bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 12
Deuteronomy 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 13 →
1
Ndiɀo ɀakatemŋa, neɀakatoŋgwa, ɀamunofanira kucenjera kuti muɀiite panyika yawakapiwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa ako, kuti iʋe yako, mazuʋa ose amunogara panyika.
2
Munofanira kuparadza cose nɀimbo dzose, apo, ndudzi dzose dzamunopiwa kuti dziʋe dzenyu, padzaishumira ʋamŋari ʋadzo, pamakomo marefu, napaɀikomo, napasi pemiti mitema yose;
3
munofanira kuputsa artari dzaʋo, nokuputsanya shoŋgwe dzaʋo, nokupisa matanda aʋo okunamata nawo; muteme ʋo mifananidzo yaʋo yakaʋezwa; kuti muparadze zita raɀo panɀimbo iyo.
4
Regai kuitira Jehova Mŋari wenyu saiɀoɀo.
5
Asi munofanira kushanyira panɀimbo yakatsaurwa naJehova Mŋari wenyu pakati pamarudzi enyu ose, kuti aise zita rake’po, paanogara, ndipo pamunofanira kushanyira’po, nokuenda’po;
6
munofanira kuʋuya’po neɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀenyu, neɀegumi ɀenyu, neɀipiriso ɀakatsaurwa namaʋoko enyu, neɀipikiso ɀenyu, neɀipo ɀokuɗa kwenyu, naʋana ʋemhoŋgora dzeŋombe dzenyu nedzamakwai enyu;
7
ndipo pamunofanira kudya pamberi paJehova Mŋari wenyu, mucifarira ɀose ɀamunoɓata namaʋoko enyu, imi, nemhuri dzenyu, seɀamakaropafadzwa naJehova Mŋari wenyu.
8
Hamufaniri kuita seɀatinoita pano nhasi, mumŋe nomumŋe seɀaanoʋona kuti ndiɀo ɀakanaka;
9
nokuti mucigere kuȿika pazororo napanhaka, yaunopiwa naJehova Mŋari wako.
10
Asi kana mayambuka Joridani, mogara munyika yamunopiwa naJehova Mŋari wenyu, iʋe nhaka yenyu, kana iye acikupai zororo paʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose ʋanokukombai, mogara makaceŋgetwa,
11
ɀino kunɀimbo yakatsaurwa naJehova, kuti aise zita rake’po, ndiko kwamunofanira kuʋuya neɀose ɀandinokurairai, ɀinoti: ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀenyu, neɀegumi ɀenyu, neɀipiriso ɀakatsaurwa namaʋoko enyu, neɀipikiso ɀenyu ɀakaiȿo‐naka ɀamunopikira Jehova;
12
mufare pamberi paJehova Mŋari wenyu, imi naʋanakomana ʋenyu, naʋanasikana ʋenyu, naʋaranda ʋenyu, naʋarandakadzi ʋenyu, nomuRevi uri mukati mamasuʋo enyu, nokuti iye haanamugoʋe kana nhaka pakati penyu.
13
Cenjera kuti urege kuʋuya neɀipiriso ɀako ɀinopiswa panɀimbo ipi neipi yaunoʋona,
14
asi panɀimbo icatsaurwa naJehova panorumŋe rwamarudzi ako, ndipo paunofanira kuʋuya neɀipo ɀako ɀinopiswa, ndipo paunofanira kuita ɀose ɀandinokuraira.
15
Asi uŋgaɓaya hako nokudya hako nyama mukati mamasuʋo ako ose, seɀinoɗa mŋoyo wako, ʋuye seɀawakaropafadzwa naJehova Mŋari wako; usina‐kunaka nowakanaka ʋose ʋaŋgaidya, se ɀinoitwa nenyama yemhara nenondo.
16
Asi hamufaniri kudya ropa; unofanira kuriteʋurira pasi semvura.
