bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 20
Deuteronomy 20
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 21 →
1
Kana ukaɓuɗa kundorwa naʋaʋeŋgi ʋako, ukaʋona mabiza, neŋgoro, naʋanhu ʋakawanda kupfuʋura iwe, usaʋatya; nokuti Jehova Mŋari wako unewe, iye wakakuɓuɗisa panyika yeEgipita.
2
Ɀino kana mosweɗera pakurwa, muprista unofanira kuʋuya kuzotaura naʋanhu,
3
aciti kwaʋari: Inzwai imi Israeri, nhasi mosweɗera pakurwa naʋaʋeŋgi ʋenyu; mŋoyo yenyu ŋgairege kupera simba; regai kutya, kana kuɗeɗera, kana kuvunduka pamberi paʋo;
4
nokuti Jehova Mŋari wenyu ndiye unoenda nemi, kukurwirai paʋaʋeŋgi ʋenyu, kukuponesai.
5
Naʋakuru ʋanofanira kutaura naʋanhu, ʋaciti: Panomunhu here wakaʋaka imba itȿa, ucigere kutaŋga kuigara? Ŋgaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumŋe akataŋga kuigara.
6
Ʋuye, panomunhu here wakarima munda wemizambiriŋga, ucigere kudya micero yawo? Ŋgaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumŋe akadya micero yawo.
7
Ʋuye, panomunhu here wakanyeŋga musikana, ucigere kumuwana? Ŋgaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumŋe akamuwana.
8
Ʋuye ʋakuru ʋanofanira kutaura ʋo kuʋanhu, ʋaciti: Panomunhu here unotya, unomŋoyo unovunduka? Ŋgaadzokere kumba kwake; kuti mŋoyo yehama dzake irege kunyauka somŋoyo wake.
9
Ɀino kana ʋakuru ʋapedza kutaura naʋanhu, ʋanofanira kugadza ʋatariri ʋehondo ʋaŋgatuŋgamirira ʋanhu.
10
Kana wosweɗera pedyo neguta kuti urwe naro, unofanira kuriparidzira rugare.
11
Ɀino kana iʋo ʋacikupindura norugare, ʋakakuzarurira masuʋo aʋo, ipapo ʋanhu ʋose ʋanowanikwa mukati maro ʋanofanira kukuterera mutero nokukuɓatira.
12
Kana ʋasiŋgaɗi kuyanana newe, asi kurwa newe, iwe unofanira kurikomba;
13
kana Jehova Mŋari wako akariisa mumaʋoko ako, unofanira kuparadza ʋarume ʋose ʋari’mo nomunondo unopinza;
14
asi ʋakadzi, nepxere, neŋombe, neɀose ɀiri muguta, ɀose ɀiŋgapambga, unofanira kuɀitapira iɀo; iwe ucadya ɀakapambga kuʋaʋeŋgi ʋako, ɀaunopiwa naJehova Mŋari wako.
15
Unofanira kuita saiɀoɀo namaguta ose ari kure kwaɀo newe, asati ari maguta endudzi idzi.
16
Asi kana ari maguta aʋanhu aʋa, ʋaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti ʋaʋe nhaka yako, haufaniri kurega cinhu cimŋe cinofema ciri cipenyu;
17
asi unofanira kuʋaparadza cose, iʋo ʋaHeti, naʋaAmori, naʋaKanani, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi; seɀawakarairwa naJehova Mŋari wako;
18
kuti ʋarege kukudzidzisai kuita ɀose ɀaʋo ɀinonyaŋgadza, ɀaʋakaitira ʋamŋari ʋaʋo; imi mukatadzira Jehova Mŋari wenyu.
19
Kana ukakomba guta ŋguʋa refu, ucirwa naro, kuti urikunde, haufaniri kuparadza miti yaro, uciitema nesanhu; uŋgaidya, haufaniri kuitema; nokuti muti womusaŋgo munhu here, kuti ukombge newe?
20
Asi miti yaunoziʋa kuti miti isiŋgadyiwi, unofanira kuiparadza uciitema; guta rinorwa newe unofanira kuriʋakira mhanda kuȿikira rakundwa.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34