bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 24
Deuteronomy 24
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 25 →
1
Kana murume akatora mukadzi, akamuwana, ɀino akasafara naye, nokuti wawana cinhu cisina‐kufanira kwaari, unofanira kumunyorera rugwaro rwokumuramba, ndokuruisa muruʋoko rwake, ndokumubvisa mumba make.
2
Ɀino kana aɓuɗa mumba make, uŋgandowanikwa nomumŋe murume.
3
Kana murume uyu ɀe akamuʋeŋga, akamunyorera rugwaro rwokumuramba, akamupa irwo muruʋoko rwake, akamubvisa mumba make, kunyaŋge murume uyu akazofa, iye wakazomuwana,
4
murume wake wokutaŋga, wakaɗeya kumubvisa, haaŋgamuwani ɀe, ɀaakaȿiɓiswa; nokuti iɀo ɀinonyaŋgadza Jehova; haufaniri kutadzisa nyika, yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe nhaka yako.
5
Kana munhu acaŋgowana mukadzi, haafaniri kuenda kuhondo, kana kuɓatiswa rimŋe ɓasa; unofanira kugara kumusha gore rimŋe akasunuŋguka, kuti afadze mukadzi wake waakawana.
6
Munhu haafaniri kutora guyo kana huyo, kuti ruʋe ruɓatso; nokuti unotora ruɓatso rwoʋupenyu bgomunhu.
7
Kana munhu akawanikwa aciɓa mumŋe wehama dzake kuʋana ʋaIsraeri, akamuita muranda wake, kana kumuteŋgesa, uyo muɓi unofanira kufa; saiɀoɀo unofanira kubvisa cakaipa pakati pako.
8
Cenjera pahosha yamaperembudzi kuti uceŋgete nokuita ɀakanaka ɀamunodzidziswa naʋaprista ʋaRevi; seɀandakaʋaraira, ndiɀo ɀamunofanira kuita.
9
Raŋgarira ɀakaitirwa Miriami naJehova Mŋari wako panzira, muciɓuɗa Egipita.
10
Kana ukaposwa nowokwako cinhu cipi necipi, haufaniri kupinda mumba make kundotora ruɓatso rwake.
11
Unofanira kumira kunze, kuti munhu wakaposwa newe akuɓuɗisire kunze ruɓatso rwake.
12
Kana aciŋge ari murombo, haufaniri kundoʋata noruɓatso rwake.
13
Unofanira kumudzosera ruɓatso kana zuʋa roʋira, kuti aʋate neŋguʋo yake, akuropatadze; ucaruramiswa pamsoro paiɀoɀo naJehova Mŋari wako.
14
Usamanikidza muranda unokuɓatira, ari murombo unoshaiwa, kana ari mumŋe wehama dzako, kana waʋatorwa ʋako ʋari munyika yako, mukati mamasuʋo ako.
15
Unofanira kumupa muɓairo wake zuʋa rimŋe nerimŋe, zuʋa ŋgarirege kuʋira asanhi apiwa; nokuti murombo, nomŋoyo wake unoutarira; kuti arege kuzocema kunaJehova pamsoro pako, ɀikaʋa ɀiʋi kwauri.
16
Madziɓaɓa haafaniri kuʋurawa pamsoro paʋana ʋaʋo, naʋana haʋafaniri kuʋurawa pamsoro pamadziɓaɓa aʋo; munhu mumŋe nomumŋe unofanira kuʋurayirwa ɀiʋi ɀake.
17
Usatoŋgera mutorwa kana nherera ɀisina‐kururama; ʋuye haufaniri kutora ŋguʋo yecirikadzi kuita ruɓatso nayo.
18
Asi unofanira kuraŋgarira kuti wakaŋga uri muranda paEgipita, Jehova Mŋari wako akakudzikinura ipapo; naiɀoɀo ndinokuraira kuita cinhu ici.
19
Kana ukakohwa ɀiyo ɀako mumunda mako, ukakaŋganwa cisote mumunda, haufaniri kudzokera kundocitora; cinofanira kuʋa comutorwa, nenherera, necirikadzi; kuti Jehova Mŋari wako akuropafadze pamaɓasa ose amaʋoko ako.
20
Kana ucizuza muti wako womuorivi, usatȿakisisa pamataʋi ɀe; ɀinofanira kuʋa ɀomutorwa nenherera, necirikadzi.
21
Kana uciʋuŋganidza mazambiriŋga omunda wako wemizambiriŋga, haufaniri kutȿakisisa ɀe; anofanira kuʋa omutorwa, nenherera, necirikadzi.
22
Unofanira kuraŋgarira kuti wakaŋga uri muranda panyika yeEgipita; naiɀoɀo ndinokuraira cinhu ici.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34