;
11
ʋanonzi ʋorudzi rwaʋaRefaimi, saʋaAnaki, asi ʋaMoabi ʋanoʋaidza ʋaEmi.
12
NaʋaHori ʋo ʋakaŋga ʋagere Seiri kare; asi ʋana ʋaEsau ʋakaʋateʋera, ʋakaʋaparadza pamberi paʋo, ʋakagara panɀimbo yaʋo; seɀakaita ʋaIsraeri nenyika yaʋo yaʋakapiwa naJehova iʋe yaʋo.)
13
Ɀino simukai, muyambuke rukoʋa Zeredi. Tikayambuka rukoʋa Zeredi.
14
Ɀino mazuʋa okubva kweɗu paKadeshi‐barnea kuȿikira tayambuka rukoʋa Zeredi, aiʋa makore makumi matatu namasere; kuȿikira rudzi rwose rwaʋarume ʋehondo ʋaparadzwa pakati pemisasa, seɀaʋakaŋga ʋapikirwa naJehova.
15
Ʋuye ruʋoko rwaJehova ʋo rwairamba rucirwa naʋo, kuti ʋaparadzwe pakati pemisasa kuȿikira ʋapera.
16
Ɀino ʋarume ʋose ʋehondo ʋakati ʋapera nokufa pakati paʋanhu,
17
Jehova akataura neni, akati:
18
Nhasi unofanira kupfuʋura napaAri, pamuganho waMoabi;
19
kana wosweɗera pakatarisana naʋana ʋaAmoni, usarwa naʋo, kana kuʋaʋamba; nokuti handiŋgakupi nyika yaʋana ʋaAmoni, iʋe yako; nokuti ndakaipa ʋana ʋaRoti, iʋe yaʋo.
20
(Naiyo ʋo yainzi inyika yaʋaRefaimi; ʋaRefaimi ʋakaŋga ʋagere’mo kare; asi ʋaAmoni ʋaiʋaidza ʋaZamzumi;
21
ʋaiʋa ʋanhu ʋakuru, ʋazhinji, ʋarefu saʋaAnaki; asi Jehova wakaʋaparadza pamberi paʋo, ʋakaʋateʋera, ʋakagara panɀimbo yaʋo;
22
seɀaakaita naʋana ʋaEsau, ʋanogara Seiri, ŋguʋa yaakaparadza ʋaHori pamberi paʋo, iʋo ʋakaʋateʋera, ʋakagara panɀimbo yaʋo kuȿikira nhasi;
23
ʋaAvi, ʋakaŋga ʋagere mumisha kuȿikira Gaza, ʋakaparadzwa naʋaKaftori, ʋakabva Kaftori, ʋakagara panɀimbo yaʋo)
24
Simukai, mufambe, muyambuke rwizi Arnoni; tarirai, ndakaisa mumaʋoko enyu Sihoni muAmori, mambo weHeshboni, nenyika yake; taŋgai kuitora, muʋambe kurwa naye.
25
Nhasi ndicataŋga kuvundusa nokutyisa ndudzi dziri pasi peɗeŋga rose pamsoro penyu, iʋo ʋacanzwa guhu pamsoro penyu, ʋacabvunda nokutya kwaɀo pamsoro penyu.
26
Ɀino ndakatuma nhume tiri murenje reKedemoti, kunaSihoni, mambo weHeshboni, namashoko orugare, ndiciti:
27
Nditendere kupfuʋura nomunyika yako, ndicafamba nenzira huru, handiŋgatsaukiri kurudyi kana kuruɓoshwe.
28
Muŋganditeŋgesera ɀokudya nemari, ndidye; muŋgandipa mvura ndiciripa nemari, ndinwe, asi nditendere henyu kupfuʋura namakumbo;
29
seɀandakaitirwa naʋana ʋaEsau ʋagere Seiri, naʋaMoabi, ʋagere Ari; kuȿikira ndayambuka Joridani, ndikapinda munyika yatinopiwa naJehova Mŋari weɗu.
30
Asi Sihoni, mambo weHeshboni, wakaramba kutitendera kupfuʋura nokwaari, nokuti Jehova Mŋari wako wakawomesa mŋeya wake, akarambidza mŋoyo wake, kuti amuise iye muruʋoko rwako, seɀaɀakaita nhasi.
31
Ɀino Jehova akati kwandiri: Tarira, ndataŋga kuisa Sihoni nenyika yake kwauri; taŋga kutora, kuti nyika iʋe yako.
32
Ipapo Sihoni akaʋuya, iye naʋanhu ʋake ʋose kuzorwa nesu paJahazi.
33
Jehova Mŋari weɗu akamuisa mumaʋoko eɗu, tikamukunda, iye naʋana ʋake, naʋanhu ʋake ʋose.
34
Neŋguʋa iyo tikakunda maguta ake ose, tikaparadza cose maguta ose aiʋa naʋanhu, pamŋe cete naʋakadzi naʋana ʋaɗuku, hatina‐kusiya kunyaŋge nomumŋe.
35
Asi ɀipfuwo ɀoga takaɀitora ɀiʋe ɀeɗu ɀatakatapa, pamŋe cete neɀatakapamba pamaguta atakakunda.
36
Kubva paAroeri pamuʋuyo worwizi Arnoni, nokuguta riri parwizi, kuȿikira Gireadi, kwakaŋga kusineguta rakatikurira; Jehova Mŋari weɗu wakaaisa ose pamaʋoko eɗu;
37
asi hamuna‐kusweɗera kunyika yaʋana ʋaAmoni; kurutiʋi rwose rworwizi Jaboki, namaguta enyika yamakomo, napose patakaŋga tadziʋiswa naJehova Mŋari weɗu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34