17
Usadya mukati mamasuʋo ako ɀegumi ɀeɀiyo ɀako, kana ɀewaini yako, kana ɀamafuta ako, kana ʋana ʋemhoŋgora dzeŋombe dzako, kana dzamakwai ako, kana cipikiso cipi necipi caunopika naco, kana ɀipo ɀokuɗa kwako, kana cipiriso cinotsaurwa noruʋoko rwako;
18
asi unofanira kuɀidya pamberi paJehova Mŋari wako panɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako, iwe, naʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako, naʋaranda ʋako naʋarandakadzi ʋako, nomuRevi uri mukati mamasuʋo ako; unofanira kufara pamberi paJehova Mŋari wako paɀose ɀaunoɓata namaʋoko ako.
19
Cenjera kuti urege kukaŋganwa muRevi ŋguʋa yose yaunogara munyika yako.
20
Ɀino kana Jehova Mŋari wako akurisa nyika yako, seɀaakakupikira, iwe ukati: Ndicadya nyama, nokuti mŋoyo wako unoɗa kudya nyama, uŋgadya hako nyama, seɀinoɗa mŋoyo wako.
21
Kana nɀimbo yakatsaurwa naJehova, kuti aise zita rake’po, iri kure newe, unofanira kuɓaya ɀimŋe ɀeŋombe dzako, kana ɀamakwai ako, ɀawakapiwa naJehova, seɀandakakuraira, ugoɀidya mukati mamasuʋo ako, seɀinoɗa mŋoyo wako.
22
Unofanira kuɀidya se ɀinodyiwa nyama yemhara neyenondo; usina‐kunaka nowakanaka ʋose ʋanofanira kuɀidya pamŋe cete.
23
Asi cenjera kwaɀo kuti urege kudya ropa, nokuti ropa ndibgo ʋupenyu; usadya ʋupenyu pamŋe cete nenyama.
24
Usaridya, asi unofanira kuriteʋurira pasi semvura.
25
Usaridya, kuti ɀiʋe ɀakanaka newe, iwe, naʋana ʋako ʋanokuteʋera, kana uciita ɀakarurama pamberi paJehova.
26
Asi ɀinhu ɀako ɀitȿene, neɀipikiso ɀako, unofanira kuɀitora nokuenda naɀo kunɀimbo yakatsaurwa naJehova.
27
Ɀino unofanira kugadzira ɀipiriso ɀako ɀinopiswa, nyama neropa, paartari yaJehova Mŋari wako; ropa reɀiɓayiro ɀako rinofanira kuteʋurirwa paartari yaJehova Mŋari wako, asi iwe unofanira kudya nyama.
28
Terera unzwe ɀakanaka mashoko awa andinokuraira, kuti ɀive ɀakanaka newe, iwe, naʋana ʋako ʋanokuteʋera nokusiŋgaperi, kana uciita ɀakanaka neɀakarurama pamberi paJehova Mŋari wako.
29
Ɀino kana Jehova Mŋari wako aciparadza pamberi pako ndudzi idzo, dzaunoenda kwadziri kundodziita dzako, ukadziita dzako, ukagara munyika yadzo;
30
ucenjere kuti urege kunyeŋgerwa kuzodziteʋera, idzo dzamboparadzwa pamberi pako; kuti urege kubvunza ʋamŋari ʋaʋo, uciti: Ndudzi idzi dzinoshumira ʋamŋari ʋadzo seiko? Neni ndicaita ʋo saiɀoɀo.
31
Usaitira Jehova Mŋari wako saiɀoɀo; nokuti iʋo ʋakaitira ʋamŋari ʋaʋo ɀose ɀinonyaŋgadza Jehova, neɀaanoʋeŋga; nokuti kunyaŋge ʋanakomana ʋaʋo naʋanasikana ʋaʋo ʋanoʋapisira ʋamŋari ʋaʋo pamŋoto.
32
Cinhu cipi necipi candinokurairai, cenjerai kuti muɀiite; musawedzera kwaɀiri, kana kutapudza kwaɀiri.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34